RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 2/98 p. 8
  • Koka Munhu Wose Ane Nyota

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Koka Munhu Wose Ane Nyota
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
  • Mashoko Akafanana
  • Mharidzo Dzingangoshandiswa Mubasa Romumunda
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • Kupa Mashoko Akanaka Nepfungwa Yekurumidziro
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • Mharidzo Dzingangoshandiswa Mubasa Romumunda
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
  • Vimba naJehovha Kuti Akudze Zvinhu
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
km 2/98 p. 8

Koka Munhu Wose Ane Nyota

1 Sezvakafanotaurwa nomuporofita Amosi, mhuri yavanhu nhasi iri kutambura ne“[nyota] isati iri . . . nyota yemvura, asi yokunzwa mashoko aJehovha.” (Amo. 8:11) Kuti tibetsere vanhu vane nyota iyi yomudzimu, tinovaudza nezvegadziriro dzaMwari dzokuponesa vanhu vanoteerera kubva muchivi norufu dzinorondedzerwa muganhuro rokupedzisira raZvakazarurwa se“rwizi rwemvura youpenyu.” Tine ropafadzo yekukokera munhu wose ane nyota yokururama kuti “atore mvura youpenyu asingatengi.” (Zvak. 22:1, 17) Tingaita sei izvozvi muna February? Kupfurikidza nokugovera kuavo vanofarira zvechokwadi bhuku raZvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo! Ungada kuedza mharidzo idzi:

2 Sezvo vanhu vakawanda vachiitira hanya nhau dzoutano, ungawana kuti mutoo uyu unobudirira:

◼ “Vakawanda vanoitira hanya pamusoro pokukwira kwendyiko dzekutarisira utano kwakanaka. Zvichida makamborangarira nhau iyi. [Bvumira mhinduro.] Kune chichapedza chinetso ichi zvachose here? [Mirira mhinduro.] Heino kariro inofadza.” Rava Zvakazarurwa 22:1, 2. Ipapo vhura bhuku raMugumo waZvakazarurwa pamufananidzo uri pamapeji 308-9, uye shandisa ndima 22 iri papeji 311 kuutsanangura. Gumisa nokuti: “Chinyorwa chino chinokurukura ndima dzose dziri muna Zvakazarurwa.” Kana saimba akaratidza kufarira kwechokwadi, govera bhuku racho pamupiro wenguva dzose. Ronga kudzoka.

3 Pakuita shanyo yedzokerero, ungagona kupfuudzira kurukurirano yako kupfurikidza nokuti:

◼ “Pandakapedzisira kuva pano, takataura pamusoro pechichapedza zvachose zvinetso zvoutano. Munofunga kuti pachazombosvika nguva ichave isina munhu anorwara here? [Bvumira mhinduro.] Cherekedzai kutaura uku kunoshamisa.” Rava Isaya 33:24. Ipapo vhura pachidzidzo 5 mubhurocha raAnodei, uye kurukura ndima 5-6, uchibvunza mibvunzo inoenderana iri pakutanga pechidzidzo chacho uye uchitarira magwaro mashomanene akanongedzerwa. Dudza kuti kubviswa kwourwere norufu rutivi rwokuzadzika kwechinangwa chapakuvamba chaMwari nokuda kwapasi. Ronga kudzoka kuzokurukura ndima 1-4 ne7 muchidzidzo chimwe chete.

4 Kana musoro wenhau yazvino uno inobatanidza rufu rwakanga rusingakarirwi yave ichirangarirwa navanhu, ungaedza mutoo uyu:

◼ “Mungava makanzwa nezve. . . [dudza musoro wenhau yazvino uno]. Apo upenyu hunogumiswa netsaona nokukurumidza, vakawanda vanoshamisika kuti inyaradzoi inogona kupiwa kumhuri dzevafi. Munofungei?” Bvumira mhinduro. Ipapo vhura peji 299 mubhuku raMugumo waZvakazarurwa, uye ratidza chiitiko chorumuko chinoenzanisirwa. Pfuurira uchitaura kuti: “Vakawanda vanoshamisika kuziva kuti vose vari vaviri vakarurama nevasina kururama vachamutsirwa kuupenyu muParadhiso pasi pano. [Rava Mabasa 24:15 sokunokorwa kwayakaitwa mundima 9 papeji 297, uye ipapo tsanangura zvinowanwa mundima 10.] Bhuku rino rinokurukura mamwe mashoko akawanda anofadza pamusoro pechinangwa chaMwari nokuda kwapasi. Kana muchida kudzidza zvakawanda pamusoro pazvo, mungagona kuva nekopi ino.” Ronga kudzoka, uchicherekedza zvinofarirwa nemunhu wacho zvakananga uye zvaanoitira hanya.

5 Paunoshanyazve, wiriranisa mharidzo yako nasaimba. Zvichida ungagona kuti:

◼ “Patakapedzisira kutaura, ndakaonga tsinhiro yamakaita pamusoro pechinangwa chaMwari nokuda kwapasi. [Dzokorora tsinhiro yacho.] Ndakawana mashoko andinofunga kuti achakufadzai.” Vhura bhurocha raAnodei pachidzidzo 5. Rava uye kurukura ndima dzakawanda sezvinobvira dziri muchidzidzo chacho chero bedzi saimba achifarira. Pashure pokuronga nguva yokudzoka kuti mupfuurire nechidzidzo chacho, ipa saimba hendibhiri rinotsanangura nguva dzemisangano yeungano. Tsanangura pamusoro peMusangano Wavose, uye mukoke kuti apinde.

6 Kana uchisarudza mharidzo yakapfaviswa inobatanidza turakiti, ungagona kutaura izvi:

◼ “Ndingada kuti muve neturakiti rino rine musoro unoti Ko Itariroi Iripo Nokuda Kwavadikani Vakafa?” Rigamuchidze kuna saimba, uye mukumbire kuti atarire sezvaunorava ndima yokutanga. Mubvumire kupindura mubvunzo unomutswa mumutsara wokupedzisira. Rava ndima yechipiri, uye ipapo vhura pamufananidzo uri papeji 299 yebhuku raMugumo waZvakazarurwa. Pfuurira kutaura uchiti: “Bhuku rino rinopa mamwe mashoko pamusoro porumuko nezvimwe zvasara zvezvipikirwa zveBhaibheri zvenguva yemberi. Kana muchizorirava, mungawana kopi ino.” Ronga shanyo yedzokerero.

7 Kusvitsa kwedu kokero inofadza kune vamwe kungavaparira kuuya kumvura dzoupenyu, dziri kugoverwa naJehovha zvino. Naizvozvo, ngatiudzei munhu wose ane nyota kuti, “Uya!”—Zvak. 22:17.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe