PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | ESTERI 6-10
Esteri Akazvipira Kumiririra Jehovha Nevanhu Vake
Esteri akaratidza ushingi nekuzvipira pakumiririra Jehovha nevanhu vake
Esteri naModhekai vakanga vasiri pangozi yokuurayiwa. Asi murayiro waHamani wokuuraya vaJudha vose wakanga uchiendeswa kunzvimbo dzose dzeumambo hwacho
Esteri akaisazve upenyu hwake pangozi nokuenda kunoona mambo asina kushevedzwa. Akachema uye akakumbira mambo kuti achinje murayiro wakanga wadzikwa wokuti vanhu verudzi rwake vaurayiwe
Mitemo yaidzikwa muzita ramambo yakanga isingagoni kuchinjwa. Saka mambo akapa Esteri naModhekai simba rekuti vadzike mutemo mutsva
Jehovha akaita kuti vanhu vake vakunde zvine mutsindo
Pakaziviswa murayiro wechipiri waipa vaJudha kodzero yokuzvidzivirira
Vatasvi vemabhiza vakamhanya vachienda kumatunhu ose eumambo hwacho uye vaJudha vakabva vagadzirira kurwa
Vanhu vakawanda vakaona kuti Jehovha airwira vanhu vake uye vakabva vatendeukira kuchiJudha