Sumo
UNOFUNGEI?
Vanhu vakawanda vanoziva nezvevarume 4 vanenge vakatasva mabhiza vanotaurwa muna Zvakazarurwa. Vamwe vanototyiswa nezvinotaurwamo. Vamwe vanoda kunyatsoziva kuti zvinorevei: Inzwa zvinotaurwa neBhaibheri nezveuprofita hwakadai:
“Anofara uyo anoverenga zvinonzwika nevaya vanonzwa mashoko ouprofita uhwu.”—Zvakazarurwa 1:3.
Magazini iyi inotsanangura kuti uprofita hwevarume 4 vanenge vakatasva mabhiza hunoratidza kuti pane zvinhu zvakanaka zvava pedyo kuitika.