RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 3/97 p. 8
  • Kubetsera Pwere Kuwana Ramangwana Rinogara

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kubetsera Pwere Kuwana Ramangwana Rinogara
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • Mashoko Akafanana
  • Govera Bhuku raMufarwa Wemhuri Kuvanhu Vemazera Ose
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
  • Kugoverana Nevamwe Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • Mharidzo Dzingangoshandiswa Mubasa Romumunda
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
  • Zivo Inobva Kuna Mwari Inopindura Mibvunzo Yakawanda
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
km 3/97 p. 8

Kubetsera Pwere Kuwana Ramangwana Rinogara

1 “Makaro anobetsera,” nyanzvi yekushandiswa kwemari yakaudza kudaro kirasi yaipedza kufunda pakoreji, ichiwedzera kuti: “Unogona kuva nemakaro ndokuramba uchizviremekedza.” Ikoko kunoratidzira kutsigira kunoita nyika udyire senzira yekuvimbisa ramangwana remunhu. Mukupesana kwakajeka, Jesu akadzidzisa kuti muKristu anofanira “[kuzviramba], . . . nokuti munhu uchabatsirweiko kana awana nyika yose, akarashikirwa noupenyu hwake?” (Mat. 16:24-26) Kuwana ramangwana rinogara, munhu anofanira kunangidzira upenyu hwake hwose pakuita kuda kwaMwari—vavariro inokosha zvikurusa nokuda kwepwere nhasi. (Pis. 143:10; 1 Tim. 4:8) Shoko iroro rinopiwa muganhuro rekupedzisira rebhuku raMibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda. Ichi chinyorwa chinobetsera pwere kuona chinokosha chaizvoizvo muupenyu uye maitire adzinogona kuita kuti dzizvibetsere dzimene. Sezvatinopfuurira kuparidza mashoko akanaka kwose kwose, chii chatinogona kutaura chichakurudzira avo tinosangana navo kurava bhuku raVechiduku Vanobvunza? Hezvino zvimwe zvikarakadzo:

2 Pose pari paviri pasuo uye mumugwagwa, ungaedza kushandisa turakiti ra“Upenyu Munyika Itsva Ine Rugare” kutanga kurukurirano nevanhu vaduku. Ungagona kubvunza kuti:

◼ “Nefunganyo dzose idzo kurarama kwazvino uno kunounza patiri, munofunga kuti kunobvira here kuti pwere dzive neramangwana rinofadza chaizvoizvo? [Bvumira mhinduro.] Iri turakiti rinotivimbisa kuti kunobvira. Mungada kurirava here?” Kana rikagamuchirwa, mungagona kupfuurira nokuti: “Sezvo muchifarira iyi nhau, mungafarikanyawo iri bhuku iro rinogovera zano rakakwana pamusoro pemawanire anogona kuita pwere mufaro muupenyu.” Ratidzai ndaza yezviri mukati mubhuku raVechiduku Vanobvunza. Ratidzai misoro mishomanene inokwezva yemaganhuro. Tendeukirai kupeji 304 uye ravai ndima yekupedzisira. Goverai bhuku racho nokuda kwe$5,00. Tsanangurai kuti mune zvakawanda zvekugoverana, uye bvunzai apo mungagona kushanya zvekare.

3 Mungagona kutevera kurukurirano yenyu yepakuvamba pamusoro peramangwana rinofadza kupfurikidza nokuti:

◼ “Ndingada kuratidza chimwe chinhu chiri mubhuku ramakatora icho ndinofunga kuti muchaonga. Ganhuro rekupedzisira rinonangidzira ngwariro pachakavanzika chaichoicho chemufaro wechokwadi. [Ravai ndima 3 papeji 311.] Cherekedzai kuti ukama hwakanaka naMwari ndihwo hunokosha. Tinorumbidza kuti vanhu vaduku vafunde Bhaibheri kuti vadzidze kuri kuda kwaMwari uye mashandisire avanogona kukuita muupenyu hwavo. Tinogovera kosi yepachena yefundo yeBhaibheri iyo inotora mwedzi mishomanene bedzi kupedza. Kana mukandibvumira, ndichakuratidzai maitisirwe ayo.” Dzokerai nebhurocha raMwari Anodei Kwatiri? kana kuti bhuku raZivo, ripi kana ripi richava rakafanira zvikuru.

4 Pakutaura kuvemukirasi biyako pachikoro kana kuti kupwere mundima, ungawana mhinduro kuuyu mubvunzo:

◼ “Kunokosha sei kuti vabereki nevana vavo vachengete mikoto yekurukurirano yakazaruka kunomumwe nomumwe? [Bvumira mhinduro.] Cherekedzai izvo iri bhuku duku revanhu vaduku rinotaura pamusoro penhau yokuti ‘Neiko Vabereki Vangu Vasingandinzwisisi?’ [Ravai ndima 3 ne 4 papeji 18 yebhuku raVechiduku Vanobvunza.] Ndima dzinotevera dzinogovera zvikarakadzo zvinoshanda pamusoro penzira yekunatsa kurukurirano mukati memhuri. Iri bhuku rine musoro unoti Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda. Kana mungada kurirava, mungava neiyi kopi pamutengo chaiwo wakaderedzwa we$5,00.” Tsanangurai kuti muchadzoka gare gare kuti muwane tsinhiro dzake pane zvaanorava.

5 Mungagona kuwedzera kurukurirano yenyu yepakuvamba nepwere pamusoro pekurukurirano yevabereki nevana kupfurikidza nokutaura izvi:

◼ “Ndakaonga fariro yamakaratidza mukukosha kwekuva nekurukurirano yakanaka mukati memhuri yenyu. Ndeipi yamaizoti inhau inokosha zvikurusa iyo vabereki nevana vanofanira kukurukura?” [Bvumirai mhinduro.] Ipapo tendeukirai kupeji 180 mubhuku raVechiduku Vanobvunza, uye ravai ndima iri papeji iyoyo. “Kuva nefundo yeBhaibheri yevhiki nevhiki inzira yakaisvonaka yekuwana nayo zivo yaMwari.” Goverai bhurocha raMwari Anodei Kwatiri? Tsanangurai kuti zvidzidzo zvaro 16 zvinogovera kupfupikiswa kunokosha kweshoko reBhaibheri. Ravai sumo iri papeji 2, uye ipapo kukurukurai pamwe chete chidzidzo chekutanga.

6 Kana mukasangana nemubereki mubasa repaimba neimba, kana kuti zvichida panhandare yekutambira, munganyandura fariro kupfurikidza nokuti:

◼ “Ndine chokwadi chokuti muchabvuma kuti kurera vana nhasi idenho chaiyoiyo. Chii chamunofunga kuti chinogona kudzivirira vana venyu papesvedzero dzakashata? [Bvumirai mhinduro.] Herino zano rakanaka randakaonga.” Tsinhirai pamufananidzo uri papeji 262 mubhuku raVechiduku Vanobvunza. Tsanangurai kuti bhuku racho rinopa sei nhungamiro yakadzikama iyo inoshanda chaizvoizvo kudzivirira mhuri papesvedzero dzinoparadza. Goverai kopi, uye zviitei mumene anowanika kupindura mibvunzo ipi neipi inomuka.

7 Pashanyo yenyu yechipiri kumubereki akagamuchira bhuku ra“Vechiduku Vanobvunza,” mungagona kupfuudzira kurukurirano yacho muiyi nzira:

◼ “Apo takatanga kuonana, ndakagona kuona kuti munoitira hanya zvepachokwadi vana venyu uye kuti munoda kuita zvose zvamunogona kuvadzivirira papesvedzero dzisina kururama. Mungave musati mairava, asi pane tsinhiro inokosha zvikuru inoitwa mubhuku randakakusiyirai iyo munofanira kuona. [Ravai ndima 2 papeji 318.] Kutanga ukama naMwari kunoda kuti timuzive kupfurikidza nemapeji eShoko rake rakanyorwa, Bhaibheri. Mungada kuti ndikuratidzirei here mafundire atinoita Bhaibheri semhuri?”

8 Vapi vezano venyika havagoni kuratidza pwere nzira inoenda kumufaro asi zvirokwazvo vachavasiya vaodzwa mwoyo. Ngatiparadzire zvakafara bhuku raVechiduku Vanobvunza kuitira kuti vanhu vaduku kwose kwose vagone kubetserwa neShoko raMwari kuwana ramangwana rinogara.—1 Tim. 6:19.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe