Vabetsere Kuita Chiito Pamusoro Peshoko
1 Basa redu rokuparidzira rinopa vanhu banza roku‘nzwa mashoko ouporofita hwaZvakazarurwa.’ (Zvak. 1:3) Asi kana vachizopukunyuka “dambudziko guru,” vanofanirawo kuita chiito pamusoro pawo. (Zvak. 7:14, NW) Upenyu hunobatanidzwa! Naizvozvo iva nechokwadi chokudzokerera avo vakaratidza pakutanga kufarira imwe yemharidzo dzawakashandisa mwedzi uno.
2 Kana wakagovera bhuku ra“Mugumo waZvakazarurwa,” ungati:
◼ “Kunofadza kukuonai zvakare. Nguva yatakapedzisira kutaura, takataura pamusoro pohumwe hwouporofita hwebhuku raZvakazarurwa, uye ndakakusiirai chinyorwa chinohutsanangura. Sezvinobvira makacherekedza kuti kunyange zvazvo bhuku raZvakazarurwa rakadzama chaizvo, rinogona kunzwisiswa tichirangarira zvinoitika zvomuzuva razvino uno kupfurikidza nokushandisa zvokwadi huru dzinoverengeka dzeBhaibheri. Ndingada kuva namaminiti mashomanene okusimbisa zvinhu zvishomanene izvo Bhaibheri rinotiudza pamusoro penguva dzedu.” Ipapo tendeukira kuchinyorwa chakakodzera chaunogona kushandisa kutanga fundo yeBhaibheri yapamusha.
3 Kana wakasiya turakiti ra“Nyika Ino Ichapukunyuka Here?” pashanyo yokutanga, ungagona kutaura chimwe chinhu chakafanana neichi:
◼ “Ndafara kukuwanai pamusha nhasi. Apo ndakakushanyirai misi ichangobva kupfuura iyi, takataura pamusoro pezvinoitika zvinoumba chiratidzo chaizoitika pamberi chaipo pomugumo wenyika. [Hwirudzura mativi akakodzera echiratidzo pana Mateo 24:3-14.] Makacherekedza here chinoitika chipi nechipi chakaitika misi ichangobva kupfuura iyi munyika kana kuti munzanga yedu chamunofunga kuti chingava kuzadzikwa kworutivi rwechiratidzo ichocho?” Uchishandisa mifananidzo iri muganhuro 16 rebhuku raMugumo waZvakazarurwa, tsinhira pamusoro pokuzadzikwa kwohumwe hwouhu uporofita hweBhaibheri. Pamhedziso yeshanyo yacho, dudza musoro wehurukuro yavose yevhiki racho, uye tambanudza kokero kuti akukumbanire paHoro yoUmambo.
4 Kana wakakoka saimba kuChirangaridzo, taura, kuti:
◼ “Apo ndakapedzisira kukushanyirai, takataura pamusoro pokuti rufu rwaJesu runokosha sei kurudzi rwomunhu. Ndakakukokaiwo kuti mupinde Chirangaridzo chorufu rwake, icho chichachengetwa namaKristu munyika yose pana March 26. Ndauya nhasi kuti ndikuyeuchidzei kuti munokokwa kuchinoitika ichocho chinokosha. [Taura nguva nenzvimbo zvokuchengeta.] Kungakubetserai kunzwisisa ukoshi hwenhambo yacho kana tikahwirudzura zvimwe zvezvikomborero zvatinofarikanya zvino somuuyo weizvo Jesu akaitira rudzi rwomunhu, pamwe chete nezvikomborero zvichigere kuuya.” Ipapo vavarira kukurukura mapfundo akakodzera omuimwe yamagazini azvino kana kuti omuganhuro 41 rebhuku raMugumo waZvakazarurwa. Ungasimbisawo mifananidzo iri pamapeji 294, 299, uye 308. Kana zvichibvira, ita gadziriro dzokubetsera munhu anofarira kupinda Chirangaridzo.
5 Kana munhu wacho akanga angori muteereri akanaka bedzi, izvi zvingava zvinobudirira:
◼ “Ndakafarikanya zvikuru kwazvo kurukurirano yedu yemisi ichangobva kupfuura iyi pamusoro peBhaibheri. Ndadzoka nemhaka yokuti ndingada kukuonai muchifarikanya izvo Mwari akapikira avo vanoda kudzidza zvakawanda pamusoro pake.” Rava Johane 17:3, ipapo nongedzera kuturakiti raUpenyu Munyika Itsva Ino Rugare.
6 Kuda kwako upenyu nokuonga rudzikinuro ngazvikusunde kuita shanyo dzedzokerero pavanhu vanofarira. Vabetsere kuita chiito pamusoro peshoko rinofadza riri muna Zvakazarurwa. Yeuka, “nguva yakagadzwa yava pedyo”!—Zvak. 1:3, NW.