Vabetsere Kunzwisisa
1 Muapostora Petro akabvuma kuti zvimwe zvinhu zvinotaurwa muBhaibheri “zvikukutu kunzwisiswa.” (2 Pet. 3:16) Vakawanda vakarangarira nenzira iyoyo pamusoro pebhuku raZvakazarurwa. Zvisinei, revo yaro yakajekeswa zvikuru mubhuku raZvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo! Tinogona sei kubetsera vanofarira kurishandisa zvakanakisisa?
2 Kana makakurukura Zvakazarurwa 1:3 pashanyo yako yokutanga, uyu mufungo unganyandura fariro inomutsidzirwa:
◼ “Nguva yakapfuura takakurukura nzira iyo kunzwisisa bhuku raZvakazarurwa inogona kuunza nayo mufarwa. Zvisinei, mufarwa wakadaro hauerekani wauya. Zvinhu zvinenge zviviri zvinodikanwa kwatiri: Tinofanira kufunda Bhaibheri, uye tinofanira kushandisa zvatinodzidza.” Rava uye tsinhira pana Jakobho 1:25. Tendeukira kundima 9 papeji 8, uye onesa nzira iyo nzwisiswo yebhuku raZvakazarurwa inogona kutibetsera nayo kudzidza kuti tinogona sei kuwana mufarwa munyika itsva yeparadhiso.
3 Kana makakurukura Johane 17:3 pashanyo yako yokutanga, ungagona kusimbisa dikanwo yokupinza zivo yakawanda yeBhaibheri kupfurikidza nokuti:
◼ “Nguva yokupedzisira yandakanga ndiri pano, takarava pana Johane 17:3 kuti kupinza zivo pamusoro paMwari kunogona kutungamirira kuupenyu husingaperi. Asi mungada kurarama nokusingaperi murudzi rwenyika yatinorarama mairi nhasi here? [Bvumira mhinduro.] Vakawanda zvikurusa vangasada. Nokuda kweichi chikonzero, tinogona kufara apo tinonzwa icho Mwari akapikira.” Tendeukira kundima 6 papeji 303, rava Zvakazarurwa 21:4, uye ipapo rondedzera icho nyika ichava yakaita apo zvinhu “zvokutanga [zvinenge] zvapfuura.” Karakadza kudzokazve nokuda kweimwe kurukurirano.
4 Kana wakashandisa mufananidzo uri papeji 302 kuratidza kuti Umambo hwaMwari huchagumisa nhamo, ungagona kuvhura bhuku racho papeji iyoyo zvakare ndokuti:
◼ “Takakurukura zvikomborero zvinoratidzirwa pano kuti vanhu vachafarikanya mukutonga kwoUmambo hwaMwari. Chii chamunofunga kuti tinofanira kuita kana tichida kurarama muUmambo ihwohwo? [Bvumira mhinduro.] Vamwe vanhu munguva dzeBhaibheri vakagadza muenzaniso wakaisvonaka watingaita zvakanaka kutevedzera.” Rava Mabasa 17:11, uchisimbisa dikanwo yoku‘nzvera Magwaro zuva nezuva.’ Tsanangura kuti Zvapupu zvaJehovha zviri kubetsera vanhu vapachokwadi munzanga kufunda Shoko raMwari uye kurinzwisisa zviri nani.
5 Kana wakasiya turakiti ra“Nyika Ino Ichapukunyuka Here?” nasaimba akanga akanyanyobatikana zvokusakurukurirana, ungagona kushandisa uku kusvika:
◼ “Pandakashanya nguva pfupi yapfuura, makanga makabatikana zvikuru. Ndakakusiyirai turakiti iro rakamutsa mubvunzo pamusoro pokupukunyuka kwenyika munguva dzino dzinotambudza. Takarava pana Zvakazarurwa 21:4, iyo yakanokorwa mashoko pano mubhuku rino, Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo! [Rirave kubva pandima 6 papeji 303.] Uyu mufananidzo [uri papeji 302] unokupa pfungwa yezvazvichange zvakaita apo ‘Mwari anopukuta misodzi yose pameso edu.’ Iri bhuku rinogovera chibvumikiso chinopwisa chokuti ichi chipikirwa chichazadzikwa munguva yemberi iri pedyo zvikuru. Kana mungada kurirava, iyi ikopi yenyu.”
6 Kana ukawana fariro, pakupedzisira uchada kunangidzira ngwariro kubhuku raZivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi ndokurishandisa kutanga fundo.