RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Titambire.
Ino iprogiramu yekutsvakurudza nayo mumabhuku akabudiswa neZvapupu zvaJehovha emitauro yakasiyana-siyana.
Kana uchida kudhaunirodha, enda pajw.org.
  • Nhasi

Muvhuro, September 1

Mambakwedza [achatishanyira] achibva kumusoro.—Ruka 1:78.

Mwari akapa Jesu simba rekupedza matambudziko ese evanhu. Jesu paaiita zvishamiso, airatidza kuti ane simba rekupedza matambudziko atisingambofi takakwanisa kupedza tega. Semuenzaniso, ane simba rekutisunungura pachivi chatinoberekwa tiinacho, icho chinokonzera matambudziko edu ese, kusanganisira kurwara uye kufa. (Mat. 9:​1-6; VaR. 5:​12, 18, 19) Zvishamiso zvake zvakaratidza kuti anokwanisa kurapa zvirwere “zvemarudzi ese” kunyange kumutsa vakafa. (Mat. 4:23; Joh. 11:​43, 44) Anewo simba rekudzikamisa madutu ane simba, uye rekusunungura vanhu pamweya yakaipa. (Mako 4:​37-39; Ruka 8:2) Zvinonyaradza chaizvo kuziva kuti Jehovha akapa Mwanakomana wake simba rakadaro. Tinogona kuva nechivimbo chizere chekuti vimbiso dzezvinhu zvakanaka zvichaitwa neUmambo hwaMwari dzichazadziswa. Zvishamiso zvakaitwa naJesu paaiva panyika zvinotidzidzisa kuti achaita zvinotopfuura ipapo nekuti ndiMambo wekudenga weUmambo hwaMwari. w23.04 3 ¶5-7

Kuongorora Magwaro Zuva Nezuva—2025

Chipiri, September 2

Mweya unoongorora zvinhu zvese, kunyange zvinhu zvakadzama zvaMwari.—1 VaK. 2:10.

Kana uri muungano ine vaparidzi vakawanda, uye uchiona sekuti haunyanyi kusimudzwa, ungava pamuedzo wekurega kupindura. Asi usabva waramwa. Gadzirira mhinduro dzakati wandei pamusangano mumwe nemumwe. Kana ukasasimudzwa kwekutanga pachidzidzo chacho, unenge uchiine mimwe mikana yekupindura musangano wacho zvaunenge uchienderera mberi. Paunenge uchigadzirira chidzidzo cheNharireyomurindi, funga kuti ndima imwe neimwe yakabatana sei nemusoro wenyaya yacho. Kana ukadaro, uchakwanisa kupa mhinduro dzakanaka kubva panotanga chidzidzo chacho kusvika pachinopera. Uyewo, unogona kugadzirira mhinduro pandima dzinokurukura chokwadi chakadzama chakati omei kutsanangura. Izvi zvakanakirei? Panogona kuva nevanhu vashoma vanosimudza maoko pandima dzakadaro. Ko kana zvikaitika kuti pashure pemisangano yakati kuti hauna kuwana mukana wekupindura? Taura nemuitisi musangano usati watanga, kuti mubvunzo upi waungada kupindura. w23.04 21-22 ¶9-10

Kuongorora Magwaro Zuva Nezuva—2025

Chitatu, September 3

Josefa . . . akaita zvaakanga anzi aite nengirozi yaJehovha, akaenda nemudzimai wake kumba.—Mat. 1:24.

Josefa aikurumidza kuita zvaaiudzwa naJehovha, uye izvozvo zvakaita kuti ave murume akanaka. Katatu, akapiwa mirayiridzo yaibva kuna Mwari yaiva nechekuita nemhuri yake. Nguva imwe neimwe, akakurumidza kuteerera, kunyange pazvaireva kuti aifanira kuchinja zvinhu zvakakura muupenyu hwake. (Mat. 1:20; 2:​13-15, 19-21) Kuteerera mirayiro yaMwari kwakabatsira Josefa kuti adzivirire Mariya, amutsigire, uye amuriritire. Zvakaitwa naJosefa zvinofanira kunge zvakaita kuti Mariya awedzere kumuda uye kumuremekedza! Varume, munogona kutevedzera Josefa nekutsvaga mazano anobva muBhaibheri pakuchengeta mhuri dzenyu. Pamunoshandisa mazano aya, kunyange zvichireva kuchinja zvimwe zvinhu muupenyu hwenyu, munenge muchiratidza kuti munoda mudzimai wenyu uye munenge muchisimbisa wanano yenyu. Hanzvadzi yekuVanuatu iyo ine makore anopfuura 20 iri muwanano inoti: “Murume wangu paanotsvaga mazano aJehovha oashandisa, ndinowedzera kumuremekedza. Ndinonzwa ndakachengeteka, uye ndinovimba nezvisarudzo zvake.” w23.05 21 ¶5

Kuongorora Magwaro Zuva Nezuva—2025
Titambire.
Ino iprogiramu yekutsvakurudza nayo mumabhuku akabudiswa neZvapupu zvaJehovha emitauro yakasiyana-siyana.
Kana uchida kudhaunirodha, enda pajw.org.
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe