China, July 17
Shamwari yechokwadi ine rudo nguva dzese uye ihama yakaberekerwa kubatsira panguva yekutambudzika.—Zvir. 17:17.
Mariya, amai vaJesu, aida kusimbiswa. Akanga asina kuroorwa, asi aizofanira kuva nepamuviri. Akanga asina kumbobvira arera vana vake pachake, asi aizofanira kurera mukomana aizova Mesiya. Uye sezvo akanga asina kumborara nemurume, aizotsanangura sei zvese izvozvo kuna Josefa uyo aida kumuroora? (Ruka 1:26-33) Mariya akawana sei simba? Akatsvaga kubatsirwa nevamwe. Semuenzaniso, akakumbira Gabrieri kuti amuudze mamwe mashoko ane chekuita nebasa racho. (Ruka 1:34) Akabva aita rwendo rwekuenda “kunyika yemakomo” yeJudha kunoshanyira hama yake Erizabheti. Erizabheti akarumbidza Mariya uye akafemerwa naJehovha kuti ataure uprofita hunokurudzira nezvemwanakomana waMariya ainge asati aberekwa. (Ruka 1:39-45) Mariya akati Jehovha ainge “ashandisa simba reruoko rwake.” (Ruka 1:46-51) Jehovha akasimbisa Mariya achishandisa Gabrieri naErizabheti. w23.10 14-15 ¶10-12
Chishanu, July 18
Iye akaita kuti tive umambo nevapristi kuna Mwari wake uye Baba vake.—Zvak. 1:6.
Vadzidzi vaKristu vashoma vakazodzwa nemweya mutsvene. Vadzidzi ava 144 000 vachashumira sevapristi kudenga naJesu. (Zvak. 14:1) Nzvimbo Tsvene yetebhenekeri inomiririra kuonekwa kwavo sevanakomana vaMwari pavanenge vachiri panyika. (VaR. 8:15-17) Nzvimbo Tsvenetsvene yetebhenekeri inomiririra kudenga, kunogara Jehovha. “Keteni” raiparadzanisa Nzvimbo Tsvene neNzvimbo Tsvenetsvene raimiririra muviri waJesu wenyama uyo waimutadzisa kupinda mudenga seMupristi Mukuru anopfuura vamwe vese wetemberi yemweya. Nekupa kwaakaita muviri wake wenyama sechibayiro achiitira vanhu, Jesu akavhurira vaKristu vese vakazodzwa nzira yekuenda kudenga. Vanofanirawo kusiya miviri yavo yenyama kuti vagamuchire mubayiro wavo wekudenga.—VaH. 10:19, 20; 1 VaK. 15:50. w23.10 28 ¶13
Mugovera, July 19
Nguva ichandiperera kana ndikatanga kutaura nezvaGidhiyoni.—VaH. 11:32.
Gidhiyoni akaramba akadzikama paakatsoropodzwa nevaEfremu. (Vat. 8:1-3) Haana kupindura nehasha. Akaratidza kuti aizvininipisa paakateerera zvavaitaura uye paakataura navo neunyoro, zvikabva zvaita kuti hasha dzavo dziserere. Vakuru vakachenjera vanotevedzera Gidhiyoni nekunyatsoteerera uye kupindura neunyoro pavanotsoropodzwa. (Jak. 3:13) Izvozvo zvinoita kuti muungano muve nerugare. Gidhiyoni paakarumbidzwa nekukunda kwaakaita vaMidhiyani, akaita kuti Jehovha arumbidzwe. (Vat. 8:22, 23) Varume vakagadzwa vangatevedzera sei Gidhiyoni? Vanofanira kuita kuti Jehovha arumbidzwe nezvavanenge vaita. (1 VaK. 4:6, 7) Semuenzaniso, kana mukuru akarumbidzwa nekudzidzisa kwaanenge aita, anogona kutaura kuti zvaadzidzisa zvinobva muShoko raMwari uye kuti tese tinodzidziswa nesangano raJehovha. Vakuru vanogona kufunga kuti madzidzisiro avo ari kuita kuti Jehovha arumbidzwe here kana kuti anongoita kuti vanhu varumbidze ivo. w23.06 4 ¶7-8