Kugoverana Nevamwe Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri
1 Mhuri ndiro boka rinokosha renzanga yevanhu, uye mumhuri munobva misha, maguta, nyika, uye marudzi ose. Nhasi boka remhuri riri mudzvinyiriro isati yakamboitika nakare kose. Pesvedzero dzine simba dziri kutyisidzira kuvapo chaiko kweupenyu hwemhuri. Tinoonga sei kuti Jehovha, Murongi wegadziriro yemhuri, akatigovera mirayiridzo inotigonesa kuwana mufaro wemhuri! Avo vanotevera nhungamiro yake vanowana kuti zvinetso zvinoderedzwa uye kuti panova neboka remhuri rinobudirira. Muna September tine ropafadzo yekugoverana nevamwe bhuku reChakavanzika Chomufarwa Wemhuri. Tanga kusvika vanhu pamusoro penhau yeupenyu hwemhuri. Iva ane ushamwari, ane chivimbo, uye ane nzwisiso. Chii chaungataura?
2 Ungagona kutanga nokumutsa mubvunzo wakadai sewokuti:
◼ “Makacherekedza here kuti mhuri dzakawanda dziri kuzviwana zvakaoma kutsungirira dzvinyiriro dzoupenyu? [Bvumira mhinduro.] Mishumo inoratidzira kuti vanhu vakawanda vari kuva nezvinetso mumusha. Chii chamunofunga kuti chingabetsera mhuri kuwana simba nomufaro zvakawedzerwa? [Bvumira mhinduro.] Sezvo Mwari akatanga gadziriro yemhuri, zvingasava nomufungo here kunzvera nhungamiro yaakapa? [Rava 2 Timotio 3:16, 17.] Murayiridzo unobetsera wakadaro unotsanangurwa mubhuku rino, Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri.” Ipapo bvunza munhu wacho chaanofunga kuva chinetso chikuru chemhuri, ratidza ganhuro rinokurukura chinetso chacho, uye govera bhuku racho.
3 Pashanyo yedzokerero, ungaronda vavariro yekutanga fundo yeBhaibheri kupfurikidza nokuti:
◼ “Ndafunga pamusoro pezvamakataura panhau yeupenyu hwemhuri, uye ndakuunzirai chimwe chinhu chandinofunga kuti muchachifarira. [Ratidza bhurocha raAnodei, enda kupeji 16, uye rava mibvunzo mitanhatu iri pamusoro.] Sezviri pachena, mumwe nomumwe ari mumhuri anofanira kuita rutivi rwake kuti atsigire mufarwa wemhuri. Kana mune maminiti mashomanene chete, ndichaenzanisira kuti munogona sei kubetserwa zvikurusa nemashoko aya.” Ipapo tangai kufunda chidzidzo 8.
4 Imwe nzira yekutanga nayo kurukurirano ndeyokududza chinetso, zvichida kupfurikidza nokuti:
◼ “Kunyange zvazvo munhu wese achida kugutsikana, zvinoratidzika sokuti mhuri dzakawanda hadzina kubudirira chaizvoizvo murutivi urwu. Chii chamunofunga kuti chichavabetsera kuwana mufaro wechokwadi? [Bvumira mhinduro.] Kare kare, Bhaibheri rakaratidza rudzi rwezvinetso zvataizoona mumhuri nhasi. [Rava 2 Timotio 3:1-3.] Zvisinei, Bhaibheri rinoudzawo mhuri zvokuita kuti dzipedze zvinetso izvi uye kuti dziwane mufarwa unogara. Nheyo dzaro dzinotsanangurwa mubhuku rino, Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri.” Ipapo ratidza bhokisi rehwirudzuro riri pamugumo weganhuro rakafanira, rirave, uye govera bhuku racho.
5 Paunodzoka, shandisa bhurocha ra“Anodei” kutanga fundo. Ungagona kuti:
◼ “Ndakafadzwa nokudisa kwenyu kunzvera nheyo dzeBhaibheri dzinoshanda muupenyu hwemhuri. Ruzivo rwekuzviwanira runoratidza kuti migumisiro yakanakisisa inowanwa mukutevera zano rinoshanda rinowanwa muBhaibheri. Heino tsananguro yakapfava yechikonzero nei zvakadaro.” Rava ndima yokutanga yechidzidzo 1 mubhurocha raAnodei, uchibatanidza Pisarema 1:1-3 kana kuti Isaya 48:17, 18. Kana mukana uchibvumira, rangarira rutivi rwasara rwechidzidzo chacho. Karakadza kudzoka kuzofunda chidzidzo chinotevera pamwe chete.
6 Nezvemipiro: Unozengurira kugovera mabhuku nemhaka yokuti unofanira kukumbira mupiro wao here? Haufaniri kunzwa nenzira iyi kana ukazviisa munzvimbo yavanasaimba vakawanda. Misha mizhinjisa ine zvinyorwa zvakati zvavanobhadhara chitsama chinopfuura nekaviri kana kuti nekatatu mari yatinoripisa nokuda kwemabhuku edu. Mabhuku edu anokosha uye anodhura kubudisa. Ndokusaka tichida kuva nechokwadi chokuti hatisi kuapa pachena kuvanhu vasingaongi avo vasingazoaravi. Avo vanofarira zvechokwadi vanofara kuripira.
7 Pakugovera bhuku ra“Mufarwa Wemhuri”, somuenzaniso, ungataura izvi:
◼ “Tose zvedu tinoda kuti mhuri dzedu dzifare, asi tinoziva kuti mhuri dzakawanda hadzisi kufara chaizvozvo. Chii chamunofunga kuti chichabetsera vanhu kuwana mufaro wakawedzerwa muupenyu hwavo hwemhuri? [Bvumira mhinduro.] Hamubvumi here kuti zvingava zvinobetsera kuteerera zvinotaura Musiki wemhuri? Nhungamiro dzaakagadza muBhaibheri nokuda kweupenyu hwemhuri hunofadza dzinokurukurwa muchinyorwa chino. [Ratidza ndaza yezviri mukati.] Bhuku rino rinogona kuva renyu pamupiro muduku we$7.00.
8 Ngatishandisei nhamburiko dzose dzatinogona kuti tigoverane nevamwe chakavanzika chinotungamirira kumufarwa wemhuri—kutevera mirayiridzo inotsanangurwa muShoko raMwari.—Pis. 19:7-10.