RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • 1 VaKorinde 14
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku ra1 VaKorinde

      • Zvipo zvekuprofita uye kutaura nendimi (1-25)

      • Misangano yechiKristu yakarongeka (26-40)

        • Nzvimbo yevakadzi muungano (34, 35)

1 VaKorinde 14:1

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “muchishingaira kutsvaga zvipo.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1VaT 5:20

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    10/15/1993, p. 31

1 VaKorinde 14:2

Mashoko Emuzasi

  • *

    Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1VaK 14:5
  • +1VaK 13:2

1 VaKorinde 14:3

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    10/15/2010, pp. 24-25

1 VaKorinde 14:5

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “achishandura.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1VaK 12:30
  • +Joe 2:28; Mab 2:17; 21:8, 9

1 VaKorinde 14:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +VaG 1:11, 12; 2:2
  • +1VaK 12:8

1 VaKorinde 14:7

Mashoko Emuzasi

  • *

    Ichi chiridzwa chinoita zvekufuridzwa.

1 VaKorinde 14:8

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    12/15/2015, p. 21

1 VaKorinde 14:9

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    12/15/2015, p. 21

1 VaKorinde 14:11

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva, munhu anotaura mutauro wausinganzwisisi.

1 VaKorinde 14:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1VaK 12:7; 14:4, 26

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    4/15/2007, pp. 23-24

1 VaKorinde 14:13

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “kushandura.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1VaK 12:8, 10; 14:5

1 VaKorinde 14:19

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “andinoziva.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1VaK 14:4

1 VaKorinde 14:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +VaE 4:14
  • +VaR 16:19
  • +VaH 5:13, 14

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    2/1/2007, p. 11

    7/15/1993, p. 20

    11/15/1987, p. 20

1 VaKorinde 14:21

Mashoko Emuzasi

  • *

    Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 28:11, 12

1 VaKorinde 14:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mab 2:4, 13

1 VaKorinde 14:25

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 45:14; Zek 8:23

1 VaKorinde 14:26

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1VaK 12:8, 10

1 VaKorinde 14:27

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “anoshandura.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1VaK 14:5

1 VaKorinde 14:28

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mushanduri.”

1 VaKorinde 14:29

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mab 13:1

1 VaKorinde 14:31

Magwaro Ari Kumucheto

  • +VaH 10:24, 25

1 VaKorinde 14:33

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1VaK 14:40; VaK 2:5

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Bhuku, chidzidzo 20

    Umambo hwaMwari Huri Kutonga!, p. 120

1 VaKorinde 14:34

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Ti 2:11, 12
  • +1VaK 11:3; VaE 5:22; VaK 3:18; Tit 2:5; 1Pe 3:1

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    9/1/2012, p. 9

    3/1/2006, pp. 28-29

    Kukurukurirana, p. 398

1 VaKorinde 14:36

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    6/1/2011, p. 14

1 VaKorinde 14:37

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    10/15/1993, p. 31

1 VaKorinde 14:38

Mashoko Emuzasi

  • *

    Dzimwe shanduro dzinoti, “kana munhu asingazivi, acharamba asingazivi.”

1 VaKorinde 14:39

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1VaT 5:20
  • +1VaK 14:27

1 VaKorinde 14:40

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1VaK 14:33; VaK 2:5

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Bhuku, chidzidzo 54

    Mukai!,

    nha. 1 2020 p. 10

    “Rudo rwaMwari,” p. 49

    Nharireyomurindi,

    8/1/1997, p. 9

    “Rugwaro Rwose,” pp. 212-214

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

1 VaK. 14:11VaT 5:20
1 VaK. 14:21VaK 14:5
1 VaK. 14:21VaK 13:2
1 VaK. 14:51VaK 12:30
1 VaK. 14:5Joe 2:28; Mab 2:17; 21:8, 9
1 VaK. 14:6VaG 1:11, 12; 2:2
1 VaK. 14:61VaK 12:8
1 VaK. 14:121VaK 12:7; 14:4, 26
1 VaK. 14:131VaK 12:8, 10; 14:5
1 VaK. 14:191VaK 14:4
1 VaK. 14:20VaE 4:14
1 VaK. 14:20VaR 16:19
1 VaK. 14:20VaH 5:13, 14
1 VaK. 14:21Isa 28:11, 12
1 VaK. 14:22Mab 2:4, 13
1 VaK. 14:25Isa 45:14; Zek 8:23
1 VaK. 14:261VaK 12:8, 10
1 VaK. 14:271VaK 14:5
1 VaK. 14:29Mab 13:1
1 VaK. 14:31VaH 10:24, 25
1 VaK. 14:331VaK 14:40; VaK 2:5
1 VaK. 14:341Ti 2:11, 12
1 VaK. 14:341VaK 11:3; VaE 5:22; VaK 3:18; Tit 2:5; 1Pe 3:1
1 VaK. 14:391VaT 5:20
1 VaK. 14:391VaK 14:27
1 VaK. 14:401VaK 14:33; VaK 2:5
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
  • 31
  • 32
  • 33
  • 34
  • 35
  • 36
  • 37
  • 38
  • 39
  • 40
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
1 VaKorinde 14:1-40

Tsamba Yekutanga kuvaKorinde

14 Rambai muchiratidza rudo, uye rambai muchivavarira kuva nezvipo* zvemweya, asi zvikurukuru dai maprofita.+ 2 Nekuti munhu anotaura nendimi haatauri nevanhu, asi naMwari, nekuti hapana anomunzwa,+ asi iye anotauriswa nemweya zvakavanzika zvitsvene.*+ 3 Asi uya anoprofita anovaka, anokurudzira uye anonyaradza vanhu nezvaanenge achitaura. 4 Munhu anotaura nendimi anozvivaka, asi munhu anoprofita anovaka ungano. 5 Ndinoda kuti mese mutaure nendimi,+ asi ndinonyanya kuda kuti muprofite.+ Chokwadi ndechekuti munhu anoprofita mukuru pane uya anotaura nendimi, kunze kwekunge achiturikira,* kuti ungano ivakwe. 6 Asi panguva ino hama, kana ndikauya kwamuri ndichitaura nendimi, ndinenge ndakubatsirai chii kunze kwekunge ndataura nemi zvandakazarurirwa+ kana kuti zvandinoziva+ kana kuti uprofita kana imwe dzidziso?

7 Zvakangofanana nezvinhu zvisina upenyu zvinorira, ingava nyere* kana chiridzwa chine tambo. Kana nyere kana kuti chiridzwa chine tambo chichiridzwa chisingakwidzwi nekuderedzwa, munhu angaziva sei chiri kuridzwa? 8 Nekuti kana bhosvo rikarira zvisina kujeka, ndiani achagadzirira kunorwa? 9 Saka kana imiwo mukataura zvisinganzwisiswi nyore, munhu angaziva sei zviri kutaurwa? Chokwadi ndechekuti munenge muchitaurira mumhepo. 10 Kungava nematauriro akawanda munyika, asi hapana matauriro asina zvaanoreva. 11 Nekuti kana ndisiri kunzwisisa zviri kutaurwa, ndinenge ndava mutorwa* kumunhu ari kutaura, uye ari kutaura anenge ava mutorwa kwandiri. 12 Saka imi sezvo muchida chaizvo kuva nezvipo zvemweya, vavarirai kuva nezvipo zvakawanda zvinovaka ungano.+

13 Saka munhu anotaura nendimi ngaanyengetere kuti akwanise kuturikira.*+ 14 Nekuti kana ndichinyengetera nendimi, chipo changu chemweya ndicho chinenge chichinyengetera, asi pfungwa dzangu hapana zvadzinenge dzichiita. 15 Saka zvinofanira kuitwa sei? Ndichanyengetera nechipo chemweya, asi ndichanyengeterawo nepfungwa dzangu. Ndichaimba rwiyo rwekurumbidza nechipo chemweya, asi ndichaimbawo rwiyo rwekurumbidza nepfungwa dzangu. 16 Ko kana ukasadaro, worumbidza nechipo chemweya, mumwe munhuwo zvake ari pakati penyu angati sei “Ameni” paunenge wanyengetera, iye asiri kunzwa zvauri kutaura? 17 Ichokwadi kuti uri kunyengetera zvakanaka, asi mumwe munhu haasi kuvakwa. 18 Ndinotenda Mwari kuti ndinotaura nendimi dzakawanda kukupfuurai mese. 19 Kunyange zvakadaro, ndingasva hangu ndataura mashoko mashanu nepfungwa dzangu* muungano, kuti ndidzidzisewo vamwe, pane kutaura nendimi+ mashoko ane zviuru gumi.

20 Hama, musava vana vadiki pakunzwisisa kwenyu,+ asi ivai vana vadiki pane zvakaipa;+ uye nyatsokurai pakunzwisisa kwenyu.+ 21 MuMutemo makanyorwa kuti: “‘Ndichataura nevanhu ava nendimi dzevanhu vane mutauro wekumwe uye nemiromo yevanhu vavasingazivi, asi kunyange panguva iyoyo vacharamba kunditeerera,’ anodaro Jehovha.”*+ 22 Saka ndimi hadzisi dzechiratidzo kuvatendi asi kune vasingatendi;+ kuprofitawo hakusi kwevasingatendi, asi ndekwevanotenda. 23 Saka kana ungano yese ikaungana panzvimbo imwe chete uye vese vakatanga kutaura nendimi, vanhuwo zvavo kana kuti vasingatendi vakapinda, havangati marasika pfungwa here? 24 Asi kana mese muchiprofita uye munhu asingatendi kana kuti munhuwo zvake akapinda, achatsiurwa uye achanyatsoongororwa navo vese. 25 Zviri mumwoyo make zvinobva zvabuda pachena, zvekuti achagwadama onamata Mwari achiti: “Chokwadi Mwari ari pakati penyu.”+

26 Saka hama, zvinofanira kuitwa sei? Pamunoungana pamwe chete, mumwe ane pisarema, mumwe ane dzidziso, mumwe ane chaazarurirwa, mumwe ane chipo chekutaura nendimi, uye mumwe ane chipo chekuturikira.+ Itai zvinhu zvese kuti muvakane. 27 Uye kana paine vanotaura nendimi, havafaniri kupfuura vaviri kana vatatu, uye vanofanira kuita zvekuchinjana, paine anoturikira.*+ 28 Asi kana pasina muturikiri,* anofanira kuramba akanyarara muungano, achitaura nechemumwoyo uye naMwari. 29 Vaprofita+ vaviri kana vatatu ngavataure, uye vamwe ngavanzwisise zviri kurehwa. 30 Asi kana mumwe akava nezvaanozarurirwa paanenge akagara ipapo, wekutanga ngaanyarare. 31 Nekuti mese munogona kuprofita muchipanana mukana, kuti vese vadzidze uye vese vakurudzirwe.+ 32 Uye zvipo zvemweya zvevaprofita zvinofanira kudzorwa nevaprofita. 33 Nekuti Mwari haasi Mwari wenyonganyonga, asi ndewerugare.+

Sezvazvakangoita muungano dzese dzevatsvene, 34 vakadzi ngavarambe vakanyarara muungano, nekuti hazvibvumirwi kuti vataure.+ Asi ngavazviise pasi,+ sezvinotaurwawo neMutemo. 35 Kana vachida kudzidza chimwe chinhu, ngavabvunze varume vavo kumba, nekuti zvinonyadzisa kuti mukadzi ataure muungano.

36 Shoko raMwari rakatanga nemi here, kana kuti rakangosvika kwamuri chete here?

37 Kana paine munhu anofunga kuti muprofita kana kuti ane chipo chemweya, anofanira kubvuma kuti zvinhu zvandiri kukunyorerai murayiro waShe. 38 Asi kana munhu akaramba izvi, iye acharambwawo.* 39 Saka hama dzangu, rambai muchivavarira kuprofita,+ asi musarambidza kutaura nendimi.+ 40 Asi zvinhu zvese ngazviitike nenzira yakakodzera uye zvakarongeka.+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe