Chikoro chaMwari Choushumiri cha2015 Chinotibatsira Kuvandudza Madzidzisiro Edu
1 Munyori wepisarema Dhavhidhi akati: “Mashoko omuromo wangu nokufungisisa kwomwoyo wangu ngazvive zvinofadza pamberi penyu, haiwa Jehovha, Dombo rangu noMudzikinuri wangu.” (Pis. 19:14) Tinodawo kuti mashoko edu afadze Jehovha nekuti tinokoshesa ropafadzo yedu yekuzivisa chokwadi muungano uye muushumiri. Pazvinhu zvinoshandiswa naJehovha kutidzidzisa kuparidza, panewo Chikoro chaMwari Choushumiri. Chikoro ichi chinoitwa vhiki nevhiki muungano dzinopfuura 111 000 dziri munyika yose. Chiri kubatsira hama nehanzvadzi dzinobva mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana munyika yose, kuti dzinyatsokwanisa kuva vaparidzi vemashoko akanaka, vanogona kudzidzisa nounyanzvi, noushingi, uye vachinyengetedza.—Mab. 19:8; VaK. 4:6.
2 Dzimwe nyaya dzichakurukurwa papurogiramu yechikoro cha2015 dzichabva mukabhuku kaZviri muShoko raMwari, uye paMisoro yeBhaibheri Yokukurukurirana. Uyewo nguva yepfungwa huru dzeBhaibheri neHurukuro Nhamba 1 yakachinjwa. Kuchinja uku pamwe nemirayiridzo yemaitirwo ehurukuro dzepachikoro zvichakurukurwa mundima dzinotevera.
3 Pfungwa Huru dzeBhaibheri: Hama dzinopa pfungwa huru dzichava nemaminitsi maviri ekutsanangura pfungwa imwe chete yadzakafarira uye inobatsira inobva pakuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki. Kunyatsogadzirira kuchaita kuti tipe pfungwa inobatsira ungano munguva yakapiwa. Zvadaro, vanhu vari muungano vachava nemaminitsi 6 ekutaura pfungwa dzavakafarira kubva pakuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki mumasekonzi 30 zvichidzika sezvagara zvichiitwa. Zvinoda kunyatsogadzirira uye kuzvidzora kuti tipe pfungwa inobatsira mumasekonzi 30, asi izvi zvinototidzidzisa chimwe chinhu. Zvichaitawo kuti vamwe vawane mukana wekutaura zvavakadzidza pavaitsvakurudza.
4 Hurukuro Nha. 1: Nguva yekuverenga Bhaibheri yava maminitsi 3 zvichidzika uye ndima dzinoverengwa dzinenge dzisisina mashoko akawanda. Vaya vanopiwa hurukuro iyi vanofanira kunyatsogadzirira vachiita zvokuverenga zvinonzwika kakati kuti, vachidzidza kududza mashoko zvakarurama uye vachitsetsenura kuti varatidze kuti vari kunzwisisa zvavari kuverenga. Vanhu vose vaJehovha vanofanira kuvavarira kuti vaverenge nemazvo, sezvo kuverenga kuchikosha pakunamata kwedu. Tinofara chaizvo kuti vana vedu vakawanda vanoverenga nemazvo. Vabereki vanofanira kurumbidzwa nekuti vanobatsira vana vavo kuverenga zvakanaka vachiratidza kuti vanovada.
5 Hurukuro Nha. 2: Hurukuro iyi ndeyemaminitsi mashanu uye ichapiwa hanzvadzi. Mudzidzi anofanira kushandisa musoro waakapiwa. Anofanira kuratidza kuti mashoko ehurukuro yake angashandiswa sei muushumiri, oita kuti zvienderane nezvinonyatsoitika mundima yenyu.
6 Hurukuro Nha. 3: Hurukuro iyi ndeyemaminitsi mashanu uye inogona kupiwa hama kana kuti hanzvadzi. Kana hanzvadzi ikapiwa hurukuro iyi, inofanira kukurukurwa sezvinoitwa Hurukuro Nhamba 2. Painopiwa hama, inofanira kupiwa sehurukuro, mukurukuri achifunga nezvevateereri.
7 Chinhu Chitsva Chichaitwa Pahurukuro Nha. 3 Painenge Yapiwa Hama: Hurukuro iyi painenge ichibva mukabhuku kaZviri muShoko raMwari, inofanira kupiwa hama ichienzanisira chidzidzo chemhuri kana kuti ichiita seiri mubasa romumunda. Kazhinji kacho, mutariri wechikoro ndiye achasarudza mubatsiri nemarongero acho. Mubatsiri wacho anofanira kunge ari mumwe wemumhuri yeari kupa hurukuro kana kuti imwewo hama yemuungano yenyu. Mamwewo magwaro anosimbisa zvinenge zvichienderana nemusoro wehurukuro yacho anogona kushandiswa. Pano neapo, mukuru anogona kupiwa hurukuro iyi. Mukuru anogona kusarudza ega mubatsiri uye marongero aanoda. Zviri pachena kuti ungano ichakurudzirwa paichaona vakuru vachienzanisira unyanzvi hwekudzidzisa nemumwe wemumhuri mavo kana kuti imwewo hama.
Gamuchira zano uye rishandise kuti ufambire mberi pakunamata
8 Zano: Mutariri wechikoro achashandisa maminitsi maviri kutaura zvakanaka zvaitwa uye kupa zano rinovaka achishandisa zviri mubhuku raBatsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri. Mutariri wechikoro paanosuma hurukuro yemudzidzi pachikoro, haafaniri kuzivisa unyanzvi hwokutaura hwakapiwa mudzidzi. Mudzidzi mumwe nemumwe paanenge apedza hurukuro yake, mutariri wechikoro anofanira kutaura zvakanaka zvaaita, ozivisa unyanzvi hwakapiwa mudzidzi, otaura kuti sei achiti mudzidzi aita zvakanaka kana kuti otsanangura nemutsa kuti sei zvakanaka kuti mudzidzi avandudze paunyanzvi ihwohwo hwokutaura.
9 Fomu remudzidzi rounyanzvi hwokutaura riri papeji 79-81 mubhuku rake reChikoro Choushumiri. Mudzidzi paanenge aita hurukuro yake, mutariri wechikoro achanyora panofanira kunyorwa mubhuku remudzidzi uye achabvunza mudzidzi pasina ruzhinji, kuti azive kana akaita basa rekuita paunyanzvi hwekutaura hwaakapiwa. Mudzidzi angatendwa pane zvakanaka zvaaita uye kupiwa mazano anoshanda pashure pemusangano kana kuti pane imwewo nguva. Mudzidzi mumwe nemumwe anofanira kuona mazano aanopiwa pachikoro semukana wekuti afambire mberi pakunamata.—1 Tim. 4:15.
10 Kana mudzidzi akapfuudza nguva, mutariri wechikoro kana kuti anomubatsira anofanira kuita kuti mudzidzi wacho azvizive, zvimwe nekuridza aramu kana kuti nekuita karuzha neruoko, kuti aratidze mudzidzi nekungwarira kuti nguva yakwana. Mudzidzi anofanira kuzvicherechedza, opedzisa mutsetse waari kutaura, obva pachikuva.—Ona bhuku reChikoro Choushumiri, papeji 282, ndima 4.
11 Vose vanokodzera kunyoresa paChikoro chaMwari Choushumiri vanokurudzirwa kuti vanyorese. (Ona bhuku reChikoro Choushumiri papeji 282, ndima 6.) Dzidzo yatinowana kubva pachikoro ichi iri kuita kuti vanhu vaJehovha vakwanise kuparidza nekudzidzisa mashoko akanaka eUmambo nechivimbo, neruremekedzo, uye nerudo. Zviri pachena kuti Jehovha anofara paanorumbidzwa nevose vari kubatsirwa chaizvo nekutidzidzisa kwaari kuita!—Pis. 148:12, 13; Isa. 50:4.