Betsera Vamwe Ku“chengeta Zvinhu Zvakanyorwa”
1 Hazvina kukwana ku“nzwa” mashoko ouporofita ari mubhuku raZvakazarurwa. Kuti abetserwe zvizere, munhu anofanira ku“chengeta” zvakanyorwa. (Zvak. 1:3) Kugovera mabhuku inongova nhano yokutanga bedzi kukuita vadzidzi. Kana tangowana bedzi vanofarira avo vanoda kunzwa, tinofanira kudzokera nokukurumidza kunovabetsera kudzidza zvakawanda. Chii chatinogona kutaura pamusoro pacho pashanyo yedu yedzokerero?
2 Kana wakataura pamusoro pavarume vana vemabhiza vokufananidzira pashanyo yako yokutanga, ungatanga kurukurirano yako neiyi nzira:
◼ “Munguva yakapfuura takataura pamusoro pebhuku raZvakazarurwa nenzira iyo uporofita hwaro huri kuzadzika nayo nhasi muzvinoitika zvenyika. Zvakazarurwa ganhuro rechitanhatu rakafanotaura nezvekutasva kwavarume vana vemabhiza vokufananidzira, uko kwaizoguma nemasimba masimba nenhamo munyika. Taona izvi zvichiitika mumeso edu chaimo. Vazhinji vanoshamisika kuti iyi nhamo ichaguma rini kuti tigogona kufarikanya upenyu munyika ine rugare. Ndoupi uri mufungo wenyu? [Bvumira mhinduro.] Vadzidzi vaJesu vaifarira mhinduro yomubvunzo uyu.” Rava Mateo 24:3, apo mubvunzo unomutswa, uye ipapo ndima 34, apo Jesu akapa mhinduro yacho. Kana davidzo yacho yakanaka, tsanangura zvakawanda pamusoro pamazuva okupedzisira.
3 Kana makakurukura Umambo hwaMwari pashanyo yokutanga, ungasarudza kupfuurira nokubvunza mubvunzo uyu:
◼ “Sokufunga kwenyu, ihurumende yorudzii inodikanwa kugutsa zvinodikanwa zvose zvavanhu? [Bvumira mhinduro. Rava Jeremia 10:23.] Sezvamunogona kuona, Mwari haana kutongoronga kuti munhu anofanira kutungamirira zvinhu zvake amene. Kuedza kuita ikoko pasina betsero yaMwari ndiko kunoparira zvinetso zvedu zvizhinjisa. Umambo hwaMwari ndiyo hurumende bedzi inogona kugovera zvatinoda.” Tendeukira kupeji 371 mubhuku raKurangarira, ndokukurukura magwaro ari pasi pomusoro muduku wokutanga. Pfuuridzira kurukurirano yacho nokutsanangura kuti nei tichigona kuisa chivimbo chedu chakazara muna Mwari.
4 Ungada zvichida kuedza izvi kuti utange kurukurirano yapaMagwaro:
◼ Ratidza mufananidzo uri papeji 302 yebhuku raMugumo waZvakazarurwa, ndokutsanangura, kuti: “Rudzi rwomunhu ruchafarikanya migariro iyi apo kuda kwaMwari kunoitwa pasi pano sezvakunoitwa kudenga. Zvisinei, vamwe vanotya kuti migariro yakaipa ichadzokazve. Ikoko hakubviri nemhaka yokuti vose vakaipa vanenge vaenda.” Rava Pisarema 37:10, 11. Kokera saimba kushandisa purogiramu yedu yefundo yeBhaibheri kuti adzidze zvakawanda.
5 Kana wakasiya turakiti ra“Upenyu Munyika Itsva Ino Rugare,” nongedzera kumufananidzo uri pokutanga tevere rava ndima yokutanga pasi pomusoro “Upenyu Munyika Itsva yaMwari.” Ipapo iti:
◼ “Kana tichida kurarama munyika yakadaro, pane chimwe chinokosha chatinofanira kuita.” Rava ndima yokupedzisira, ndokugovera bhuku raMugumo waZvakazarurwa.
6 Sezvo vavariro yedu iri yokutanga fundo dzeBhaibheri, tinofanira kuita shanyo dzedzokerero dzinobudirira. Ronga nguva nokuda kwadzo, uye gadzirira zvakanaka. Neiyi nzira zvirokwazvo tinogona kubetsera vane mwoyo yakatendeseka.—Zvak. 22:6, 7.