RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 2/97 p. 8
  • Kupa Mashoko Akanaka Nepfungwa Yekurumidziro

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kupa Mashoko Akanaka Nepfungwa Yekurumidziro
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • Mashoko Akafanana
  • Kuzivisa ‘Mashoko Ouporofita’
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
  • Vabetsere Kunzwisisa
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • Betsera Vamwe Ku“chengeta Zvinhu Zvakanyorwa”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
  • Koka Munhu Wose Ane Nyota
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
km 2/97 p. 8

Kupa Mashoko Akanaka Nepfungwa Yekurumidziro

1 Tinoratidza kuonga kwedu kukuru zvipikirwa zvoUmambo hwaMwari kupfurikidza nokugoverana nemwoyo wose muushumiri hwechiKristu. Tinofanira kutora rutivi mubasa iri nepfungwa yekurumidziro. Nemhaka yei? Nemhaka yokuti vashandi vashoma, mugumo wetsika ino yakaipa yezvinhu uri kuswedera pedyo, uye upenyu hweavo vari mundima yedu huri mungozi. (Ezek. 3:19; Mat. 9:37, 38) Basa guru rakadaro rinoda nhamburiko yedu yakanakisisa muushumiri. Tinogona sei kuratidza pfungwa yekurumidziro pamusoro pomubato wedu webasa romumunda? Kupfurikidza nokugadzirira mharidzo dzakanaka pachine nguva mberi, kupfurikidza nokuva vanoshingaira mukutsvaka vanhu kupi kana kupi kwavangawanwa, kupfurikidza nokuchengeta chinyorwa chakarurama chavose vanoratidza fariro, nokukurumidza kudzokera kutevera fariro iyoyo, uye kupfurikidza nokuyeuka kuti sezvo upenyu huchibatanidzwa, tinofanira kurangarira ushumiri hwedu zvakakomba. Zvikarakadzo zvinotevera zvingava zvinobetsera sezvatinogadzirira kupa mashoko akanaka nepfungwa yekurumidziro mukati maFebruary. Chinogoverwa richava bhuku raZvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!

2 Ungakwanisa kutanga kurukurirano kupfurikidza nokududza nokupfupikisa zvimwe zvinetso zviri kutarisanwa nazvo munzanga, uye ipapo ungagona kuti:

◼ “Vanhu vazhinji vanodavira kuti kuna Mwari, asi vanoshamisika kuti: ‘Inguva yemberi yorudzii yaanoda nokuda kwedu?’ Maizopindura sei mubvunzo iwoyo? [Bvumirai mhinduro.] Maiziva here kuti Bhaibheri rinotsanangura zvakajeka kuda kwaMwari nokuda kwerudzi rwomunhu uye nhano dzaari kuita kuti akuite?” Tendeukirai kupeji 301 mubhuku raMugumo weZvakazarurwa. Ravai Zvakazarurwa 21:1 mundima 1, ipapo ndokurava tsananguro inopiwa nokuda kwayo muhafu yokupedzisira yendima 2. Tendeukirai kumufananidzo uri papeji 302 kuratidzira izvo ikoku kunoreva nokuda kwenguva yedu yemberi. Ravai Zvakazarurwa 21:4 mundima 6. Kana pane davidzo yakanaka, goverai bhuku racho. Rongai nguva yakakodzera yokudzoka kuzopfuudzira kurukurirano yacho.

3 Ungagona kutevera kurukurirano yakapfuura yaZvakazarurwa 21:1, 4 nemharidzo iyi pfupi:

◼ “Pashanyo yangu yakapfuura, takataura pamusoro pechipikirwa chaMwari chokugadzirira rudzi rwomunhu nzanga itsva yepasi. [Kwevera ngwariro zvakare kumufananidzo uri papeji 302 mubhuku raMugumo weZvakazarurwa.] Mungada kuona mhuri yenyu ichifarikanya mamiriro ezvinhu akadai here? [Bvumirai mhinduro.] Mubvunzo ndowokuti, Zvipikirwa zvaMwari zvakavimbika sei? Ndapota cherekedzai izvo iye amene anotaura.” Ravai Zvakazarurwa 21:5, 6a mundima 8 papeji 303. Bvunzai mubvunzo wakadhindwa wendima 9 uri papeji 304, uye ravai mhinduro yacho, kubatanidza mutsetse wokupedzisira wendima yacho. Dudzai chikarakadzo chefundo yeBhaibheri yepamusha. Rongai kuienzanisira gare gare.

4 Sezvo vazhinji vachiitira hanya zvinetso zviri kukura zviri kutarisana nerudzi rwomunhu, mungataura chimwe chinhu chakafanana neichi pashanyo yokutanga:

◼ “Anenge munhu ari wose anoitira hanya zvinetso zvatinosangana nazvo munzanga medu. [Dudzai zvishomanene.] Kwemakumi emakore vezvematongerwe enyika vakavimbisa kuparira mhinduro dzechigarire, uye vamwe vakaedza kuita kudaro. Chii chamunofunga kuti chinoparira mamiriro ezvinhu kupfuurira kuipa zvikuru? [Bvumira mhinduro.] Bhaibheri rinogovera tsananguro iyo vanhu vazhinjisa vasina kutongorangarira. Bhuku raZvakazarurwa rinorondedzera hondo yakaitika mudenga. Cherechedzai mugumisiro wacho, sezvinotaurwa pana Zvakazarurwa 12:9.” Ravai ndima yacho, ipapo tendeukirai kupeji 182 mubhuku raMugumo weZvakazarurwa. Shandisai mufananidzo kutsanangura kubatanidzwa kwaSatani muzvinhu zvapasi ndokugovera bhuku nemupiro wenguva dzose. Itai rongedzero dzokudzoka ndokukurukura nzira iyo Mwari achapedza nayo zvinetso zvorudzi rwomunhu.

5 Kana makavimbisa kudzokera kunotsanangura mhinduro yaMwari yezvinetso zvanhasi, mungaedza uku kusvika:

◼ “Ndaita nhamburiko chaiyo yokuti ndidzoke kuitira kuti tigogona kupfuudzira kurukurirano yedu pamhinduro chaiyoiyo yezvinetso zviri kutarisana norudzi rwomunhu. Pashanyo yangu yakapfuura, takaona kuti Bhaibheri rinozivisa Satani Dhiyabhorosi souyo ari kutsausa pasi rose rinogarwa. Sezvo ari chisikwa chomudzimu chinopfuura munhu, munofunga kuti pane nzira yokubvisa nayo pesvedzero yake here? [Bvumirai mhinduro.] Ndapota cherekedzai izvo Bhaibheri rinotaura.” Ravai ndokutsanangura Zvakazarurwa 20:1-3. Kupfurikidza nokushandisa mufananidzo uri pamapeji 4-5 ebhuku raZivo, ratidzai zvichava zvakaita mamiriro ezvinhu pasina pesvedzero yaSatani. Karakadzai fundo yeBhaibheri ndokuedza kuitanga pakarepo.

6 Nevanhu vazhinji kwazvo vanofarira mhoteredzo, mungagona kutaura chimwe chinhu chakafanana neichi kuzarura kurukurirano:

◼ “Takawana kuti anenge munhu ari wose anoitira hanya kusvibiswa kwemhepo yedu, mvura, uye zvokudya. Mune dzimwe nyika mamiriro emhoteredzo ava kutotyisidzira upenyu. Sezvo Mwari ari Musiki wapasi, munofunga kuti chii chaachaita pamusoro paikoku? [Bvumirai mhinduro.] Bhaibheri rinotaura kuti Mwari achatiita kuti tizvidavirire pamusoro penzira yatinoshandisa nayo pasi. [Ravai Zvakazarurwa 11:18b.] Fungidzirai kugara mupasi risina kusvibisa kwose!” Ratidzai chipikirwa chaMwari cheparadhiso, sezvinoratidzirwa pana Zvakazarurwa 21:3, 4. Ratidzai mufananidzo uri papeji 302 mubhuku raMugumo weZvakazarurwa. Goverai bhuku racho nemupiro wenguva dzose ndokuronga kudzoka.

7 Pakudzokera kumumwe munhu akaratidza kufarira Paradhiso yapasi, mungati:

◼ “Pashanyo yangu yakapfuura, takabvumirana kuti kupedza chinetso chepasi rakasvibiswa, Mwari achafanira kupindira muzvinhu zvomunhu. Asi mubvunzo ndewokuti, Chii chatinofanira kuita kuti tipukunyuke ndokupinda munyika itsva yakarurama inoitwa naMwari?” Ravai Johane 17:3. Kumbirai saimba kuti ashandise kosi yedu yefundo yeBhaibheri yepachena kuti awane iyi zivo chaiyo.

8 Iropafadzo yakadini kushandiswa sevacheki vomuzuva razvino uno uye kuita basa rinoponesa upenyu rokuparidza! Tose zvedu ngatirambe takabatikana kupa mashoko akanaka nepfungwa yekurumidziro, ‘tichiziva kuti kubata kwedu hakungavi kusina maturo.’—1 VaK. 15:58.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe