RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 2/96 p. 8
  • Zvakazarurwa—Kiyi Kumufarwa Wechokwadi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvakazarurwa—Kiyi Kumufarwa Wechokwadi
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • Mashoko Akafanana
  • Kuzivisa ‘Mashoko Ouporofita’
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
  • Vabetsere Kunzwisisa
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • Kupa Mashoko Akanaka Nepfungwa Yekurumidziro
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • Betsera Vamwe Ku“chengeta Zvinhu Zvakanyorwa”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
km 2/96 p. 8

Zvakazarurwa—Kiyi Kumufarwa Wechokwadi

1 Mashoko omuapostora Johane ari pana Zvakazarurwa 1:3 mashoko akanaka kwatiri nemhaka yokuti anotiudza nzira yokuwana nayo mufarwa. Bhuku raZvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo! rakayamura vakawanda mukuwana mufarwa mukuru. Tine chikonzero chakanaka chokurigovera kuvamwe.

2 Ungakwanisa kutanga kurukurirano nouyu mubvunzo:

◼ “Munofunga kuti bhuku reBhaibheri raZvakazarurwa rakanga richifanira kunzwisiswa here, kana kuti raifanira kuramba riri chakavanzika nguva dzose? [Bvumira mhinduro.] Vakawanda vanogoverana murangariro wenyu. Cherekedzai icho Bhaibheri rinotaura pana Zvakazarurwa 1:3. [Rava.] Naizvozvo bhuku raZvakazarurwa rinogona kunzwisiswa, uye zivo yarinaro inogona kutiunzira mufarwa. Ikoku kunobvira sei?” Hwirudzura mirangariro iri mundima 2 papeji 6, uye ipapo iti: “Ichi chinyorwa chinopa kurukurirano yendima nendima yebhuku raZvakazarurwa. Richava rakakodzera nguva yenyu kuti murirave. Ndingafara kukusiyirayi iyi kopi.”

3 Sezvo vakawanda vachiitira hanya pamusoro pokugovera zvinodikanwa zvavo zvokunyama, uku kungatanga fariro yakati:

◼ “Chii chamunofunga kuti ndichinodikanwa chedu chikurusa? [Bvumira mhinduro.] Pane vakawanda vanopwiswa kuti tinoda zvinhu zvakawanda zvokunyama.” Tendeukira kupeji 73 ndokuhwirudzura mapfundo makuru mubhokisi rine musoro unoti “Kudisa Zvenyika Kunorwisana Nouchenjeri.” Pfuurira kupfurikidza nokuti: “Ikoku kunoratidza kuti simbiso yakanyanyowandisa iri kuiswa pazvinhu zvokunyama; tinofanira kuitira hanya zvikuru zvinodikanwa zvedu zvomudzimu. Zivo yechokwadi ndiyo yatinoda chaizvoizvo. Asi zivo pamusoro pei?” Rava Johane 17:3, uye tsanangura nzira iyo zivo pamusoro paMwari inogona kutungamirira nayo kuupenyu husingaperi. Karakadza kusiya bhuku racho uye kudzoka ndokuratidza nzira iyo rinozivisa nayo mashoko anoshamisa pamusoro pechinangwa chaMwari chokugutsa zvinodikanwa zvose zvorudzi rwomunhu.

4 Sezvo vakawanda vachiitira hanya pamusoro penhamo iri munyika, ungaedza izvi:

◼ “Munhu ari wose wandinotaura kwaari anoitira hanya ramangwana. Vamwe vatungamiriri venyika vanorangarira kuti tiri pamucheto wezera idzva rorugare. Munorangarira sei pamusoro paikoko? [Bvumira mhinduro.] Pasinei hapo nenhamburiko dzose dzomunhu, masimba masimba uye nhamo zvinopfuurira kuwedzera munyika yose. Bhaibheri rinozivisa mhinduro bedzi inogarisa yeizvi zvinetso. [Rava 2 Petro 3:13. Tendeukira kumufananidzo uri papeji 302, uye tsanangura nzira iyo Umambo hwaMwari hwokudenga huchaunza nayo rugare rwunogarisa uye chengeteko kupasi rino.] Ichi chinyorwa chichakubetserai kuona nzira yamunogona nayo kuva rutivi rweiyi nzanga itsva yavanhu vachafarikanya upenyu husingaperi mukutonga kwoUmambo hwaMwari.”

5 Kana ukasangana nomumwe munhu akabatikana uye uchifanira kupfupikisa, ungataura izvi:

◼ “Sezvo muchingova nenguva pfupi bedzi, ndingada kusiya iri turakiti [kana kuti nyaya yomumagazini] rine musoro unoti [sarudza turakiti rakafanira kana kuti musoro wenyaya]. Ndinokukurudzirai kurirava. Nguva inotevera yandichauya, ndingada kuziva chamunofunga nezvazvo.”

6 Uporofita hwebhuku raZvakazarurwa manyuko makuru ezorodzo uye mufaro. Jehovha ari kukoka vose vane mwoyo yakavimbika kuti vatevere nhungamiro yake ndokuzvibetsera vamene. Ngatigoverei nokushingaira bhuku raZvakazarurwa kuitira kuti vose vagotungamirirwa nenhungamiro yaJehovha youchenjeri.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe