Mugumo Woruvengo Munyika Yose
MAKORE ane zviuru zviviri akapfuura, boka ravashomanene rakanga riri nyajambwa woruvengo. Tertullian anotsanangura chimiro cheRoma chakatekeshera kuvaKristu vapakuvamba, kuti: “Kana matenga asingapi mvura, kana kune kudengenyeka kwapasi, kana kune nzara kana kuti nhenda, pakarepo danidzo ndeyokuti, ‘Endesai vaKristu kushumba!’”
Pasinei zvapo nokuva vanovengwa, vaKristu vapakuvamba vakadzivisa muedzo wokutsiva kusaruramisira. MuMharidzo yake yakakurumbira yapaGomo, Jesu Kristu akati: “Makanzwa kuti zvakanzi: Ude wokwako, uvenge muvengi wako. Asi ini ndinoti kwamuri: Idai vavengi venyu, munyengeterere vanokutambudzai.”—Mateo 5:43, 44.
Rakanga riri gamuchidzanwa rinotaurwa ravaJudha raiomerera kuchitendero chokuti ‘kuvenga muvengi’ chakanga chiri chinhu chakarurama chokuita. Jesu, zvisinei, akati tinofanira kuda muvengi wedu, kwete shamwari yedu chete. Ikoku kwakaoma asi hakusati kuri kusingabviri. Kuda muvengi hakurevi kuda nzira dzake dzose kana kuti mabasa ake. Shoko rechiGiriki rinowanwa munhoroondo yaMateo rinotorwa pana a·gaʹpe, iro rinorondedzera rudo runoita mutsinhirano nenheyo. Munhu anoratidzira a·gaʹpe, rudo rune nheyo, anoita zvakanaka kunyange kumuvengi anomuvenga nokumubata zvisakafanira. Neiko? Nemhaka yokuti ndiyo nzira yokutevedzera nayo Kristu, uye ndiyo nzira yokukurira nayo ruvengo. Imwe nyanzvi yechiGiriki yakati: “[A·gaʹpe] runotigonesa kukurira chimiro chedu chendangariro chomuzvarirwo kukutsamwa uye kushungu.” Asi ikoku kuchashanda here munyika yanhasi yakazadzwa noruvengo?
Sezvinobvumwa, havasati vari vose vanotaura kuti ndevechiKristu vakatsunga kutevera muenzaniso waKristu. Utsinye hwenguva pfupi yapfuura muRwanda hwakaitwa namapoka edzinza, akawanda awo ane mitezo inotaura kuti vaKristu. Pilar Díez Espelosín, munun weRoma Katurike akashanda muRwanda kwamakore 20, akarondedzera chimwe chiitiko chinojekesa. Mumwe murume akasvika pachechi yake akabata munondo waakanga ave achishandisa sezviri pachena. Munun akamubvunza, kuti: “Chii chamuri kuita muchifamba-famba muchiuraya vanhu? Hamufungi pamusoro paKristu here?” Akataura kuti aidaro ndokupfuurira kupinda muchechi, kupfugama, uye kutaura Rusariro nembavarira. Asi apo akapedza, akaenda kundopfuurira kuuraya. “Kunoratidza kuti hatisi kudzidzisa evhangeri nenzira yakafanira,” munun wacho akabvuma kudaro. Kukundikana kwakadaro, zvisinei, hakurevi kuti shoko raJesu rine mhosho. Ruvengo runogona kukurirwa naavo vanoshandisa chiKristu chechokwadi.
Kukurira Ruvengo Mumusasa Wechibharo
Max Liebster muJudha wokunyama uyo akapukunyuka Ruparadziko Rukuru. Kunyange zvazvo zita rake rechipiri richireva kuti “anodiwa,” akaona unopfuura mugove wake woruvengo. Anorondedzera zvaakadzidza muGermany yeNazi pamusoro pokuda nokuvenga.
“Ndakarerwa pedyo neMannheim, Germany, mukati mema 1930. Hitler aitaura kuti vaJudha vose vakanga vari vaiti veporofiti vakapfuma avo vakanga vachishandisa vanhu veGermany. Asi chokwadi ndechokuti baba vangu vakanga vangori mugadziri weshangu akaderera. Kunyange zvakadaro, nemhaka yepesvedzero yamashoko aiparadzirwa eNazi, vavakidzani vakavamba kutiitira utsinye. Apo ndakanga ndiri wechiduku, mumwe mugari womumusha akazora ropa renguruve pahuma yangu. Uku kunyomba kuri pachena kwakanga kuri bedzi kuravidzwa kwezvakanga zvichizouya. Muna 1939 Gestapo yakandisunga ndokubvuta zvinhu zvangu zvose.
“Kubvira muna January 1940 kutozosvikira muna May 1945, ndakarwisa kuti ndipukunyuke mumisasa yechibharo mishanu yakasiyana-siyana: Sachsenhausen, Neuengamme, Auschwitz, Buna, uye Buchenwald. Baba vangu, avo vakaendeswawo kuSachsenhausen, vakafa mukati mechando chakashata cha 1940. Ndakatakura pachangu chitunha chavo kuenda kunzvimbo inopisirwa zvitunha, uko murwi wezvitunha zvaiva zvakamirira kupiswa. Vose, vasere vemhuri yangu vakafira mumisasa.
“Vakapos vaivengwa pakati pavasungwa zvinotopfuura varindiri veSS. Vakapos vakanga vari vasungwa vaibatira pamwe neSS naizvozvo vaifarikanya nyasha dzakati. Vakagoverwa kutarisira kugoverwa kwezvokudya, uye vairovawo vamwe vasungwa. Kazhinji kazhinji vaiita nenzira isina kururama uye nenzira yamadiro. Ndinofunga kuti ndakanga ndine zvikonzero zvakawanda zvokuvenga vose vari vaviri SS nevakapos, asi mukati mokuiswa kwangu mutorongo, ndakadzidza kuti rudo rune simba zvikuru kupfuura ruvengo.
“Ushingi hwavasungwa avo vakanga vari Zvapupu zvaJehovha hwakandipwisa kuti kutenda kwavo kwakanga kwakavakirwa paMagwaro—uye ndakava Chapupu ini ndimene. Ernst Wauer, chimwe Chapupu chandakasangana nacho mumusasa wechibharo weNeuengamme, akandikurudzira kusakurira chimiro chendangariro chaKristu. Bhaibheri rinotaura kuti ‘apo akanga achitukwa, haana kutukawo. Apo akanga achitambura, haana kutyisidzira, asi akaramba achizviisa amene kuna iye unotonga nenzira yakarurama.’ (1 Petro 2:23) Ndakaedza kuita zvimwe chetezvo, kusiya matsive mumaoko aMwari, uyo ari Mutongi wavose.
“Makore angu mumisasa akandidzidzisa kuti vanhu kazhinji kazhinji vanoita zvinhu zvakaipa nemhaka yokusaziva. Vakanga vasitori varindiri vose veSS vakanga vakashata—kwakanga kune mumwe uyo akaponesa upenyu hwangu. Ndakamborwara kamwe kamwe zvakakomba nemanyoka uye ndakanga ndakaneta zvikuru zvokusagona kufamba kubva pabasa pangu kuenda kumusasa. Ndaifanira kuve ndakatumirwa kuhovhoni dzegasi dzeAuschwitz mangwanani akatevera, asi mumwe murindiri weSS, uyo aibva kunharaunda imwe cheteyo yeGermany sokwandaibva, akapindura nokuda kwangu. Akaita kuti ndishande mukefiteria yeSS, umo ndakakwanisa kuwana zororo kutozosvikira ndanaya. Rimwe zuva akabvuma kwandiri, kuti: ‘Max, ndinonzwa kuti ndiri muchitima chiri kufamba chichimhanya zvikuru uye chisingadzoreki. Kana ndikasvetuka, ndichaurawa. Kana ndikaramba ndirimo, ndichabondera!’
“Ava vanhu vaida rudo zvikuru sezvandaiita. Kutaura idi, rwakanga rwuri rudo uye tsitsi, pamwe chete nokutenda kwangu muna Mwari, izvo zvakandigonesa kugonana nemamirire ezvinhu akaipa uye tyisidziro yezuva nezuva yokuurawa. Handigoni kutaura kuti ndakapukunyuka ndisina kukuvadzwa, asi mavanga angu omumirangariro akanga ari mashomanene.”
Ushamwari nomutsa izvo Max achingori kuratidzira makore 50 gare gare chipupuriro chakajeka chechokwadi chamashoko ake. Chiitiko chaMax hachisati chiri icho choga. Akanga ane chikonzero chakasimba chokukurira ruvengo—akanga achida kutevedzera Kristu. Vamwe vane upenyu hwakatungamirirwa naMagwaro vakaita nenzira yakafanana. Simone, mumwe weZvapupu zvaJehovha wokuFrance, anotsanangura kuti akadzidza sei izvo rudo rusina udyire runoreva chaizvoizvo.
“Amai vangu, Emma, avo vakava Chapupu chinguvana hondo yenyika yechipiri isati yatanga, vakandidzidzisa kuti vanhu kazhinji kazhinji vanoita zvinhu zvakashata nemhaka yokuti hapana zvavanoziva. Vakatsanangura kuti kana tikavavengawo, hatisati tiri vaKristu vechokwadi, sezvo Jesu akataura kuti tinofanira kuda vavengi vedu ndokunyengeterera avo vanotitambudza.—Mateo 5:44.
“Ndinoyeuka mamirire ezvinhu akanyanyisa ayo akaedza ichi chitendero. Mukati mokuva kweNazi muFrance, Amai vakatambura zvikuru nemhaka yomumwe muvakidzani aiva muchivako chedu. Akamhan’arira Amai kuGestapo, uye somugumisiro, amai vangu vakapedza makore maviri mumisasa yechibharo yeGermany, uye vakadokufa. Mushure mehondo, mapurisa eFrance aida kuti Amai vasaine pepa raipomera uyu mukadzi somutsigiri weGermany. Asi amai vangu vakaramba, vachitaura kuti ‘Mwari ndiye Mutongi noMutusi wezvakanaka nezvakaipa.’ Makore mashomanene gare gare, uyu muvakidzani mumwe cheteyo akarwara nekenza inouraya. Panzvimbo pokufarira jambwa rake, amai vangu vakapedza maawa akawanda vachiita kuti mwedzi yokupedzisira youpenyu hwake ive yakanaka sezvinobvira. Handisati ndichizotongokanganwa uku kukurira ruvengo kworudo.”
Iyi mienzaniso miviri inoratidzira simba rorudo rune nheyo mukutarisana nokusaruramisira. Zvisinei, Bhaibheri rimene rinotaura kuti kune “nguva yokuda, nenguva yokuvenga.” (Muparidzi 3:1, 8) Ikoko kunogona sei kuva kwakadaro?
Nguva Yokuvenga
Mwari haashurikidzi ruvengo rwose. Pamusoro paJesu Kristu, Bhaibheri rinoti: “Makada kururama, mukavenga kusarurama.” (VaHebheru 1:9) Pane musiyano, zvisinei, pakati pokuvenga chakaipa nokuvenga munhu anoita chakaipa chacho.
Jesu akaenzanisira dzikamo yakafanira pakati pokuda nokuvenga. Akavenga unyengeri, asi akaedza kubetsera vanyengeri kuchinja mafungire avo. (Mateo 23:27, 28; Ruka 7:36-50) Akashurikidza masimba masimba, asi akanyengeterera avo vakamuuraya. (Mateo 26:52; Ruka 23:34) Uye kunyange zvazvo nyika yaimuvenga pasina chisakiso, akapa upenyu hwake amene kuti ape upenyu kunyika. (Johane 6:33, 51; 15:18, 25) Akatisiyira muenzaniso wakakwana worudo rune nheyo noruvengo rwoumwari.
Kusaruramisira kunganyandura kutsamwa kwakarurama matiri, sezvakwakaita muna Jesu. (Ruka 19:45, 46) VaKristu, zvisinei, havabvumirwi kutsiva. “Musatsiva munhu chakaipa kana akuitirai chakaipa,” Pauro akapa zano vaKristu muRoma kudaro. “Kana zvichibvira, pamunogona napo, ivai norugare navanhu vose. Musatsiva . . . Usakundwa nezvakaipa, asi ukunde zvakaipa nezvakanaka.” (VaRoma 12:17-21) Apo tinoramba pachedu kuchengeta ruvengo kana kuti kutsiva chakaipa, rudo runowana rukundo.
Nyika Isina Ruvengo
Kuti ruvengo runyangarike pamwero womunyika yose, zvimiro zvendangariro zvakasimba zvamamiriyoni avanhu zvinofanira kuchinja. Ikoku kunogona sei kuitwa? Purofesa Ervin Staub anoita rumbidzo inotevera: “Hatikoshesi avo tinokuvadza ndokukoshesa avo tinobetsera. Sezvatinosvika pakukoshesa zvikuru kwazvo vanhu vatinobetsera ndokuwana gutsikano dziri mukubetsera, tinosvikawo pakuzviona timene setiri vanoitira hanya navanobetsera zvikuru. Imwe yenharidzano dzedu inofanira kuva yokuparira nzanga umo mune kutora rutivi kunobvira kwakafara zvikurusa mukuitira vamwe.”—The Roots of Evil.
Namamwe mashoko, kubviswa kworuvengo kunoda kuparirwa kwenzanga umo vanhu vanodzidza kuda kupfurikidza nokubetserana, nzanga umo vanhu vanokanganwa ruvengo rwose runoparirwa nokufungira mano akaipa, urudzi, uye udzinza. Nzanga yakadaro iriko here? Rangarira chakaitika chomumwe murume akatarisana noruvengo zvakananga mukati meKushandurwa Kwetsika muChina.
“Apo Kushandurwa Kwetsika kwakavamba, takadzidziswa kuti kwakanga kusina nzvimbo yokubvumirana pane zvisina kufanira mu‘kurwisa kweboka.’ Ruvengo rwakanga rwuri chimiro chendangariro chakatekeshera. Ndakava muRed Guard ndokuvamba kutsvaka kunzvimbo iri yose ‘vavengi veboka’—kunyange pakati pemhuri yangu ndimene. Kunyange zvazvo ndakanga ndiri wechiduku bedzi panguva yacho, ndakagoverana mukunzvera dzimba umo taitsvaka ufakazi hwe‘kuda kudzivisa.’ Ndakatungamirirawo musangano wavose uyo wakamhura ‘airwisa kushandura.’ Chokwadika, idzi pomero padzimwe nguva dzakanga dzakavakirwa zvikuru paruvengo rwomunhu oga kupfuura kurangarirwa kwezvamatongerwe enyika.
“Ndakaona vanhu vakawanda—vaduku navakuru, vanhurume navanhukadzi—vakapiwa chirango chomumuviri icho chakaramba chichiva choutsinye zvikuru. Mumwe wavadzidzisi vangu vokuchikoro—murume akanaka—akaforeswa achitenderedzwa sokunge aiva tsotsi. Mwedzi miviri gare gare mumwe mudzidzisi anosanoremekedzwa muchikoro changu akawanwa afa muSuzhou River, uye mudzidzisi wangu wechiNgezi akagombedzerwa kuzviuraya. Ndakakatyamadzwa nokushamiswa. Ivava vakanga vari vanhu vane mwoyo ine mutsa. Kuvabata saizvozvi kwakanga kusina kururama! Naizvozvo ndakagura batano dzangu dzose nemaRed Guard.
“Handifungi kuti iyi nhambo yoruvengo iyo yakaputira kwechinguvana China yakanga iri chinoitika choga. Zana rino ramakore rakaona kutanga kwakawanda kwazvo kworuvengo. Ndinopwiswa, zvisinei, kuti rudo runogona kukunda ruvengo. Ndechimwe chinhu chandakazvionera ndimene. Apo ndakavamba kusonganira neZvapupu zvaJehovha, ndakaororwa norudo rwechokwadi rwazvakaratidza vanhu vamadzinza uye mamirire ezvinhu ekare akasiyana. Ndinokarira nguva apo, sokupikira kunoita Bhaibheri, vanhu vose vachave vadzidza kudana.”
Hungu, nzanga yamarudzi ose yeZvapupu zvaJehovha chibvumikiso chipenyu chokuti ruvengo runogona kubviswa. Api kana api angava mamirire azvo ezvinhu ekare, Zvapupu zviri kuvavarira kutsiva kufungira mano akaipa nokuremekedzana uye kubvisa chisaririra chipi nechipi chourudzi, kana kuti udzinza. Humwe hwaro hwokubudirira kwazvo mukutsunga kwazvo kutevedzera Jesu Kristu mukuratidzira rudo runotungamirirwa nenheyo. Humwe hwaro ndehwokuti zvinotarira kuUmambo hwaMwari kuti hugumise kusaruramisira kupi nokupi kwazvingave zviri kutambura.
Umambo hwaMwari chigadzikiso chakasimba chokuwana nyika isina ruvengo, nyika umo musati muchizotova neuipi hwokuvenga. Ichirondedzerwa muBhaibheri se“denga idzva,” iyi hurumende yokudenga ichavimbisa nyika isina kusaruramisira. Ichatonga “nyika itsva,” kana kuti nzanga itsva yavanhu avo vachave vadzidziswa kudana. (2 Petro 3:13; Isaya 54:13) Iyi dzidzo iri kutoitwa, sezvo zvakaitika zvaMax, Simone, uye zvimwe zvakawanda zvinopupurira. Kufanoravidzwa kwepurogiramu yomunyika yose yokubvisa ruvengo nezvisakiso zvarwo.
Kupfurikidza nomuporofita wake Isaya, Jehovha anorondedzera mugumisiro wacho, kuti: “Hazvingakuvadzi kana kuparadza pagomo rangu rose dzvene, nokuti nyika yose ichazara nokuziva Jehovha, sezvinofukidza mvura pasi pegungwa.” (Isaya 11:9) Mwari amene achave agumisa ruvengo. Ichava zvirokwazvo nguva yokuda.
[Mifananidzo iri papeji 7]
VaNazi vakanyora nhamba yeturongo paruoko rwokuruboswe rwaMax Liebster
[Mufananidzo uri papeji 8]
Ruvengo ruchakurumidza kuva chinhu chomunguva yakapfuura