Kuzivisa ‘Mashoko Ouporofita’
1 Tiri kurarama munguva apo uporofita huri mubhuku raZvakazarurwa huri kuzadzikwa. Vazhinji vari kutsvaka kunzwisisa revo yezviitiko zvinodzonyongedza zviri kuitika. Vanogona kubetserwa no‘kunzwa mashoko’ ouporofita hwaZvakazarurwa. (Zvak. 1:3) Mukati memwedzi waMarch, tine mukana wokuvabetsera kupfurikidza nokusimbisa bhuku raMugumo waZvakazarurwa. Pakurigovera tinofanira kuyeuka kuti zvinetso zviri kunangana norudzi rwomunhu nhasi zvakafanotaurwa mubhuku raZvakazarurwa. Chii, ipapo, chatinogona kutaura.
2 Uku kusvika kungabudirira:
◼ “Hondo, nzara, uye hosha zvatambudza vanhu muzana rino ramakore rechi 20. Munofunga kuti nei kwakadaro apo vanhu vaita fambiro mberi yakadaro muunyanzvi hwokugadzira zvinhu? [Bvumira mhinduro.] Vazhinji vanoshamisika kuziva kuti mamiriro ezvinhu iwaya akafanotaurwa muBhaibheri. Pasina kupokana makarovedzana nokutaura kwokuti ‘vatasvi vamabhiza veApocalypse.’ Icho Bhaibheri rinotaura pamusoro pavatasvi vamabhiza ava chaizvoizvo uporofita huri kuzadzikwa muzviitiko zvenyika nhasi. [Zarura bhuku raMugumo waZvakazarurwa paganhuro 16, ndokuratidza mifananidzo iri pamapeji 91-7.] Nepo uporofita uhwu huchifanotaura nezvenguva yenhamo, hunogoverawo tariro. [Rava Zvakazarurwa 6:2 mundima 3.] Mutasvi webhiza jena ndiJesu Kristu. Iye akavimbisa kukunda uipi ndokuunza nyika yomufarwa norugare kupfurikidza noUmambo hwaakatidzidzisa kunyengeterera.” Govera bhuku racho.
3 Zvimwe mubvunzo uyu ungagona kutanga kurukurirano ine revo:
◼ “Chii chamunonzwa kuti chinodikanwa kubvisa mamirire ezvinhu akaipa munyika? [Bvumira mhinduro.] Vanhu vazhinjisa vanobvuma kuti pane dikanwo yechinjo dzekukurumidzira kana nyika ino ichizopukunyuka. Bhaibheri rinoratidza kuti Mwari anoziva nzira yokupedza nayo zvinetso zvedu uye akavimbisa kutibetsera.” Tendeukira kubhuku raMugumo waZvakazarurwa, peji 171, ndokurava Zvakazarurwa 11:15 mundima 1. Tendeukira kumifananidzo iri pamapeji 302 ne 308, ndokuratidza zvikomborero zvichawanwa mukutonga kwoUmambo hunodzorwa naKristu. Ipapo tsanangura kuti saimba pachake anogona kubetserwa sei somunhu oga.
4 Unganzwa zvakanaka nokutaura chimwe chinhu chakafanana neichi:
◼ “Vanhu vazhinji avo vakarava bhuku reBhaibheri raZvakazarurwa vakariwana kuva rakaoma kunzwisisa. Rinotsanangura mhatsa yezviitiko zvisiri zvenguva dzose uye zvinokosha. Iri bhuku, Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!, rinogovera rangarirwo yendima nendima yebhuku rose raZvakazarurwa uye rinoratidza matapurirwe atinoitwa somunhu mumwe nomumwe nokuzadzika kwouporofita hwaro.” Zarura bhuku racho papeji 15, ndima 2, ndokuratidza Zvakazarurwa 1:1, iri mumavara matema. Tsanangura kuti tsinhiro dzakananga dzakadai dzinogoverwa pandima imwe neimwe iri mubhuku raZvakazarurwa uye kuti mashoko aya achamubetsera kunzwisisa uporofita uhwu hunoshamisa. Govera bhuku racho nokuda kwe$15,00.
5 Kana munhu wacho akabatikana ungagovera magazini kana kuti turakiti. Apo unodzoka uye fariro ikaratidzirwa, bhuku ringagona kugoverwa.
6 Mashoko ari muna Zvakazarurwa anotapura vanhu vose. Munhu ari wose anoda kunzwa mashoko ouporofita. Ngatiite zvose zvatinogona kuzivisa iri shoko rinokosha.