RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Titambire.
Ino iprogiramu yekutsvakurudza nayo mumabhuku akabudiswa neZvapupu zvaJehovha emitauro yakasiyana-siyana.
Kana uchida kudhaunirodha, enda pajw.org.
Chiziviso
Mutauro mutsva wavapo: Dendi
  • Nhasi

Mugovera, August 9

Kana munhu achida kunditevera, ngaazvirambe, atore danda rake rekutambudzirwa, aritakure zuva nezuva, arambe achinditevera.—Ruka 9:23

Zvimwe wakatombopikiswa nevemumhuri, kana kuti wakarega mikana yekuita mari ichipfuura kuitira kuti uise Umambo pekutanga. (Mat. 6:33) Kana zvakadaro, unogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha anoziva zvese zvawakamuitira. (VaH. 6:10) Zvimwe wakaona kuzadzika kwemashoko aJesu ekuti: “Hapana munhu akasiya imba kana vanin’ina kana hanzvadzi kana amai kana baba kana vana kana minda nekuda kwangu uye nekuda kwemashoko akanaka asingazowani zvapetwa kazana munguva ino, dzimba nevanin’ina nehanzvadzi navanaamai nevana neminda, uku achitambudzwa, uye upenyu husingaperi mune ramangwana.” (Mako 10:​29, 30) Makomborero awakawana anopfuura nekure chero chii zvacho chawakarasikirwa nacho.—Pis. 37:4. w24.03 9 ¶5

Kuongorora Magwaro Zuva Nezuva—2025

Svondo, August 10

Shamwari yechokwadi ine rudo nguva dzese uye ihama yakaberekerwa kubatsira panguva yekutambudzika.—Zvir. 17:17.

VaKristu vemuJudhiya pavakapinda munzara huru, vaKristu vemuungano yaiva muAndiyoki yekuSiriya “vakasarudza kutumira zvinhu zvekuyamura hama dzaigara muJudhiya, mumwe nemumwe achibvisa zvaaikwanisa.” (Mab. 11:​27-30) Kunyange zvazvo hama dzakanga dzapinda munzara dzaigara kure, vaKristu vekuAndiyoki vaida chaizvo kudzibatsira. (1 Joh. 3:​17, 18) Isuwo mazuva ano tinogona kuratidza kuti tinonzwira vamwe tsitsi patinoziva kuti hama nehanzvadzi dzedu dzawirwa nenjodzi. Tinokurumidza kuratidza kuti tinoda kubatsira zvimwe nekubvunza vakuru kana tichigona kubatsira pane rimwe basa rinenge richida kuitwa, nekupa mupiro kubasa remunyika yese, kana kunyengeterera vaya vanenge vawirwa nenjodzi. Hama nehanzvadzi dzedu dzingada kubatsirwa kuti dziwane zvadzinoda kuti dzirarame. Mambo wedu Kristu Jesu paachauya kuzotonga vanhu, dai akatiwana tichibatsira vamwe, otikoka kuti ‘tizogara nhaka yeUmambo.’—Mat. 25:​34-40. w23.07 4 ¶9-10; 6 ¶12

Kuongorora Magwaro Zuva Nezuva—2025

Muvhuro, August 11

Kunzwisisa kwenyu ngakuzivikanwe nevanhu vese.—VaF. 4:5.

Jesu aitevedzera kunzwisisa kunoita Jehovha. Akatumwa panyika kuti aparidze “kumakwai akarasika eimba yaIsraeri.” Asi akaratidza kuti ainzwisisa paaiita basa iroro. Semuenzaniso, mumwe mukadzi aisava muIsraeri akakumbira kuti Jesu aporese mwanasikana wake uyo ‘aiva nedhimoni raimutambudza.’ Jesu akanzwira tsitsi mukadzi uyu achibva aporesa mwanasikana wake. (Mat. 15:​21-28) Funga nezvemumwe muenzaniso. Pane imwe nguva paaiita ushumiri hwake, Jesu akati: “Munhu wese anondiramba . . . , iniwo ndichamuramba.” (Mat. 10:33) Asi akaramba Petro here, uyo ainge amuramba katatu? Aiwa. Jesu akaziva kuti Petro akarwadziwa chaizvo nezvaakaita uye kuti aiva munhu akatendeka. Jesu paakanga amutswa, akazviratidza kuna Petro uye anogona kunge akamuratidza kuti ainge amuregerera uye kuti aimuda. (Ruka 24:​33, 34) Jehovha Mwari naJesu Kristu vanonzwisisa. Ko isu? Jehovha anoda kuti tive vanhu vanonzwisisa. w23.07 21 ¶6-7

Kuongorora Magwaro Zuva Nezuva—2025
Titambire.
Ino iprogiramu yekutsvakurudza nayo mumabhuku akabudiswa neZvapupu zvaJehovha emitauro yakasiyana-siyana.
Kana uchida kudhaunirodha, enda pajw.org.
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe