RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wp17 nha. 3 p. 3
  • Nei Uchifanira Kuziva Vatasvi 4 Vemabhiza?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nei Uchifanira Kuziva Vatasvi 4 Vemabhiza?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2017
  • Mashoko Akafanana
  • Ndivanaani Vakatasva Mabhiza 4?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2017
  • Sumo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2017
  • Vatasvi Vamabhiza Vana Vari Kugagadika!
    Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
  • Vatasvi 4 Vemabhiza
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2019
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2017
wp17 nha. 3 p. 3

NYAYA IRI PAKAVHA | NEI UCHIFANIRA KUZIVA VATASVI 4 VEMABHIZA?

Mabhiza 4 ari kumhanya

Nei Uchifanira Kuziva Vatasvi 4 Vemabhiza?

Pasi panotinhira sezvaanobuda achimhanya! Paunoverenga nezvemabhiza 4 anotaurwa muBhaibheri, unotoita seuri kuaona achimhanya! Rekutanga racho ijena, uye akaritasva ndimambo ane simba achangobva kugadzwa. Rechipiri idzvuku, uye akaritasva anobvisa rugare panyika. Rechitatu idema, uye akaritasva akabata zvikero zviviri uye panonzwika inzwi rinotaura nezvekushomeka kwezvekudya. Rechina rakacheneruka, uye riri kuita seriri kurwara. Rinomiririra zvirwere uye zvimwe zvinhu zvinouraya, uye akaritasva anonzi Rufu. Uye Guva rinenge richitevera riri pedyo richitora upenyu hwevanhu vazhinji!—Zvakazarurwa 6:1-8.

“Pandakaverenga nezvevatasvi 4 vemabhiza kekutanga, ndakarohwa nehana. Ndaifunga kuti Zuva Rekutongwa rava kusvika uye ndaizoparadzwa, nekuti ndakanga ndisina kugadzirira.”—Crystal.

“Nyaya yevatasvi vemabhiza 4 yaindinakidza. Pandakazoziva zvaaireva, zvakabva zvandijekera.”—Ed.

Wakambonzwa sezvakaita Crystal here pawakaverenga nezvemabhiza aya 4 emuna Zvakazarurwa? Kana kuti wakaita sezvakaita Ed? Panyaya dziri mubhuku raZvakazarurwa, yemabhiza 4 ndiyo inonyanya kuzivikanwa. Waizviziva here kuti kana ukanzwisisa zvaanoreva, zvichakubatsira? Mwari anoti kana ukadzidza zvinhu zviri mubhuku iri rizere neuprofita uye ukazvitevedzera uchawana mufaro.—Zvakazarurwa 1:1-3.

Vamwe vanotya nyaya iyi yemabhiza 4, asi chinangwa chayo hachisi chekutyisa vanhu. Kunzwisisa nyaya iyi kwakaita kuti mamiriyoni evanhu asimbe pakutenda uye ave netariro. Ndizvo zvinogona kuitikawo kwauri! Verenga nyaya inotevera unzwe.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe