Chitatu, July 16
Jehovha anoziva kuti kufunga kwevanhu vakachenjera hakuna zvakunobatsira.—1 VaK. 3:20.
Tinofanira kusiyana nemafungiro evanhu. Kana tikatarisa zvinhu nemaonero evanhu, tinogona kupedzisira tisisafungi nezvaJehovha uye mitemo yake. (1 VaK. 3:19) “Uchenjeri hwenyika ino” hunowanzoita kuti vanhu vasateerera Mwari. Vamwe vaKristu vaiva muPegamo nemuTiyatira vakapedzisira vava nemafungiro ekunamata zvidhori uye ekuita upombwe aiva nevanhu vemumaguta iwayo. Jesu akatumira zano rakasimba kuungano dzacho dziri mbiri nekuti dzairega vanhu vachiita upombwe. (Zvak. 2:14, 20) Mazuva ano, tiri pamuedzo wekuva nemaonero asina kunaka. Vemumhuri nevaya vatinozivana navo vangaedza kuita kuti tifunge kuti tiri kuzviomesera uye kutikurudzira kuti tityore mitemo yaJehovha. Semuenzaniso, vangati hazvina kuipa kuti munhu aite zvinodiwa nenyama yake uye kuti zvinotaurwa neBhaibheri nezvekuzvibata ndezvechinyakare. Dzimwe nguva tingafunga kuti mirayiridzo yatinopiwa naJehovha haina kunyatsojeka. Tingatova pamuedzo ‘wekupfuura zvakanyorwa.’—1 VaK. 4:6. w23.07 16 ¶10-11
China, July 17
Shamwari yechokwadi ine rudo nguva dzese uye ihama yakaberekerwa kubatsira panguva yekutambudzika.—Zvir. 17:17.
Mariya, amai vaJesu, aida kusimbiswa. Akanga asina kuroorwa, asi aizofanira kuva nepamuviri. Akanga asina kumbobvira arera vana vake pachake, asi aizofanira kurera mukomana aizova Mesiya. Uye sezvo akanga asina kumborara nemurume, aizotsanangura sei zvese izvozvo kuna Josefa uyo aida kumuroora? (Ruka 1:26-33) Mariya akawana sei simba? Akatsvaga kubatsirwa nevamwe. Semuenzaniso, akakumbira Gabrieri kuti amuudze mamwe mashoko ane chekuita nebasa racho. (Ruka 1:34) Akabva aita rwendo rwekuenda “kunyika yemakomo” yeJudha kunoshanyira hama yake Erizabheti. Erizabheti akarumbidza Mariya uye akafemerwa naJehovha kuti ataure uprofita hunokurudzira nezvemwanakomana waMariya ainge asati aberekwa. (Ruka 1:39-45) Mariya akati Jehovha ainge “ashandisa simba reruoko rwake.” (Ruka 1:46-51) Jehovha akasimbisa Mariya achishandisa Gabrieri naErizabheti. w23.10 14-15 ¶10-12
Chishanu, July 18
Iye akaita kuti tive umambo nevapristi kuna Mwari wake uye Baba vake.—Zvak. 1:6.
Vadzidzi vaKristu vashoma vakazodzwa nemweya mutsvene. Vadzidzi ava 144 000 vachashumira sevapristi kudenga naJesu. (Zvak. 14:1) Nzvimbo Tsvene yetebhenekeri inomiririra kuonekwa kwavo sevanakomana vaMwari pavanenge vachiri panyika. (VaR. 8:15-17) Nzvimbo Tsvenetsvene yetebhenekeri inomiririra kudenga, kunogara Jehovha. “Keteni” raiparadzanisa Nzvimbo Tsvene neNzvimbo Tsvenetsvene raimiririra muviri waJesu wenyama uyo waimutadzisa kupinda mudenga seMupristi Mukuru anopfuura vamwe vese wetemberi yemweya. Nekupa kwaakaita muviri wake wenyama sechibayiro achiitira vanhu, Jesu akavhurira vaKristu vese vakazodzwa nzira yekuenda kudenga. Vanofanirawo kusiya miviri yavo yenyama kuti vagamuchire mubayiro wavo wekudenga.—VaH. 10:19, 20; 1 VaK. 15:50. w23.10 28 ¶13