RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 12/14 p. 7
  • Nziyo Itsva Dzekushandisa Pakunamata!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nziyo Itsva Dzekushandisa Pakunamata!
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2014
  • Mashoko Akafanana
  • Rumbidza Jehovha Nekuimba Nziyo
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2018
  • Wagadzirira Here Kuimbira Jehovha Pamisangano Yedu?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
  • Imbirai Jehovha!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Zvaungaita Pakudzidza
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2014
km 12/14 p. 7

Nziyo Itsva Dzekushandisa Pakunamata!

1 Pamusangano wegore negore weWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania, uyo wakaitwa musi wa4 October, 2014, pakaziviswa nezvekugadziridzwa kwebhuku renziyo ratiri kushandisa. Iwayo aiva mashoko anofadza zvechokwadi! Vose vaivapo vakayeuchidzwa nezvekukosha kunoita nziyo dzeUmambo pakunamata kwatinoita.​—Pis. 96:2.

2 Ungabvunza kuti, ‘Sei bhuku renziyo richifanira kugadziridzwa?’ Pane zvikonzero zvakati kuti. Chekutanga ndechekuti kunzwisisa kwatinoita Magwaro kuri kuramba kuchigadziridzwa, uye izvi zvinoita kuti tide kuchinja mashoko enziyo dzedu. (Zvir. 4:18) Chimwe chikonzero ndeichi: Mashoko akawanda ari mubhuku renziyo ratiinaro akabva muShanduro Yenyika Itsva yataishandisa tisati tava neyeChirungu yakagadziridzwa. Mashoko iwayo anofanira kugadziridzwa kuti aenderane nezviri muBhaibheri rakagadziridzwa. Sezvo riri basa rakakura kugadziridza mashoko enziyo seizvi, pakabva pasarudzwawo kuti dzimwe nziyo itsva shomanana dziwedzerwe.

3 Tichafanira here kumirira kusvikira bhuku idzva renziyo rapedza kupirindwa kuti tizotanga kushandisa nziyo itsva? Aiwa. Tinofara kukuzivisai kuti mumwedzi iri kutevera, nziyo itsva dzakati kuti dzichange dzichibudiswa pajw.org. Panobuda rwiyo rwutsva, paya panoiswa rwiyo rwunoimbwa pekupedzisira papurogiramu yeMusangano Webasa, pachange pakanyorwa kuti “rwiyo rwutsva.”

4 Kudzidza Kwaungaita Nziyo Itsva: Zvinogona kuoma kudzidza rwiyo rwutsva. Kunyange zvakadaro, semunyori wepisarema, tinoda kuimba pamisangano yeungano kwete “kunyarara.” (Pis. 30:12) Kuti udzidzire rwiyo rwutsva, tevedzera matanho ari nyore anotevera.

  • Ramba uchiteerera marimba akarekodhwa erwiyo rwacho ayo achaiswa pajw.org. Paunoramba uchiateerera, zvichakuitira nyore kuti uyeuke rwiyo rwacho.

  • Dzidza mashoko erwiyo rwacho, uye edza kuabata nemusoro.

  • Imba mashoko acho pamwe chete nemarimba. Ramba uchidaro kusvikira wava kugona kuimba rwiyo rwacho.

  • Dzidzirai kuimba nziyo itsva kakati kuti paKunamata Kwemhuri kusvikira mhuri yenyu yava kudzigona.

5 Mumwedzi iri kutevera, kana panopera purogiramu yemusangano webasa pachizoimbwa rwiyo rwutsva, ungano ichatanga yaridzirwa pamarimba rwiyo rwacho rwose kamwe chete. Zvadaro, ungano inozoimba pamwe chete nemarimba, sezvatagara tichiita pane dzimwe nziyo.

6 Paunofunga nezveizvi, unoona kuti kuimba kwatinoita pamisangano yedu kunoita kuti tifare nekurumbidza Jehovha nemanzwi edu pamwe chete. Saka, panosumwa rwiyo pamisangano yedu yechiKristu, hatifaniri kuva nekatsika kekubva patinenge takagara pasina chikonzero chine musoro.

7 Pane imwe nzira yatinogona kuratidza nayo kuti tinokoshesa nziyo dzedu tsvene. Pamagungano edu, pane mimhanzi inoridzwa kwenguva pfupi purogiramu isati yatanga. Kaviri pagore, pane hama dzedu nehanzvadzi dzinozvipira kubva kwakasiyana-siyana, dzichizvibhadharira mari yekufambisa pakuenda kuPatterson, New York, kuti dzinoridza mimhanzi yakanaka yatinoshandisa pakunamata. Saka sachigaro paanotizivisa kuti tigare pasi toteerera mimhanzi yatinenge tagadzirirwa, tinofanira kuita izvozvo. Izvi zvichatibatsira kugadzirira mwoyo yedu kuti titeerere zvinenge zvichizokurukurwa.​—Ezra 7:10.

8 Patichapedza musangano wedu nhasi, tichaimba rwumwe rwiyo rwedu rwutsva, rwunoti, “Umambo Hwakagadzwa​—Ngahuuye!” Rwiyo urwu, urwo rwakabuda pamusangano wegore negore, rwakanyatsonyorwa pachifungwa nezvekuti rino ndiro gore rechi100 kubva pakagadzwa Umambo.

9 Zvechokwadi nziyo itsva “zvinhu zvakanaka” zvinobva kuna Jehovha. (Mat. 12:35a) Ngativei nechinangwa chekudzidza nziyo idzi itsva todziimba nemusoro, tichirumbidza nekukudza Mwari wedu zvakamukodzera!​—Pis. 147:1.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe