Svondo, August 31
Vaya vane njere vachanzwisisa.—Dhan. 12:10.
Kana tichida kunzwisisa uprofita hweBhaibheri, tinofanira kukumbira kubatsirwa. Funga nezvemuenzaniso uyu. Ngatitii uri kushanyira nzvimbo yausingazivi asi shamwari yako yauri kufamba nayo inonyatsoziva nzvimbo yacho. Inoziva pamuri uye kuti nzira imwe neimwe inosvika kupi. Zviri pachena kuti unofara kuti shamwari yako yabvuma kukuperekedza. Saizvozvowo, Jehovha anoziva patiri kana tichitarisa kufamba kuri kuita nguva uye anoziva zviri mberi. Saka kuti tinzwisise uprofita hweBhaibheri, tinofanira kukumbira Jehovha kuti atibatsire. (Dhan. 2:28; 2 Pet. 1:19, 20) Sezvinoita mubereki wese akanaka, Jehovha anoda kuti vana vake vave neramangwana rakanaka. (Jer. 29:11) Asi kusiyana nemubereki chero upi zvake, Jehovha anokwanisa kutaura zvichaitika mune ramangwana uye zvichitozoitika. Akaita kuti uprofita hunyorwe muShoko rake kuitira kuti tigone kuziva zvinhu zvinokosha zvisati zvaitika.—Isa. 46:10. w23.08 8-9 ¶3-4
Muvhuro, September 1
Mambakwedza [achatishanyira] achibva kumusoro.—Ruka 1:78.
Mwari akapa Jesu simba rekupedza matambudziko ese evanhu. Jesu paaiita zvishamiso, airatidza kuti ane simba rekupedza matambudziko atisingambofi takakwanisa kupedza tega. Semuenzaniso, ane simba rekutisunungura pachivi chatinoberekwa tiinacho, icho chinokonzera matambudziko edu ese, kusanganisira kurwara uye kufa. (Mat. 9:1-6; VaR. 5:12, 18, 19) Zvishamiso zvake zvakaratidza kuti anokwanisa kurapa zvirwere “zvemarudzi ese” kunyange kumutsa vakafa. (Mat. 4:23; Joh. 11:43, 44) Anewo simba rekudzikamisa madutu ane simba, uye rekusunungura vanhu pamweya yakaipa. (Mako 4:37-39; Ruka 8:2) Zvinonyaradza chaizvo kuziva kuti Jehovha akapa Mwanakomana wake simba rakadaro. Tinogona kuva nechivimbo chizere chekuti vimbiso dzezvinhu zvakanaka zvichaitwa neUmambo hwaMwari dzichazadziswa. Zvishamiso zvakaitwa naJesu paaiva panyika zvinotidzidzisa kuti achaita zvinotopfuura ipapo nekuti ndiMambo wekudenga weUmambo hwaMwari. w23.04 3 ¶5-7
Chipiri, September 2
Mweya unoongorora zvinhu zvese, kunyange zvinhu zvakadzama zvaMwari.—1 VaK. 2:10.
Kana uri muungano ine vaparidzi vakawanda, uye uchiona sekuti haunyanyi kusimudzwa, ungava pamuedzo wekurega kupindura. Asi usabva waramwa. Gadzirira mhinduro dzakati wandei pamusangano mumwe nemumwe. Kana ukasasimudzwa kwekutanga pachidzidzo chacho, unenge uchiine mimwe mikana yekupindura musangano wacho zvaunenge uchienderera mberi. Paunenge uchigadzirira chidzidzo cheNharireyomurindi, funga kuti ndima imwe neimwe yakabatana sei nemusoro wenyaya yacho. Kana ukadaro, uchakwanisa kupa mhinduro dzakanaka kubva panotanga chidzidzo chacho kusvika pachinopera. Uyewo, unogona kugadzirira mhinduro pandima dzinokurukura chokwadi chakadzama chakati omei kutsanangura. Izvi zvakanakirei? Panogona kuva nevanhu vashoma vanosimudza maoko pandima dzakadaro. Ko kana zvikaitika kuti pashure pemisangano yakati kuti hauna kuwana mukana wekupindura? Taura nemuitisi musangano usati watanga, kuti mubvunzo upi waungada kupindura. w23.04 21-22 ¶9-10