RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 3/13 p. 2
  • Vagamuchirei!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vagamuchirei!
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
  • Mashoko Akafanana
  • Uchapupu Hwakasimba Huchapiwa
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2011
  • Gamuchira Vaenzi Vedu
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2016)
  • Tingabatsira Sei Vanhu Vanouya kuChirangaridzo?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
  • Ita Kuti Vanzwe Vachigamuchirwa Nomufaro paChirangaridzo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
km 3/13 p. 2

Vagamuchirei!

1. Chiitiko chipi chinotipa mukana wakanakisisa wokupa uchapupu uye nemhaka yei?

1 Hapana chiitiko chinotipa mukana wakakura wokupa uchapupu kudarika zvatinoita paChirangaridzo. Gore rino tinotarisira vaenzi vanopfuura mamiriyoni 10 kuti vapinde Chirangaridzo uye vanzwe zvinhu zviviri zvinoratidza kuti Mwari anotida nokutipa kwaakaita rudzikinuro. (Joh. 3:16; 15:13) Vachanzwa nezvemakomborero avanogona kuwana nemhaka yechipo chaJehovha. (Isa. 65:21-23) Asi hazvirevi kuti mukurukuri oga ndiye achapa uchapupu musi uyu. Munhu wose muvateereri achange ane mukana wokupa uchapupu kuburikidza nokugamuchira vaenzi zvine ushamwari.—VaR. 15:7.

2. Tingagamuchira sei vaenzi zvine ushamwari?

2 Panzvimbo pokusvika wotsvaka pokugara woti zii wakamirira kuti musangano utange, wadii kutanga iwe kuzvisuma kune vanenge vari pedyo newe? Vaenzi vanogona kunge vachitya uye vasinganyatsozivi kuti zvinhu zvinofamba sei. Kuvanyemwerera uye kuvakwazisa zvine ushamwari zvinogona kuita kuti vanzwe vakasununguka. Kuti uzive kuti munhu anenge auya, auya here nemhaka yokuti akakokwa, unogona kumubvunza kuti ndekekutanga here kupinda musangano wakaita souno kana kuti pane waanoziva here ari muungano. Zvimwe unogona kumukumbira kuti mugare mose moonesana Bhaibheri nebhuku rako renziyo. Kana muchishandisa Imba yoUmambo, unogona kufamba naye uchimuratidza zvayakaita. Kana hurukuro yapera mubvunze kana aine mibvunzo womuudza kuti unogona kumubatsira. Kana ungano yenyu ichifanira kukurumidza kubuda kuitira imwe ungano iri kuuya unogona kuti: “Maona sei musangano uyu. Mungada here kuti ndizokushanyirai?” Zvadaro chirongai kuti mungazoonana rini. Vakuru vachada kushandisa mukana uyu kuti vakurudzire vaparidzi vasingachaiti basa vanenge vauya kuChirangaridzo.

3. Sei zvichikosha kuti isu titange kugamuchira vaenzi vanouya kuChirangaridzo?

3 Kuvaenzi vakawanda aka kanogona kunge kari kokutanga kuona vanhu vachiratidzirana mufaro, rugare uye kubatana kwatiinako sevanhu vaJehovha. (Pis. 29:11; Isa. 11:6-9; 65:13, 14) Chii chicharamba chichiyeukwa nevaenzi pavachaenda? Zvichabva pane zvatichaita pavanenge vauya.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe