Ita Kuti Vanzwe Vachigamuchirwa Nomufaro paChirangaridzo
1 Mumakore mashomanene akapfuura, mumwe bedzi muvanhu vatatu vakapinda Chirangaridzo akanga ari muparidzi wamashoko akanaka. Sezvingabvira zvimwe chetezvo zvichava zvechokwadi gore rino. Vamwe vangapinda pakurudziro yehama yokunyama kana kuti muzivikanwi anogara mune rimwe guta, nepo vamwe vangave vakakokwa navaparidzi vomunzvimbomo. Vamwezve vanopinda, kunyange zvazvo vakabhapatidzwa, havachisiri vanoshingaira muushumiri. Tinogamuchira nomufaro zvapachokwadi vose vanoratidza kuremekedza murairo waJesu: “Itai izvi muchindirangarira.”—1 VaK. 11:24; VaR. 15:7.
2 Varindiri vakagoverwa vanofanira kungwarira kugamuchira nomufaro munhu ari wose, zvikurukuru mutsva, sezvo anosvika paHoro yoUmambo. Zvisinei, tose zvedu tinogona kuva negoverano mukutevera nzira yomutsa paChirangaridzo. (VaR. 12:13) Seiko?
3 Pamanheru iwayo vamwe vaparidzi vachava vakabatikana zvikuru kugovera vanhu vanofarira chokufambisa. Vamwe vangakwanisa kukurumidza kusvika ndokuvapo kuti vakwazise vashanyi vanouya vari voga. Apo muenzi anopinda muhoro, mukwazise nenzira youshamwari, uye tanga kurukurirano. Mubvunze kana achiziva munhu upi noupi ari muungano yomunzvimbomo. Kana achidaro, mutarisire kusvikira munhu iyeyo asvika. (Enzanisa naRuka 10:35.) Kana asingazivi munhu upi noupi somunhu oga, kuregererei kumukoka kuti agare newe mukati momusangano wacho? Tsanangura kuti waini nechingwa zvichashandiswa sei mukati mepurogiramu. Iye angada rubatsiro rwako mukutarira magwaro anonokorwa mashoko nomukurukuri.
4 Pamhedziso yokuchengetwa kweChirangaridzo, muzivise kuti wafara kuti auya. Iye angava nemibvunzo pamusoro pebasa redu yaunogona kupindura. Fariro yako yomunhu oga ingatungamirira kukurukurirano pamusoro pomusoro weBhaibheri wakati, paHoro yoUmambo kana kuti zvimwe kune imwe nzvimbo. Fundo dzakaisvonaka dzakatangwa nehama dzakangwarira idzo dzakaita iyi nhano yokutanga inorumbidzwa. Asati abva paHoro yoUmambo, musume kuvamwe, uye mupe kokero youshamwari kuti adzoke.
5 Mufarwa wakadini kugamuchira nomufaro hama dzedu dzinodiwa nehanzvadzi dzave dzisiri kupinda misangano nguva dzose kana kuti dzave dzisingashingairi muushumiri kwenguva yakati! Panzvimbo pokubvunza mibvunzo pamusoro pokuti neiko vave vasiri kupinda misangano, ingoratidzira mufaro wako bedzi kuti vauya. Zvichida chimwe chinhu chavanonzwa mukati mehurukuro yeChirangaridzo chichavasunda kuyerazve ukama hwavo hwakatsaurirwa naJehovha. Kugamuchira kwoushamwari kwaunopa neitiro hanya yapachokwadi yaunoratidzira zvingaorora mwoyo yavo. Vazivise kuti unotarira mberi kukuvaonazve.—VaR. 1:11, 12.
6 Hurukuro yavose chaiyo ine musoro unoti “Rudzidziso Rwechokwadi Runoita Zvinodikanwa Zvechaunga Chavanhu” ichapiwa muungano zhinjisa pana April 10. Iva nechokwadi chokuti vose vanopinda kuchengetwa kweChirangaridzo vanokokwa uye vanobatsirwa kuti vavepo. Itariro yedu kuti avo vanopinda iyi misangano chaiyo vachanzwa vachigamuchirwa nomufaro ndokuwana mudzimu woushamwari woruwadzano pakati pavanhu vaJehovha.—Pis. 133:1.