Rute
3 Vamwene vake, Naomi, vakati kwaari: “Mwanasikana wangu, handifaniri kukutsvagira musha,*+ kuti zvikunakire here? 2 Bhoazi haasi hama yedu here?+ Ndiye ane vashandikadzi vawaiva navo. Ari kuurutsa bhari kuburiro* usiku huno. 3 Saka geza, uzore mafuta anonhuhwirira, wopfeka,* woenda kuburiro. Usaita kuti murume wacho azive kuti uripo kusvikira apedza kudya nekunwa. 4 Kana ava kurara, nyatsotarisa kuti acharara papi; wobva waenda paari, womufukura nechekutsoka worara pasi. Achakuudza zvaunofanira kuita.”
5 Akabva ati kwavari: “Ndichaita zvese zvamandiudza.” 6 Saka akaenda kuburiro, akaita zvese zvaakanga arayirwa navamwene vake. 7 Panguva iyi, Bhoazi akanga achidya nekunwa, uye mwoyo wake wakanga uchifara. Akabva aenda kunorara pamucheto pemurwi wezviyo. Pashure paizvozvo Rute akasvika chinyararire, akafukura tsoka dzaBhoazi, akarara pasi. 8 Pava pakati peusiku, murume wacho akatanga kudedera, akamuka akagara, ndokuona mukadzi akarara kutsoka dzake. 9 Akati: “Ndiwe ani?” Akapindura kuti: “Ndini Rute muranda wenyu. Fukidzai muranda wenyu nenguo yenyu,* nekuti muri mudzikinuri.”+ 10 Iye akati: “Jehovha ngaakukomborere mwanasikana wangu. Waratidza rudo rusingachinji iye zvino kupfuura zvawakaita pakutanga,+ nekusatevera varume vechidiki, vangava varombo kana kuti vapfumi. 11 Usatya zvako mwanasikana wangu. Ndichakuitira zvese zvaunotaura,+ nekuti munhu wese ari muguta anoziva kuti uri mukadzi anoita zvakanaka chaizvo. 12 Ichokwadi kuti ndiri mudzikinuri,+ asi pane mumwe mudzikinuri ane ukama hwepedyo nemi kupfuura ini.+ 13 Rara pano usiku huno, uye kana akakudzikinura mangwana kwaedza, zvakanaka! Ngaakudzikinure hake.+ Asi kana asingadi kukudzikinura, naJehovha mupenyu, ndichakudzikinura. Rara zvako pano kusvikira kwaedza.”
14 Saka akarara kutsoka dzake kusvikira mangwanani, akazomuka kusati kwanyatsochena zvekuti munhu angazivikanwa kuti ndiani. Bhoazi akabva ati: “Usaita kuti vanhu vazive kuti pane mukadzi auya kuburiro.” 15 Akatiwo: “Uya nejira rawakazvimonera naro, uritambanudze.” Saka akaritambanudza, akamuisira zviyero 6* zvebhari, akamutakudza, Bhoazi achibva apinda muguta.
16 Rute akaenda kuna vamwene vake, avo vakabva vati kwaari: “Wafamba zvakanaka here* mwanangu?” Akabva avaudza zvese zvaakanga aitirwa nemurume wacho. 17 Akatiwo: “Andipa zviyero 6 izvi zvebhari, uye ati kwandiri, ‘Usaenda kuna vamwene vako usina chawakabata.’” 18 Ivo vakati: “Chigara hako mwanangu, kusvikira waziva kuti nyaya yacho ichafamba sei, nekuti murume wacho haasi kuzozorora kusvikira agadzirisa nyaya yacho nhasi.”