Zivisa Shoko Rinofadza Riri Muna Zvakazarurwa
1 Bhuku raMugumo waZvakazarurwa rakatibetsera kunzwisisa shoko rinofadza rakanyorwa mubhuku raZvakazarurwa. Betsera vamwe kunzwisisa kuti shoko iroro rinovatapura sei kupfurikidza nokusimbisa iri bhuku muushumiri mukati maMarch. Ungawana zvikarakadzo zvinotevera kuva zvinobetsera mukugadzirira mharidzo yako.
2 Pashure pekwaziso yakafanira, ungataura chimwe chinhu chakafanana neichi:
◼ “Mati mambonzwa nezvavatasvi vamabhiza vana veApokirifa here? [Bvumira mhinduro.] Tsananguro dzakasiana-siana pamusoro pokuti ava vatasvi vamabhiza vanomirirei dzakapiwa. Asi maiziva kuti kutasva kwavo kwokufananidzira zvomenemene rutivi rwouporofita hweBhaibheri hunodeya kutaura zvinoitika zvakaitika munguva yedu uye izvo tose zvedu tinobatanidzwa mazviri munzira yakati here? [Bvumira mhinduro.] Mungafarira kunzwisisa uhwu uporofita neizvo zadziko yahwo inoreva kwatiri here?” Ungagona kunongedzera kumifananidzo iri muganhuro 16 rebhuku raMugumo waZvakazarurwa ndokubatanidza dzimwe dzendima dzakanyorwa namabhii matema zvikuru. Kana kuti ungagona kutsinhira pamusoro porutivi rwakati rwechiono chacho kupfurikidza nokushandisa turakiti raNyika Ino Ichapukunyuka Here? Ipapo govera bhuku racho, kana kuti ronga kudzokera kuti ukurukure zvakawanda pamusoro pechiono chacho nerevo yacho.
3 Kana kuti zvichida ungada kuedza kusvika kwakafanana nouku:
◼ “Mati mambonzwa nezveshoko rokuti ‘Armagedhoni’ here? [Bvumira mhinduro.] Vakawanda vakafunga kuti rinonongedzera kuhondo inoparadza yenyukireya munguva yedu. Zvomenemene, Armagedhoni chimwe chinhu chakasiana chaizvo. Mukuwirirana neBhaibheri, ichareva chinjo huru nokuda kwezviri nani, ichiguma nenyika yorugare runogarisa.” Kuchitsamira pamhinduro yomunhu wacho, unogona kunongedzera kurugwaro rwakadai saZvakazarurwa 16:16 kana kuti Pisarema 37:10, 11 ipapo ndokunangidzira ngwariro kuganhuro 39 rebhuku raMugumo waZvakazarurwa. Ipapo ungagovera bhuku racho. Kana ukasadaro, ungasarudza kurangarira mapfundo akakodzera ari muturakiti raNyika Ino Ichapukunyuka Here?
4 Ungakwanisa kutanga fariro kupfurikidza nokushandisa ichi chikarakadzo:
◼ “Panguva ino yegore, vakawanda munyika yose vari kufunga pamusoro porufu norumuko zvaJesu Kristu. Makamboshamisika here kuti ave achiitei chifo chorumuko rwake? Zvinoitika zvinofadza zvakawanda muzuva redu zvakabatanidzwa nebasa razvino raJesu mudonzo raMwari. Zvimwe zvazvo zvinorondedzerwa mubhuku raZvakazarurwa. Mungada kudzidza zvakawanda pamusoro pedonzo raMwari mukutuma Mwanakomana wake kupasi uye kuti ikoko kunorevei nokuda kwenyu navadiwa venyu here?” Ungakwanisa kukwevera ngwariro kundima 1 ne 2 dzeganhuro 41 rebhuku raMugumo waZvakazarurwa kana kuti kusimbisa mapfundo akakodzera omuzvinyorwa zvazvino zveNharireyomurindi kana kuti Mukai! Kana kuti ungada kushandisa turakiti raUpenyu Munyika Itsva Ino Rugare kuti unyandure imwe fariro.
5 Iva nechokwadi chokukoka vapi navapi vanoratidza fariro kuti vapinde Chirangaridzo. Nechikomborero chaJehovha, ungakwanisa kubetsera mumwe munhu ‘kunzwa mashoko ouhu uporofita ndokuchengeta zvinhu zvakanyorwa mahuri.’—Zvak. 1:3.