Hwirudzuro Yechikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari
Hwirudzuro inoitwa mabhuku akapfigwa pamusoro pamashoko anofukidzwa mumigove yeChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari nokuda kwamavhiki aSeptember 2 kusvikira kuna December 23, 1996. Shandisai pepa riri roga rokunyorera mhinduro zhinji dzemibvunzo seyamunogona munguva yakagoverwa.
[Onai: Mukati mehwirudzuro yokunyora, Bhaibheri bedzi ringashandiswa kupindura mubvunzo upi noupi. Nongedzero dzinotevera mibvunzo ndedzenzvero yenyu mumene. Nhamba dzamapeji nendima dzingasaoneka panongedzero dzose dzeNharireyomurindi.]
Pindura kumwe nokumwe kwokutaura kunotevera kuti Chokwadi kana kuti Nhema:
1. “Chikara” chine misoro minomwe nenyanga gumi chinoratidzwa pana Zvakazarurwa 13:1 hachisi mumwe kunze kwaSatani Dhiyabhorosi. [uw-CA p. 63 ndima 4]
2. Kuri nyore zvikuru kusununguka mukufunga kwakaipa kunoparira kufinhwa, kuodzwa mwoyo kana kuti kufunga kuti kuva Chapupu kunorayira zvakawandisa. [w95-CA 7/15 p. 24]
3. Murangariro weBhaibheri pamusoro pevatano wakatangwa nevanhu vakararama makore mazhinji akapfuura. [rs-CA p. 246 ndima 2]
4. Munhu akabhapatidzwa anoputsa mirayiro yaMwari anoratidza kusaitira hanya kuvadziko nemarwadzo zvaachaparira hama dzokunyama dzinotenda. [w95-CA 7/15 p. 26]
5. Munhu akakwana aizova asingakwanisi kuita chakaipa. [rs-CA p. 65 ndima 1]
6. Sezvo Satani achikwanisa kuzvishandura amene kuva ngirozi yechiedza, hatifaniri kutsauswa apo zvimwe zvezvinhu zvinoitwa nenzira dzemidzimu zvinoratidzika kuva zvebetsero kwechinguvana. [rs-CA p. 158 ndima 2]
7. Kuda vavengi vako, seizvo Jesu akataura pana Mateo 5:43, 44, kunoreva kuti munhu anogona kuva shamwari yapedyo yevakaipa. [w95-CA 6/15 p. 5]
8. Avo vanoda ushamwari hwaJehovha nedziviriro vanofanira kurega kutora rutivi kwose mumisangano yemidzimu ndokutevera muenzaniso unotsanangurwa zvakajeka pana Mabasa 19:19. [rs-CA p. 160 ndima 4]
9. Maererano naZefania 3:9, vanhu vaMwari vachabatanidzwa munyika itsva nemhaka yokuti vose vachataura mutauro mumwe chete—chiHebheru. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w89-CA 6/1 p. 30.]
10. Mukuzadzika kwaDhanieri 12:1, Mikaeri ave aka“rindira” kubvira muna 1914 apo akava Mambo woUmambo hwaMwari hwokudenga; nokukurumidza acha“simuka” muzita raJehovha saMambo Murwi asingakundwi, achiunza ruparadziko patsika ino yakaipa yezvinhu. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w93-CA 11/1 p. 23 ndima 23.]
Pindura mibvunzo inotevera:
11. Ndivanaani “zvose zvinodikanwa nendudzi dzose” vanonongedzerwa kwavari pana Hagai 2:7, uye vano“uya” munzirai? [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w89-CA 6/1 p. 31 ndima 5]
12. Apo vaKristu vanorangarira kuitirana zvebhizimisi, chidzidzoi chavanogona kudzidza pana Jeremia 32:10 chichabetsera kuderedza zvinetso? [w95-CA 5/1 p. 30]
13. Rugwaro rwupi rwunorayira vaKristu ku“bvisa” pakati pavo “munhu uyo wakaipa”? [w95-CA 7/15 p. 26]
14. Ko mashoko aPauro ari pana 1 VaKorinte 6:9-11 anoratidza sei zvakajeka kuti vanhu vaichimbova veutere hwakakomba vakakwanisa kuchinja ndokufarikanya kumira kwakachena naMwari? [rs-CA p. 245 ndima 4]
15. Ko 1 VaKorinte 15:45 inotsigira zvinotaurwa neMagwaro echiHebheru pamusoro pemweya munzirai? [rs-CA p. 266 ndima 4]
16. Apo Jesu akachema kuna Baba vake achiti, “Baba ndinoisa mweya [mudzimu, NW] wangu pamaoko enyu,” akanga achinongedzera kuchii? (Ruka 23:46) [ rs-CA p. 251 ndima 1]
17. Kutaurai uko Pisarema 146:4 rinoshandisa kuratidza kuti simba roupenyu riri mumunhu rinomira kushanda parufu? [rs-CA p. 156 ndima 4]
18. Ndiani akatanga pfungwa yokuti vanhu chaizvoizvo havafi, uye ndepapi muBhaibheri pane nhema dzapakuvamba dzinowirirana nedzidziso iyi yenhema? [rs-CA p. 157 ndima 2]
19. Pana Hagai 2:9, NW itembere ipi yakanga iri “imba yokupedzisira,” ndeipi yakanga iri “yokutanga,” uye nei mbiri ye“imba yokupedzisira” yakanga yakakura zvikuru kupfuura iyo ye“yokutanga”? [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki, ona w89-CA 6/1 p. 30.]
20. Chii icho Hosea 14:2 yakanga ichikurudzira vaIsraeri kuita, uye Zvapupu zvaJehovha zvinozadzika uporofita ihwohwo sei nhasi? (VaH. 13:15) [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w94-CA 9/15 p. 10 ndima 1-2.]
Govera shoko kana kuti mashoko kana kuti chikamu chemashoko chinodikanwa kuzadzisa kutaura kumwe nokumwe kunotevera:
21. Apo Jesu akaporesa mwanasikana womukadzi weSirofenike, sezviri pachena akanga aenda nevaapostora vake ku _________________________ kuti vawane _________________________ kwaidikanwa, uye kwete kunoshanda pakati pe _________________________ . [w95-CA 8/1 p. 26]
22. Satani nenzira yemanomano anonyengera vanhu kugutsa zvishuwo _________________________ nenzira dzisina _________________________ . [uw-CA p. 65 ndima 9]
23. Kuti tive vakadzivirirwa nenzira yomudzimu, hatifaniri kuregeredza kupfeka rutivi rwupi norwupi rwenhumbi dzokurwa nadzo dzinobva kuna Mwari, dzinobatanidza “ _________________________ ,” “chidzitiro chechifuva cho _________________________ ,” “kugadzirwa kwe _________________________ yorugare,” “nhovo huru yo _________________________ ,” “ngowani yo _________________________ ,” uye “ _________________________ womweya.” [uw-CA p. 68 ndima 14]
24. Avo vanotsigira marudzidziso egamuchidzanwa, kwose kuri kuviri mukati mechiKristudhomu nokunze, vanofunga kuti vane mweya _________________________ uko kwaizoita kuti _________________________ rusave madikanwa. [uw-CA p. 70 ndima 3]
25. Kunyange zvazvo padzimwe nguva mufambiro weimwe hama ungave uchiodza mwoyo, _________________________ rwevanamati biyedu _________________________ yokurarama kwechiKristu. [w95-CA p. 22]
Sarudza mhinduro yakarurama mukutaura kumwe nokumwe kunotevera:
26. Pabindu reEdheni, Jehovha angagona kudai akaparadza Satani pakarepo nevateveri vake vatsva vaviri maererano neruramisiro yake yakakwana. (Mup. 8:9; Zvak. 12:12; Dheut. 32:4) [w95-CA 7/15 p. 5]
27. Maererano naZvirevo 19:11, zvakanaka (kutsamwa; kuchengeta pfunde pfunde; kuregerera) apo mumwe munhu anenge atitadzira. [w95-CA 7/15 p. 22]
28. Kuzivikanwa kwemudzimu mutsvene kwakarurama kunofanira kukodzerana ne(mirangariro yorudzidziso; magamuchidzanwa echiKristudhomu; Magwaro ose) ayo anonongedzera kumudzimu iwoyo, uye ikoku kunotungamirira kumhedziso ine mufungo yokuti mudzimu mutsvene (munhu; rutivi rwoUtatu; isimba rinobata basa raMwari). [rs-CA p. 248 ndima 3]
29. Joere 2:32 yakanokorwa mashoko na(Petro; Johane; Pauro) pana (Mabasa 2:40; VaRoma 10:13; 1 Timotio 2:4), umo anosimbisa ukoshi hwokudana pazita raJehovha. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w96-CA 4/1 p. 20 ndima 16.]
30. Tinopa ufakazi hwokuva nemudzimu waMwari kupfurikidza (nokushamatata kwekunzwa kworudzidziso; kudedera nokuumburuka-umburuka; kupupura nokushingaira) uye kupfurikidza nokuratidza zvibereko (zvishanu; zvinomwe; zvipfumbamwe) zvemudzimu. [rs-CA p. 249 ndima 4]
Nzwananisa magwaro anotevera nokutaura kwakarongwa pasi apa: Dheut. 18:10-12; Zvir. 27:12; Hos. 10:12; VaG. 6:7, 8; 1 Johane 3:4, 8
31. Murakatira wehosha dzinopfuudzwa muvatano, misha yakaputsika, uye zvichingunodaro zvinopa ufakazi hwechokwadi hwezvinotaurwa neBhaibheri pamusoro pechivi nemigumisiro yacho. [rs-CA p. 66 ndima 2]
32. Kupfurikidza nokuita zvakarurama muupenyu hwedu hwezuva nezuva, tichakohwa mutsa worudo waJehovha. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w96-CA 3/15 p. 23 ndima 2-3.]
33. Zvimiro zvose zvokuuka kukoka kurukurirano nemidzimu isina kuchena kana kuti kugarwa nayo, uye kupinda muzvinhu zvakadaro kwaizova kusatendeseka kwakakomba kuna Jehovha. [rs-CA p. 159 ndima 1]
34. Avo vanosarudza nzira yechivi nenzira yemaune, vachiiita muitiro, vanorangarirwa naMwari sevaiti vechakaipa. [rs-CA p. 67 ndima 3]
35. Kuti tidzivise rwisano pamusoro pemagamuchidzanwa, muKristu anoita zvakanaka kubva mamiriro ezvinhu ane bviro yokubvumirana pane zvisina kufanira asati aipa. [w95-CA 8/15 p. 30]