RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 9/99 pp. 3-6
  • Kunamata Kwechokwadi Kuri Kuwedzera muEastern Europe

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kunamata Kwechokwadi Kuri Kuwedzera muEastern Europe
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
  • Mashoko Akafanana
  • Chirongwa Chokuvaka Dzimba dzoUmambo Chiri Kufambira Mberi
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
  • Purogiramu Itsva Yokuvaka Horo dzoUmambo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
  • Kuwedzera Kunoshamisa Kunoita Kuti Padiwe Dzimba Dzakawanda Nokukurumidza
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Kuvakwa kweDzimba dzoUmambo Pasi Pose Mune Dzimwe Nyika dzeEurope
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
km 9/99 pp. 3-6

Kunamata Kwechokwadi Kuri Kuwedzera muEastern Europe

1 VaKristu vomuzana rokutanga remakore vaiva vaparidzi voUmambo vaishingaira. Vaifara ungano padza‘iwedzera pakuwanda zuva nezuva.’ (Mabasa 16:5) Kuparidzira kwavo kwokushinga kwakaita kuti kunamata kwechokwadi kupinde muAsia, Africa, neEurope, kuchigumisira nevatendi vakawanda.

2 Munguva ino yomugumo, kunamata kwechokwadi kuri kupfuurira kuwedzera, kunyanya munyika dzeEastern Europe. Munyika umo taiganhurirwa nehurumende kusvikira kutanga kwama1990, tava nokuwedzera kukuru. Yearbook ya1999 inozivisa kuti mbiri dzenyika dzakadaro, Russia neUkraine, imwe neimwe yakashuma vaparidzi vanopfuura 100 000 vanoita ushumiri hwapachena. Mundima 15 dzeyaichimbova Soviet Union, kubvira muna 1991 vanhu vanopfuura 220 000 vakazvitsaurira kuna Jehovha uye vakabhabhatidzwa! Uku kukura kunokurumidza kunoita kuti kuvakwa kweHoro dzoUmambo neHoro dzemaGungano dzakawanda itsva kudiwe uyewo nekuwedzerwa kwezvivako zvebazu.

3 Chikamu cheHomwe yeSosaiti yeHoro dzoUmambo zvino chiri kushandiswa kupa zvikwereti kuungano dziri munyika dzinoda dzimwe Horo dzoUmambo nokukurumidza asi dzisina kwokuwana zvokushandisa uye nhamo yemari yakakura. Pakati paMarch 1996 naOctober 1998, Sosaiti yakabvuma zvikwereti 359 zveHoro dzoUmambo kubva kumahofisi ebazu anotarisira nyika 11 dzekuEastern Europe. Mari yemipiro iri kushandiswa kutenga nzvimbo nezvinhu zvokuvakisa Horo dzoUmambo itsva nokubetsera ungano kunatsiridza zvivako zviripo. Mifananidzo iri kuratidzwa pano inotipa pfungwa yekuti mipiro kuHomwe yeSosaiti yeHoro dzoUmambo muUnited States nemune dzimwe nyika yakabetsera sei hama dzedu muEastern Europe.

4 Muna 1998, Bulgaria yakava nekuwedzera kwe12 muzana, uye hama dzakafara pakatsaurirwa Horo yadzo yoUmambo yokutanga muna April wegore iroro. Croatia yakava nekuwedzera kwe4 muzana, uye iye zvino hama ikoko dziri kuvaka dzimwe Horo dzoUmambo, kuti dzisimudzire kunamata kwechokwadi. MuHungary Horo dzoUmambo 80 dziri kushandiswa neungano 144. Zvinoreva kuti paungano 235 dziri munyika yacho, 61 muzana dzine nzvimbo dzadzo dzokunamatira. MuMacedonia chirongwa chokuvaka Horo dzoUmambo chapedza horo mbiri itsva, uye dzimwe dziri kuvakwa. Muchirimo cha1999, Horo dzoUmambo mbiri dzinovakwa dzakabatana dzakapedzwa muguta guru reSkopje. Horo idzi dzinogona kushandiswa neungano dzinenge nhanhatu.

5 Gore rapera muRussia, vanhu vanopfuura 260 paavhareji, vaibhabhatidzwa vhiki nevhiki! Richitevedzera muenzaniso wakashandiswa mune dzimwe nyika, bazu reRussia zvino rakaronga Matare Ekuvaka Emunharaunda 12 mundima yaro yose, kuti atsigire zvirongwa zvokuvaka Horo dzoUmambo zvomunguva yemberi. Kurutivi rwekuchamhembe kweSt. Petersburg, Horo yeGungano yokutanga munyika iyoyo iri kuvakwa, iyo ichakwana vanhu 1 600. Chivako chacho chichavewo neHoro dzoUmambo shanu dzine zvigaro 200 imwe neimwe. Kuti tigutse zvinodiwa zvomudzimu zvehama dzedu nevakawanda vanofarira muUkraine, Horo dzoUmambo 84 dzakapedzwa uye 80 dziri kuvakwa.

6 Kuwedzera uku muEastern Europe hakuiti kuti mwoyo yedu ifare here? Hazvinei hazvo nokuti tinogara kupi, kuwedzera kwekunamata kwechokwadi kunotiyeuchidza kuti Mwari haasaruri uye kuti kushivirira kwake kuchareva kuponeswa kwe“vazhinji-zhinji.” (Zvak. 7:9; 2 Pet. 3:9) Chikomborero chakadini chatinacho chokubatanidzwawo zvishoma mukupa mipiro nokuda kwekukura mumudzimu kwevamwe, kunyange avo vari munyika dziri kure! Zvirevo 28:27 inotivimbisa kuti “unopa varombo, haangazoshaiwi.” Kuda kwedu kubetsera nokugovera mari yokuvaka kunogumisira “nokuenzana” kwezvinhu zvokunyama, zvichiita kuti vose vave nomufaro unobva mukupa uye mufaro unobva mukuona kunamata kwechokwadi kuchiwedzera munyika yose.—2 VaK. 8:14, 15; Mabasa 20:35.

[Mufananidzo uri papeji 3]

Săcele, Romania

[Mufananidzo uri papeji 3]

Maardu, Estonia

[Mufananidzo uri papeji 3]

Sevnica, Slovenia

[Mufananidzo uri papeji 3]

Tiszavasvári, Hungary

[Mifananidzo iri papeji 4]

Jūrmala, Latvia

[Mifananidzo iri papeji 4]

Tallinn, Estonia

[Mufananidzo uri papeji 4, 5]

Taurage, Lithuania

[Mifananidzo iri papeji 4, 5]

Belgrade, Yugoslavia

[Mifananidzo iri papeji 5]

Prievidza, Slovakia

[Mufananidzo uri papeji 5]

Mátészalka, Hungary

[Mifananidzo iri papeji 6]

Vranov nad Topl’ou, Slovakia

[Mufananidzo uri papeji 6]

Ruma, Yugoslavia

[Mifananidzo iri papeji 6]

Tornakalns, Latvia

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe