RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w95 7/15 pp. 25-27
  • Kudzinga Igadziriro Yorudo Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kudzinga Igadziriro Yorudo Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chikonzero Nei Dziviriro Iri Madikanwa
  • Nzira Iyo Kudzinga Kuri Kworudo Nayo
  • Tapuro Pana Vamwe
  • Betsero Yorudo nokuda Kwemitezo Yemhuri
  • Nzwisisa Gadziriro yaJehovha
  • Nei Kudzinga Mutadzi Kuri Kuratidza Rudo?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Nguva Dzose Bvuma Kurangwa naJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Chikonzero Nei Kudzinga Kuri Gadziriro Yorudo
    Mukai!—1996
  • Chirango Icho Chinogona Kubereka Chibereko Chine Rugare
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
w95 7/15 pp. 25-27

Kudzinga Igadziriro Yorudo Here?

“MUTSVENE, mutsvene, mutsvene, iye Ishe Mwari, wamasimba ose.” (Zvakazarurwa 4:8) Mukuwirirana nerondedzero iyoyo, Jehovha ndiye Manyuko emipimo mitsvene. Iyoyi inooneswa mu“manyoro matsvene,” uye vaKristu vanosungirwa kutevera idzi nhungamiro. Zvirokwazvo, vanofanira kudzivisa chipi nechipi chisina kuchena mumeso aJehovha.—2 Timotio 3:15; Isaya 52:11.

Bhaibheri rinoraira zvakajeka, kuti: “Saiye mutsvene wakakudanai, nemiwo mumene muve vatsvene pamufambire wenyu wose; nokuti kwakanyorwa, kuchinzi: Ivai vatsvene, nokuti ini ndiri mutsvene.” (1 Petro 1:15, 16) Kubvira apo ungano yechiKristu yakavapo mazana amakore 19 apfuura, vaKristu vechokwadi vakarwa zvakasimba kuidzivirira pakusachena kwomudzimu nokwetsika.—Judhasi 3.

Chikonzero Nei Dziviriro Iri Madikanwa

Vabatiri vose vaMwari vanotarisana nedenho yokuramba vakachena mutsika nomumudzimu. Nokuda kwechinangwa ichocho, vavengi vatatu vane simba vanofanira kudziviswa—Satani, nyika yake, uye mirangariro yedu yokutadza yenyama. (VaRoma 5:12; 2 VaKorinte 2:11; 1 Johane 5:19) Nyika yaSatani ichakuedza kuti uve ane unzenza, ichakuedza kugamuchira nzira dzayo, uye ichakupa upfumi hwokunyama, mukurumbira, nzvimbo, utanhamari, uye simba. Asi avo vakatsunga kutevera kunamata kwechokwadi vanodzivisa izvo Satani anopa uye vanoramba “kusvibiswa nenyika.” Nei? Nemhaka yokuti vanoda kuramba vari mutarisiro ine dziviriro yorudo yesangano raJehovha rakachena.—Jakobho 1:27; 1 Johane 2:15-17.

Jehovha akagovera betsero nokuda kwomutezo upi noupi weungano yechiKristu unotera kumiedzo yaSatani nemhaka yeutera hwomunhu. Vakuru vakakwaniriswa mumudzimu vakagadzwa kuti vadzivirire ungano uye kubatsira norudo avo vanokanganisa kuti vapfidze chivi chavo uye kuita gadziridzo dzinodikanwa nokuda kwokunaya. MuKristu upi noupi anobatanidzwa muchakaipa anofanira kubatsirwa nenzira yokushivirira kuti apfidze ndokuchinja nzira dzake.—VaGaratia 6:1, 2; Jakobho 5:13-16.

Nzira Iyo Kudzinga Kuri Kworudo Nayo

Vabatiri vakabhapatidzwa vaJehovha vanotevera noune nzira yakaipa ndokuramba kuchinja vanofanira kurangarirwa savasingapfidzi uye nokudaro vasina kukodzerwa noruwadzano rwechiKristu. (Enzanisa na 1 Johane 2:19.) Vanhu vakadaro havagoni kubvumirwa kuramba vari muungano yakachena yechiKristu ndokuishatisa nenzira iyoyo. Vanofanira kutandwa.

Ukodzeri hwokudzinga avo vanoita mabasa akaipa hunogona kuratidzirwa nemamiriro ezvinhu anotevera: Nemhaka yewedzero yokudenha noutsotsi hwamasimba masimba zvinoitirwa vadzidzi, zvimwe zvikoro zvakagamuchira muitiro uno“raira kudzingwa kwoupenyu hwose kwavadzidzi vanoshandisa kana kuti kutyisidzira kushandisa zvombo,” inoshuma kudaro The Globe and Mail, pepanhau romuToronto, Canada. Kutanda kwacho kunoitirwa kudzivirira vadzidzi vanoda kubetserwa negadziriro yedzidzo vasingaitirwi zviito zvamasimba masimba.

Nei kuri kworudo kutanda muiti wechakaipa asingapfidzi muungano? Kuita saizvozvo kuratidzirwa kwokuda Jehovha nenzira dzake. (Pisarema 97:10) Chiito ichi chinoratidza kuda avo varikutevera nzira yakarurama nemhaka yokuti chinobvisa pakati pavo munhu angashandisa pesvedzero yakashata pavari. Chinodzivirirawo rucheno rweungano. (1 VaKorinte 5:1-13) Kudai unzenza hwakakomba kana kuti kusachena kwomudzimu kukabvumidzwa kurambira muungano, yaizova yakasvibiswa uye yaizova isina kukodzera kuti iite basa rinoyera kuna Jehovha, uyo ari mutsvene. Kupfuurirazve, kutandwa kwomuiti wechakaipa kungamubatsira kuona ukombi hwenzira yake yokusadzoreka, kupfidza, uye kuita chinjo dziri madikanwa uye nokudaro kugamuchirwazve muungano.

Tapuro Pana Vamwe

Kana mutezo weungano ukaita chivi chakakomba, chakadai soupombwe, hausi kuita kuti mwoyo waJehovha ufare. (Zvirevo 27:11) MuKristu upi noupi anotera kuunzenza hwevatano haasi zvirokwazvo kufunga sezvakaita Josefa apo mudzimai waPotifari akaedza kumuita kuti avatane naye. Kuita kwaJosefa kwaiva kwokuti: “Zvino ndingaita seiko chinhu ichi chakaipa zvikuru nditadzire Mwari?” (Genesi 39:6-12) Josefa akaremekedza mipimo mitsvene yaJehovha ndokutiza nzvimbo yacho. Pano rumwe rutivi, mhombwe inoratidzika kuva inoshaya kuda Mwari kwakakwana kuti irege kugutsa chishuvo chayo chenyama.—VaGaratia 5:19-21.

Munhu akabhapatidzwa uyo anoputsa mirairo yaMwari haasi kuratidzira itiro hanya pamusoro pekuvadziko namarwadzo izvo achaparira hama dzake dzinotenda. Kurovanywa kwemirangariro kwakakura kupfuura izvo vamwe vanogona kutsungirira. Pashure pokuwana kuti mwanakomana wake akanga ari nzenza, mumwe mukadzi wechiKristu akachema, kuti: “Hama nehanzvadzi shomanana zvikuru, kana dziripo, dzinoratidzika kuva dzinonzwisisa kuti takakuvadzwa nokuparadzwa sei. . . . Takaodzwa mwoyo.” Zita rakanaka remhuri yose zvayo ringagona kupokanwa. Kuora mwoyo uye kuva nemhaka kwakati kungatambudza mitezo yemhuri yakatendeka. Nzira yakaipa yomuiti wechakaipa nokudaro inorwadza mhuri.

Betsero Yorudo nokuda Kwemitezo Yemhuri

Mitezo yakatendeka yemhuri yechiKristu yavanhu vakatandwa inodikanirwa kuyeuka kuti kudzinga kuri zvose zviri zviviri kworudo uye kunodzivirira. Nhamburiko iri yose inobvira inoitwa kubetsera muiti wechakaipa. Asi kana akabvumikisa kuva asingateereri Mwari uye asingapfidzi nechisimbwa, ungano inoda kudzivirirwa uye haina chisarudzo kunze kwekuita seizvo Shoko raMwari rinoraira, kuti: “Bvisai pakati penyu munhu uyu wakaipa pakati penyu.” (1 VaKorinte 5:13) Sezvakataura chimwe Chapupu, “kudzinga inhau yoruvimbiko kuna Jehovha.”

Apo mutezo wemhuri unodzingwa, hama dzokunyama dzechiKristu dzinorwadziwa. Vakuru vakagadzwa vanofanira naizvozvo kuita pavanogona napo kuva vanozorodza mumudzimu kwadziri. (1 VaTesaronika 5:14) Vakuru vanogona kudzinyengeterera uye kunyengetera nadzo. Kazhinji kazhinji kunobvira kushanyira vaKristu ava vakatendeka kuti vakurukure mifungo inovaka yapaMagwaro. Vafudzi veboka vanofanira kushandisa mukana uri wose wokusimbisa ava vanodiwa mumudzimu misangano yechiKristu isati yavamba uye pashure. Kurudziro yokuwedzera inogona kupiwa kupfurikidza nokuvaperekedza muushumiri hwomumunda. (VaRoma 1:11, 12) Vafudzi vomudzimu vanodikanirwa kuratidza vabatiri ava vakatendeka vaJehovha rudo uye ngwariro zvavakafanirwa nazvo.—1 VaTesaronika 2:7, 8.

Nzira yechivi yomunhu haisi chikonzero chokufuratira vapi navapi vari mumhuri yake vanoramba vakatendeka kuna Jehovha. Mambo waIsraeri akashata Sauro akarambwa naMwari, asi Dhavhidhi haana kubvumira ikoku kudzongonyedza chidakadaka chake amene nokuda kwomwanakomana waSauro Jonatani. Kutaura idi, chisungo pakati paDhavhidhi naJonatani chakava chakasimba zvikuru. (1 Samueri 15:22, 23; 18:1-3; 20:41) Naizvozvo vose vari muungano vanofanira kuva vanotsigira uye vanorudo kuvaKristu vane hama dzokunyama dzinotadzira Jehovha.

Kwaizova kusava norudo sei kufuratira kana kuti kusava nomutsa kuvakavimbika vakadaro! Mitezo yemhuri yakavimbika inoda kurudziro chaiyo. Inganzwa iri yoga uye ingawana mamiriro avo ezvinhu akaoma zvikuru. Zvichida munogona kugoverana mashoko akaisvonaka omudzimu kana kuti chakaitika chinovaka nayo kupfurikidza norunhare. Kana munhu akadzingwa akadavira runhare rwacho, ingokumbira kutaura kuhama yokunyama yechiKristu. Ungakoka mitezo yakatendeka iri mumhuri yakadaro kukutandara kana kuti kukudya mumusha mako. Kana ukasangana navo uchitenga, ungashandisa nguva iyoyo nokuda kwesonganiro inovaka. Yeuka, vaKristu vakavimbika vane hama dzokunyama dzakadzingwa vachiri rutivi rwesangano raJehovha rakachena. Vangagona nenzira iri nyore kuva voga uye kuodzwa mwoyo. Naizvozvo, iva akasvinurira kuvaratidza mutsa norudo. Pfuurira kuita zvakanaka ‘kuavo vose vane ukama newe mukutenda.’—VaGaratia 6:10.

Nzwisisa Gadziriro yaJehovha

Tinogona kuva vanoonga sei kuti Jehovha Mwari anoratidza itiro hanya nyoro nokuda kwomumwe nomumwe ari mumhuri yenyika yose yavanamati vake. Kupfurikidza nesangano rake iye akagovera norudo gadziriro yokutibetsera kufamba pamberi pake munzira yakarurama. Kunyange kana mutezo wemhuri uchiita chivi noune uye uchifanira kutandwa muungano, pane nzira yokudzoka nayo kana ukapfidza zvirokwazvo. Ikoku kunoratidzirwa nomuenzaniso unotevera:

Vakuru vakanga vaedza kubetsera mumwe munhu watichadana kuti Anna, asi akatendeukira kukusvuta, kunwa, uye mirimo. Haana kupfidza uye haana kurambira muungano. Munguva pfupi, zvisinei, Anna akavamba kudemba ruwadzano rworudo rweungano yakachena yaJehovha ndokunyengetera kwaari nokuda kwebetsero. Anobvuma kuti akanga asina kunzwisisa zvizere kuti vakuru vanoitira hanya zvikuru sei avo vanorasika. Anna akavamba kupinda misangano zvakare, uye ikoku kwakatungamira kurupfidzo. Pashure pezvo, akagamuchirwazve muungano ine rudo uye inodzivirira. Zvakare, Anna ari kutsigira mupimo wakakwirira waJehovha wetsika. Anoonga rudo rwakaratidzwa navakuru uyewo anotsinhira, kuti: “Hamugoni kufungidzira kuti zvinyorwa zvechiKristu zvave zviri zvebetsero zvikuru sei kwandiri. Jehovha zvirokwazvo anosanotarisira zvinodikanwa zvedu zvakanaka.”

Hungu, Mwari akagovera nzira yokudzoka nayo nokuda kwaavo vakatandwa muungano asi vanopfidza gare gare. Taona kuti kunyange kudzinga iko kumene igadziriro yorudo. Asi kuri nani zvikuru sei kudzivisa ichi chinoitika chinosuruvarisa kupfurikidza nokuomerera nguva dzose kunzira dzakarurama dzaMwari wedu mutsvene! Ngationgei nguva dzose ropafadzo yokurumbidza Jehovha sorutivi rwesangano rake rakachena, rorudo, uye rinodzivirira.

[Mufananidzo uri papeji 26]

Uri kuratidza rudo kuhama dzokunyama dzakatendeka dzaavo vakadzingwa muungano here?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe