Kunyoresa Muchikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari
1 Chikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari chave chiri chishandiso mukurovedza mamiriyoni eZvapupu zvaJehovha savashumiri vemashoko akanaka. Vazhinji vedu vanoyeuka kuti taitya sei uye tisingakwanisi sei apo takatanga kunyoresa pachikoro ichochi, uye zvino tinogamuchira nokuonga basa racho mukufambira mberi kwedu kwomudzimu savakurukuri navadzidzisi veShoko raMwari. (Enzanisa naMabasa 4:13.) Wakanyoresa muichi chikoro chinoshamisa here?
2 Ndivanaani vanganyoresa? Peji 73 yaTakarongwa Kupedza Hushumiri Hwedu inopindura: “Vose vanosonganirana nokushingaira neungano vangazvinyoresa, kubatanidza vanhu vatsva vanopinda misangano, chero bedzi vasingafambi noupenyu husingawirirani nenheyo dzechiKristu.” Tinokumbira vose vanokwanirisa—varume, vakadzi, uye vana—kusvika mutariri wechikoro ndokukumbira kunyoreswa.
3 Purogiramu yeChikoro ya1997: Purogiramu yeChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari ya1997 inofukidza mhatsa huru yedzidziso dzeBhaibheri navanhu, pamwe chete nenhau yesangano. Mukuwedzera kukukudziridzika mano edu okutaura nokudzidzisa, tinodzidza muzvinhu zvizhinji zvinokosha zvomudzimu zvinowanika muzvinofundwa zvazvo vhiki imwe neimwe. (Zvirevo 9:9) Kana tikagadzirira chikoro chacho, uko kunobatanidza kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki, uye kuchipinda nguva dzose, tinogona kuwana betsero huru yomudzimu mupurogiramu yacho.
4 Nokuda kwa1997 kuzhinjisa kwokurava Bhaibheri nokuda kwoMugove Nha. 2 kupfupi kupfuura mumakore apfuura. Pakugadzirira uyu mugove, mudzidzi anofanira kuyera nguva yokurava kwake nokungwarira uye ipapo kuwana kuti ndeakawanda sei pamaminiti mashanu akapiwa nokuda kworutivi rwake anogona kushandiswa nokuda kwesumo uye mhedziso. Ikoku kuchabvumira mudzidzi kushandisa nguva yake zvizere uye kukudziridza zvose zviri zviviri mano ake okurava uye unyanzvi hwokutaura asina kugadzirira.—1 Tim. 4:13.
5 Kupupura kusina kurongwa kwakawedzerwa sokuronga kunobvira nokuda kwemharidzo muMugove Nha. 3, idzo dzinovakirwa mubhuku raZivo. Nokudaro, hanzvadzi ingasarudza shanyo yedzokerero, fundo yeBhaibheri yapamusha, kana kuti zvimwe kupupurira kusina kurongwa semarongerwe omugove uyu. Chokwadika, simbiso huru inofanira kupfuurira kuiswa pakudzidzisa kunobudirira uye kwete pamarongero.
6 Ungave une ropafadzo yokupa hurukuro yokurayira, mapfundo makuru eBhaibheri, kana kuti mugove womudzidzi, unogona kuratidza kuonga kwako Chikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari kupfurikidza nokugadzirira nokuhwirudzura rutivi rwako zvakanaka, kupfurikidza nokukurukura nokupwiswa nembavarira, kupfurikidza nokusapfuura nguva, kupfurikidza nokuteerera uye kushandisa zano romutariri wechikoro, uye kupfurikidza nguva dzose nokuedza kuita mugove wako nokutendeka. Nokudaro kunyoresa kwako muchikoro kuchabvumikisa kuva chikomborero nokuda kwavose vari vaviri iwe navose vari muvateereri.