Kufara Newedzero Iyo Mwari Anopa
1 VaKristu muzana rokutanga ramakore vakanga vari vaparidzi voUmambo vanoshingaira. Vakafara apo ‘ungano dzakawedzera munhamba zuva nezuva.’ (Mabasa 16:5) Kuparidza kwavo kwoushingi kwakapinda muAsia, Europe, uye Africa, kuchiguma nekukohwiwa kukuru kwevatendi.
2 Jesu akafanotaura kuti mumazuva okupedzisira, basa rokuparidza raizopinda mu‘pasi rose rinogarwa namarudzi ose’! (Mat. 24:14) Mukati megore rebasa ra1996, takapfuurira kugamuchira mishumo yewedzero dzinoshamisa nenhamba dzapamusoro dzevaparidzi kubva munyika dzakapota pasi rose. Ungano itsva dzakawanda dzakaumbwa. Uku kukura kunokurumidza kwakaita kuti kuve kurimadikanwa kuvaka Horo dzoUmambo itsva neHoro dzeMagungano pamwe chete nokukudzwa kwezvivako zvakati zvamapazu.
3 Ushumiri Hwedu hwoUmambo hwaAugust 1996 hwakashuma pamusoro pebasa guru rokuvaka riri kuitika muAfrica. Mubato wakafanana uri kuitika muLatin America mose. Nokuda kwegore rebasa ra1996, Mexico inoshuma nhamba inoshamisa yapamusoro yavaparidzi 470 098 uye avhareji yeFundo dzeBhaibheri 600 751 kuchida kuvambwa kweungano itsva dzine 466! Kukudzwa kwezvivako zvavo zvamapazu kwakarongwa kupedzwa nechokumugumo kwa1988. Kukura kwakafanana mudzimwe nyika dzakawanda hakubvumiri kurega mumabasa akasiyana-siyana oUbati Ushe hwaMwari.
4 Ndyiko dzokuvaka dzakakwira kwose kwose, uye hama dzedu munyika dzakawanda dzine zvishomanene zvokupa mune zvokunyama. Zvisinei, mukushingairira kwavo kukuru basa raJehovha, vari chaizvoizvo kukura mumudzimu nokuwedzera munhamba huru. Zvirevo 28:27 inotivimbisa kuti “Unopa varombo, haangazoshayiwi; asi unotsinzina meso ake, uchatukwa kazhinji.” Kudisa kwedu kubetsera kufukidza ndyiko idzodzi dzokuvaka kunoguma no“kuenzanisa” zvinhu zvokunyama, kuchigonesa vose kuwana mufarwa unouya nokupa uye mufaro unouya mukuona wedzero iyo Jehovha anopa!—2 VaK. 8:14, 15, (NW); Mabasa 20:35.
[Mufananidzo uri papeji 4, 5]
Bazu reParaguay
[Mufananidzo uri papeji 4]
Bazu reEcuador
[Mufananidzo uri papeji 4, 5]
Wedzero yeMexico iri Kuvakwa
[Mufananidzo uri papeji 4, 5]
Bazu reDominican Republic
[Mufananidzo uri papeji 4]
Bazu reBrazil Newedzero
[Mufananidzo uri papeji 5]
Bazu reUruguay Riri Kuvakwa
[Mifananidzo iri papeji 5]
Horo dzoUmambo dzakavakwa nemari shomanene muLatin America
1. Brazil
2. Nicaragua
3. Chile
4. Colombia
5. Mexico
6. Brazil
7. Peru
8. Venezuela
9. Mexico