Chengeta
Mharidzo Dzingangoshandiswa Mubasa Romumunda
Shandisa mazano anotevera kuti akubatsire kugadzirira mharidzo dzinoenderana nemabhuku anenge achigoverwa mwedzi wacho.
Swedera Pedyo naJehovha
“Vanhu vakawanda vanotenda muna Mwari vangada kunzwa vari pedyo naye. Maiziva here kuti Mwari anotikoka kuti tiswedere pedyo naye? [Verenga Jakobho 4:8.] Bhuku iri rakagadzirirwa kubatsira vanhu kuti vaswedere pedyo naMwari vachishandisa Bhaibheri ravo.” Verenga ndima 1 iri papeji 16.
“Mazuva ano kusaruramisira kwawanda. Zvakangoita sezvinorondedzerwa pano apa. [Verenga Muparidzi 8:9b.] Vakawanda vanoshamisika kana Mwari achitombova nehanya nazvo. [Verenga mitsetse miviri yokutanga yendima 4 iri papeji 119.] Chitsauko ichi chinotsanangura chikonzero nei Mwari akabvumira kusaruramisira kwenguva yakati.”
Is There a Creator Who Cares About You?
“Tingawana kupi zano rakanakisisa remapedzero atingaita zvinetso zvedu zvinovhiringidza? [Rega apindure. Zvadaro verenga Mateu 7:28, 29.] Izvozvo zvinorondedzera manzwiro akaita vanhu pamusoro peMharidzo yaJesu yepaGomo. Onai zvakataurwa nevamwe. [Muratidze mashoko ari papeji 152.] Chitsauko ichi chinotaura nezvoupenyu hwaJesu nedzidziso dzake.”
“Makambonetsekawo kuti: ‘Kana Mwari ariko, pane chaachazomboita here kuti abvise kutambura nokusaruramisira zviri munyika?’ [Rega apindure. Zvadaro verenga Zvakazarurwa 21:3, 4.] Bhuku iri rinotsanangura zvichaitwa naMwari kuti abvise kutambura uye zvinokukonzera.” Muratidze chitsauko 10.
Rambai Makarinda!
“Vanhu vakawanda vanonetseka nezvezvinetso zvakakomba uye zviitiko zvinotyisa zvakajairika mazuva ano. [Taura muenzaniso unozivikanwa munharaunda.] Maiziva here kuti zvinhu zvakadaro chimwe chechiratidzo chepasi pose chinoratidza kuti nokukurumidza hurumende yaMwari ichadzora zvinoitika pasi pano? [Rega apindure. Zvadaro verenga rugwaro rwakakodzera, rwakadai saMateu 24:3, 7, 8; Ruka 21:7, 10, 11; kana kuti 2 Timoti 3:1-5.] Bhurocha iri rinotaura chikonzero nei zviri zvokukurumidzira zvikuru kusvinurira kune zvinorehwa nezviitiko izvi iye zvino.”
“Vakawanda nhasi vari kurwadziwa nezviitiko zvinotyisa kana kuti nokurasikirwa kukuru. Vamwe vanonetseka kuti nei Mwari asingapindiri kuti aite kuti zvinhu zvakadaro zvisaitika. Bhaibheri rinotivimbisa kuti Mwari achakurumidza kuita chimwe chinhu kuti asunungure vanhu vari kutambura. [Verenga Zvakazarurwa 14:6, 7.] Onai kuti kutonga kwaMwari kucharevei kuvanhu. [Verenga 2 Petro 3:10, 13.] Bhurocha iri rinopa mashoko akawanda panyaya iyi inokosha.”
Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi
“Kudai waikokwa kuti uzogara munzvimbo yakanaka seiyi, waizobvuma here? [Muratidze mufananidzo uri papeji 4-5, uye rega apindure.] Onai zvinotaurwa neShoko raMwari kuti ndizvo zvinokosha kuti tive noupenyu hwakadai nokusingaperi. [Verenga Johani 17:3.] Bhuku iri richakubatsirai kuva nezivo inotungamirira kuupenyu husingaperi.” Ronga kukurukura ndima shanu dzokutanga dzechitsauko chokutanga paunozoshanyazve.
Vhura pamufananidzo uri pamapeji 188-9, uye uchishandisa mashoko anotsanangura mufananidzo wacho, bvunza saimba kuti: “Munotarisira kugara muParadhiso here, zivo yaMwari paichazara pasi pose? [Rega apindure. Zvadaro verenga Isaya 11:9.] Bhuku iri richakubatsirai kudzidza zvinotaura Bhaibheri nezveParadhiso uye kuti tingavamo sei.” Ronga kukurukura ndima 11-16 dzechitsauko 1 paunozoshanyazve.
Dzidza Kumudzidzisi Mukuru
“Munofunga kuti nyika yaizova nzvimbo iri nani here kudai vanhu vaitevedzera mashoko aya? [Verenga Mateu 7:12a. Zvadaro rega apindure.] Bhuku iri rine zvidzidzo zvakawanda zvinobva kumudzidzisi mukuru ati amborarama.” Taura nezvemifananidzo uye mashoko anorondedzera mifananidzo ari muchitsauko 17.
“Mazuva ano, vabereki vakawanda vanoedza kudzidzisa vana vavo tsika dzakanaka. Munofunga kuti izvi zvinokosha here? [Rega apindure. Zvadaro verenga Zvirevo 22:6.] Onai kuti vabereki vanokurudzirwa kuti vatange kudzidzisa vana vavo kubvira vachiri vaduku. Bhuku iri rakagadzirirwa kuvabatsira kuti vaite izvozvo.” Taura nezvemifananidzo uye mashoko anorondedzera mifananidzo ari muchitsauko 15 kana kuti 18.
“Vabereki vanowanzoshamiswa nemibvunzo inobvunzwa nevana vavo. Mimwe mibvunzo yacho ingave yakaoma kupindura, handizvo here? [Rega apindure. Zvadaro verenga VaEfeso 6:4.] Bhuku iri rinogona kubatsira vabereki kupindura mibvunzo yevana vavo nhasi.” Taura nezvemifananidzo mishomanana uye mashoko anorondedzera mifananidzo ari muchitsauko 11 ne12 kana kuti 34 kusvika ku36.
Life—How Did It Get Here? By Evolution or by Creation?
“Tose zvedu tinonetseka noutsotsi uye chisimba zvinoitika munharaunda yedu. Munofunga kuti pane munhu angagona kupedza chaizvoizvo chinetso ichi here? [Rega apindure.] Mwari anogona.” Vhura peji 196; verenga uye tsanangura Zvirevo 2:21, 22 iri mundima 19. Muratidze musoro wechitsauko 16, wobva wagovera bhuku racho.
Vhura papeji 6, wobva wati: “Vanhu vakawanda vanofunga kuti pasi rakaisvonaka uye zvinhu zvipenyu zviripo zvakavapo netsaona. Munofunga kuti itsanangudzo ipi inonzwisisika yokuti zvose izvi zvakavapo sei? [Rega apindure.] Uchapupu hwakawanda hunotsigira nhoroondo yeBhaibheri yoMusiki ane simba guru kwazvo uye anotida chaizvo. Ndiye Mwari wechokwadi, uye zita rake ndiJehovha.” Verenga Pisarema 83:18, wobva watsanangura kwenguva pfupi kuti sei chiri chinangwa chake kuchinja pasi rose kuti rive paradhiso.
Kutsvaka Mwari Kworudzi Rwomunhu
“Sezvo mazuva ano kuine zvitendero zvakawanda kudai, makambonetseka here kuti tingaziva sei kuti ndechipi chinotenderwa naMwari?” Kana apindura, vhura papeji 377. Simbisa pfungwa nhamba 7, uye bvunza kana saimba achibvuma kuti chitendero chechokwadi chinofanira kubatanidza madzinza ose evanhu. Verenga rumwe rwemagwaro aripo, uye kana nguva iripo, kurukura dzimwe pfungwa dzakarongwa. Kana munhu wacho achifarira zvechokwadi, mugovere bhuku racho. Paunenge wava kuenda, ungabvunza kuti, “Chitendero chechokwadi chinofanira kuchinja sei mufambiro womunhu?” Ronga kudzokazve kuti uzopindura mubvunzo wacho.
Kana munhu akati iye inhengo yeboka rechimwe chitendero chikuru, ungati: “Zvinofadza kusangana nevanhu vezvitendero zvakasiyana-siyana. Vanhu vave vachitsvaka Mwari nenzira dzakawanda. [Kana zvakakodzera, verenga Mabasa 17:26, 27.] Kazhinji, vanhu vanotevera chitendero chevabereki vavo. [Verenga ndima 12 iri papeji 8.] Kudzidza zvakawanda nezvezvimwe zvitendero kunopa nzwisiso uye kunorayiridza. Bhuku iri rinotsanangura mavambo, tsika, uye zvinodzidziswa nezvitendero zvikuru zvenyika.” Muratidze muenzaniso wezviri mubhuku racho pamusoro pechitendero chomunhu wacho, sezviri pamapeji anotevera: chiSikh (100-101); chiHindu (116-17); chiBuddha (141); chiTao (164-6); chiConfucian (177); chiShinto (190-5); chiJudha (220-1); nechiIslam (289).
Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
“Mungave makanzwa nezve[taura zvakataurwa munhau]. Vanhu pavanongoerekana vafa, vakawanda vanonetseka kuti inyaradzo yakadini inogona kupiwa kumhuri dzevafi. Munofungei?” Rega apindure. Zvadaro vhura peji 299, womuratidza mufananidzo uri kuratidza rumuko. Enderera mberi uchiti: “Vakawanda vanoshamisika kuziva kuti vakarurama nevasina kururama vachamutsirwa kuupenyu muParadhiso pasi pano. [Verenga Mabasa 24:15 sezvayakaita mundima 9 papeji 297, wobva wapa tsanangudzo iri mundima 10.] Bhuku rino rinokurukura mamwe mashoko akawanda anofadza pamusoro pechinangwa chaMwari nokuda kwenguva yemberi.”
Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu?
“Tinorarama panguva iyo anenge munhu wose anosangana nezvinetso zvakakomba. Vakawanda vanotsvaka vanachipangamazano vakasiyana-siyana kuti vabatsirwe. Vamwe vanotsvaka rubatsiro kune vanhu vanoshopera. Ndokupi kwamunofunga kuti tingawana mazano akanaka achanyatsotibatsira? [Rega apindure.] Bhaibheri rinotaura chokwadi chinokosha chatinofanira kunzwisisa tose. [Verenga 2 Timoti 3:16. Zvadaro vhura peji 187, uye verenga ndima 9.] Bhuku iri richakubatsirai kuziva kuti kutevera zvinotaurwa neBhaibheri nguva dzose kunobatsira zvikuru.”
Munhu Mukurusa Ati Amborarama
“Mumwaka uno vanhu vakawanda vari kufunga nezvaJesu. Zvisinei, vamwe vangashamisika kana Jesu aine hanya nesu chaizvoizvo, nokuti zvinhu zvakaipa zvakawanda kwazvo zviri kuitika pasi pose. Munofungei nezvazvo?” Rega apindure. Vhura chitsauko 24, wobva wakurukura kwenguva pfupi chikonzero nei Jesu akauya pasi pano. Zvadaro verenga Johani 15:13, uchisimbisa kuti Jesu anoda vamwe nomwoyo wose.
“Mumwe munhu paanotaura nezvaJesu Kristu, vanhu vakawanda vanofunga nezvake somucheche kana kuti somurume ari kutambura ava kuda kufa. Mafungiro avo pamusoro paJesu ane chokuita bedzi nokuberekwa uye kufa kwake. Zvinhu zvinoshamisa zvaakataura uye zvaakaita paaiva mupenyu hazviwanzooneki. Zvaakaita zvine chokuita nomunhu wose ati amborarama pasi pano. Ndosaka zvichikosha kuti tidzidze zvakawanda sezvatingagona pamusoro pezvinhu zvinoshamisa zvaakatiitira.” Verenga Johani 17:3. Vhura peji yokutanga yesumo, uye verenga ndima yechina.
Mwari Anodei Kwatiri?
“Munofunga kuti Mwari aida kuti isu tirarame tiine zvinetso zvakadai sezvatinosangana nazvo nhasi here? [Rega apindure. Zvadaro verenga Mateu 6:10.] Makambofunga kuti Umambo hwaMwari chii chaizvoizvo here?” Vhura chidzidzo 6, wobva waverenga mibvunzo iri panotangira chidzidzo chacho. Tangai kukurukurirana chidzidzo chacho, kana kuti ronga kuzochikurukura pauchashanyazve.
“Pasinei nokufambira mberi kwenzanga yemazuva ano, urwere nokufa zviri kuramba zvichitambudza uye kusuruvarisa vanhu zvikuru. Munoziva here kuti Jesu achaitirei vanorwara, vakwegura, uye kunyange vakafa?” Rega apindure. Kana munhu wacho achida kuziva mhinduro, vhura chidzidzo 5, woverenga mibvunzo yendima 5-6. Kurukura ndima dzacho, kana kuti ronga kuzodzikurukura pauchashanyazve.
Namata Mwari Wechokwadi Bedzi
“Munofunga kuti tingaendepi kuti tibatsirwe kukurira zvinetso zvoupenyu? [Rega apindure. Zvadaro verenga VaRoma 15:4.] Onai kuti Magwaro akafuridzirwa anotipa murayiridzo, nyaradzo, netariro, zvingatisimbisa kuti titsungirire zvinetso. Bhuku iri rinopa mazano anoshanda okuti tinganyatsobatsirwa sei nokuverenga Bhaibheri.” Taura pfungwa ina dziri papeji 30.
“Kubvira pamazuva akafamba Jesu pasi pano, vanhu vakawanda vave vachinyengeterera kuti Umambo hwaMwari huuye. Makambofunga here kuti kuuya kwoUmambo ihwohwo kucharevei kuvanhu? [Rega apindure. Zvadaro verenga Dhanieri 2:44.] Bhuku iri rinotsanangura kuti Umambo hwaMwari chii, zvahuchaita, uye kuti tingabatsirwa sei nokutonga kwahwo kwakarurama.” Muratidze mufananidzo uri papeji 92-3.