“Betsero Panguva Yakarurama”
1 Kunozorodza sei kugamuchira betsero apo chaizvo tinoida! (VaH. 4:16, NW) PaKokorodzano yoRuwa ye“Nhume Dzorugare rwaMwari,” takafara apo takapiwa gadziriro mbiri chaidzo dzebetsero panguva chaiyo chaizvo.
2 Bhuku idzva, Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri, rakauya panguva yakakodzera. Rinopa ngwariro pazvinokosha zvina zvinosimudzira upenyu hwemhuri hunofadza: (1) Kuzvidzora, (2) kuziva umusoro, (3) kurukurirano yakanaka, uye (4) rudo. Murairidzo unopiwa mubhuku raMufarwa Wemhuri uchabetsera mhuri dzose dzinorishandisa kuwana rugare rwoumwari. Tsaura nguva yokunyatsorava iri bhuku idzva uye kurifunda pamwe chete semhuri. Iva akasanorovedzana namativi aro kuitira kuti ugova akagadzirira kurishandisa zvinobudirira apo rinogoverwa kuvokunze kokutanga, muna March.
3 Bhurocha idzva, Mwari Anodei Kwatiri?, rauya panguva yakarurama kubetsera kukurumidzisa basa redu rokuita vadzidzi. Kunyange ringashandiswa zvikurukuru kubetsera vanhu vane mano okurava akaganhurirwa, vakura navana vaduku vazhinji vanogona kurava nokunyora vachabetserwawo netsananguro yaro yakapfava yedzidziso huru dzeBhaibheri. Ringava chaizvo chinodikanwa kutanga fundo sechokutangisa mubhuku raZivo. Iyi gadziriro ine chokwadi chokubetsera vakawanda zvikuru kunzwisisa nzira iyo vangagona kukomborerwa zvikuru nayo kupfurikidza nokuita izvo Mwari anoda.
4 Dhavhidhi akataura mifungo yedu zvakakwana apo akazivisa kuti ‘hapana chaaishayiwa, mweya wake wakazorodzwa, uye mukombe wake waipfachuka!’ (Pis. 23:1, 3, 5) Tinotarira mberi nomufaro kukupfuudzira mberi betsero iyi yokumudzimu yakaisvonaka kuvamwe vakawanda vanoshuva zvapachokwadi kuziva uye kubatira Mwari wechokwadi, Jehovha.