Zviziviso
◼ Mabhuku anogoverwa nokuda kwaDecember: Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu? nokuda kwe$7,00 kana kuti Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda nokuda kwe$10,00. January: Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka—Ungaruwana Sei? kana kuti Chengeteko Yenyika Yose Mukudzora kwo“Muchinda woRugare” nokuda kwe$7,00 rimwe. Bhuku ripi neripi rine mapeji 192 rakabudiswa 1984 asati asvika iro ungano inaro mudura ringagoverwa serokutsiva. February: Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo! nokuda kwe$20,00. Sechokutsiva shandisai bhuku ripi neripi rekare rine mapeji 192 ramunaro mudura. March: Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri nokuda kwe$7,00.
◼ Mutariri anotungamirira kana kuti mumwe munhu akasarudzwa naye anofanira kuongorora akaunzi dzeungano pana December 1 kana kuti nokukurumidza sezvingabvira pashure pacho. Zivisai ungano apo ikoku kunenge kwaitwa.
◼ Chirangaridzo cha1998 chichava paChitanhatu, April 11, pashure pokunyura kwezuva. Ichi chiziviso chapachine nguva mberi chemusi wekuchengetwa kwechirangaridzo cha1998 chinopiwa kuitira kuti hama dzigoita kubhukisa kunodikanwa kana kuti zvibvumirano nokuda kweHoro dzinowanika apo kunenge kune ungano dzakati kuti dzinoshandisa Horo yoUmambo uye dzinofanira kuwana dzimwe nzvimbo.
◼ Nemhaka yokukosha kwenhambo yacho, mukugovera mukurukuri weMariro, mutumbi wevakuru unofanira kusarudza mumwe wevakuru anokwaniriswa zvikuru panzvimbo pokungoita madzoro kana kuti kushandisa mukurukuri mumwe cheteyo gore rimwe nerimwe.
◼ Pakutumira mari kuSosaiti muchishandisa mapostal money order, tapota musatumire iwaya kuna Post Master weAvondale. Kutozosvikira pachimwe chiziviso, mapostal money order ose anofanira kutumirwa kuna Post Master weHarare.
◼ Ungano dzichine mugove waMashoko oUmambo Nha. 34 dzingakurudzira vaparidzi kugovera iwaya nomutoo mumwe chete unoshandiswa mamwe maturakiti, pangave pari pasuo nesuo kana kuti kune imwe nzvimbo. Nhamburiko inofanira kuitwa yokuparadzira makopi asara eiri shoko rinokosha.