Dzokera Kunoponesa Vamwe
1 Kuda kwaMwari “kuti vanhu vose vaponeswe, vasvike pakuziva zvokwadi.” (1 Tim. 2:4) Chii chatinogona kuita kuti tibetsere? Ita shanyo dzedzokerero nechinangwa chokudzidzisa zvokwadi. Chii chauchataura? Zvikarakadzo zvinotevera zvingakubetsera.
2 Pakushanyira mumwe munhu akagamuchira bhuku ra“Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka—Ungaruwana Sei?” unganongedzera zvakare kumufananidzo uri papeji 4 ndokubvunza saimba, kuti:
◼ “Pashure pokumwe kunzverwa kweiri bhuku randakakusiyirai uye muchifunga nezvechipikirwa chaMwari cheparadhiso yapasi, munonzwa sei pamusoro peizvi zvipikirwa zvinoshamisa izvo Mwari akaitira rudzi rwomunhu?” Pashure pokuonga mhinduro yasaimba uye kutsinhira nokupfupikisa pamusoro payo, ungadanira ngwariro kumaganhuro 2 ne3 ndokukarakadza kurangarira chikonzero nei nhamburiko dzomunhu kurugare uye kukuchengeteka, kubatanidza idzo dzorudzi rworudzidziso, dzakakundikana.
3 Kana wakasiya bhuku ra“Chengeteko Yenyika Yose Mukudzora kwo‘Muchinda woRugare,’” ungatangazve kurukurirano yacho kupfurikidza nokuti:
◼ “Pandakanga ndiri pano nguva yakapfuura, takataura pamusoro pechinangwa chaMwari chokusika nyika itsva ine rugare. Takarangarira kuti tariro yakadaro ingagona sei kuunza chinangwa chaichoicho uye revo kuupenyu hwedu. Mubvunzo zvino ndewokuti, Chii chatinofanira kuita kuti tikwanirise nokuda kweizvi zvikomborero? Maizopindura sei mubvunzo iwoyo?” Bvumira mhinduro. Tendeukira kupeji 9 uye kurukurai mifungo iri mundima 14 ne15, uchisimbisa dikanwo yokuvaka kutenda kwakasimba kupfurikidza nokufunda Shoko raMwari. Tsanangura kuti ikoku kunogona sei kuitwa kupfurikidza nokushandisa betsero yegadziriro yedu yefundo yeBhaibheri.
4 Ungateverawo chakagoverwa chebhuku riri pamusoro apa nouku kusvika:
◼ “Nguva yakapfuura ndakadanira ngwariro yenyu kuchipikirwa chaMwari chokugumisa kutambura namasimba masimba munyika. Munofunga kuti Mwari achagumisa masangano ezvorudzidziso neematongerwe enyika ayo ari kukonzera nhamo huru kwazvo nokuda kworudzi rwomunhu nhasi here? Zvichida makarava ganhuro 19, ‘“Hondo Yezuva Guru raMwari Wamasimba Ose” Yoswedera Pedyo.’ Ndingada kushandisa maminiti mashomanene bedzi kurangarira nemi mamwe amagwaro akarongwa muganhuro iyoyo.” Kana munhu wacho achibvuma, ungakwanisa kunzvera magwaro ndokukurukura mashoko akarongwa mundima 1-3 pamapeji 152-3.
5 Ungagona kudzokera kwakagoverwa bhuku ra“Kupukunyuka Ndokupinda muPasi Idzva” kupfurikidza nokuti:
◼ “Ndanga ndichida kudzoka kuzokuratidzai zvakawanda pamusoro pechinangwa chaMwari nokuda kwepasi rino.” Tendeukira kumufananidzo uri papeji 33, rava Zvakazarurwa 21:3, 4, uye ipapo tsanangura nokupfupikisa kuti Umambo hwaMwari huchazadzika sei ichi chipikirwa. Karakadza fundo yeBhaibheri yapamusha yapachena.
6 Yeuka kuti nharidzano mukuita shanyo dzedzokerero ndeyokutanga fundo dzeBhaibheri. Bhuku idzva, Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi, rakarongedzerwa zvikurukuru nokuda kwokuitisa fundo. Apo tinotevera zvakagoverwa zvamabhuku akare ndokutanga chaizvoizvo fundo, kwaizova kwakanaka kunangidzira ngwariro kuiri bhuku idzva.—Mabasa 2:21.