Kudziridza Fariro muUmambo hwaMwari Hworugare
1 Mukati momwedzi waFebruary, tichave tichisimbisa bhuku raIwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi pano. Vavariro yedu inofanira kuva yokubetsera vanhu vane mwoyo wakatendeseka kukudziridza kunzwisisa Umambo hwaMwari nezvahuchaita. Mibvunzo yemirangariro inogona kutibetsera nokuda kwedonzo iroro.
2 Pashure pekwaziso youshamwari, tingataura chimwe chinhu chakafanana neichi:
◼ “Chinjo dzinoshamisa muhurumende dziri kuitika mupasi rose, uye nharidzano yorugare inodudzwa kazhinji kazhinji. Munorangarira kuti rugare rwechokwadi ruchazombowanwa here? [Bvumira tsinhiro.] Kunyange zvazvo vakawanda vachitarira netariro kuvatongi vohunhu kuti vaparire rugare, cherekedzai kuti Mwari anopikira sei kuunza rugare sezvinodudzwa paPisarema 46:9. [Rava.] Munofunga kuti chiito chaMwari chichaunza chinjoi pasi pano? [Teerera mhinduro yasaimba, uye ipapo ratidza turakiti raUpenyu Munyika Itsva Ino Rugare.] Munogona kuisa muchiono zvinofananidzirwa pano here?” Rangarira mashoko ari pasi pomusoro muduku unoti “Upenyu Munyika Itsva yaMwari.” Kana mugariro uchibvumira, mamwe mashoko omubhuku raKurangarira, mapeji 368-373, pasi pomubvunzo unoti “Ko Umambo hwaMwari huchaitei?,” anogona kurangarirwa. Tingagumisa kurukurirano yacho kupfurikidza nokubvunza, kuti: “Munofunga kuti hurumende inodzorwa naMwari ingaparira idzi chinjo here?” Kana saimba achiratidza fariro, gadziriro dzinofanira kuitwa dzeshanyo yedzokerero.
3 Kana kuti tingati:
◼ “Itiro hanya huru inoratidzirwa pamusoro pezvinetso zvinovhiringidza izvo tose zvedu tinofanira kubata nazvo pahwaro hwezuva nezuva. Munorangarira kuti kune tariro ipi neipi yokusunungurwa muzvinetso izvozvi here? [Bvumira tsinhiro.] Vamwe vangarangarira kuti Mwari haaitiri hanya mugariro wedu. Cherekedzai, kunyanguvezvo, zvaanopikira pana Zvakazarurwa 21:3, 4.” Rava ndima dzacho. Papfundo rino bhuku raKurarama Nokusingaperi, magazini yazvino, kana kuti turakiti raNyika Ino Ichapukunyuka Here? ringaratidzwa. Kana turakiti rikagoverwa, rangariro inogona kupiwa kumashoko ari pamapeji 2 ne 3 pasi pomusoro unoti “Nguva Yemberi Yenyika Ino.” Kana fariro ikaratidzwa, ungasarudza kuti ndirimwe bhukui rokugovera. Kana ukagovera bhurocha raMwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here?, mubvunzo ungamutswa, wokuti: “Nei Mwari akabvumidza kutambura?” Onesa rutivi 6 mubhurocha racho, uye ronga kukurukura irworwu pashanyo inotevera.
4 Ungasarudza kusimbisa nyaya yomuimwe yamagazini azvino kupfurikidza nokutsinhira pamusoro pepfundo rakananga munyaya yakasarudzwa.
Kana saimba akaratidza fariro, suma magazini yacho, zvichida kupfurikidza nokuti:
◼ “Iyi nyaya inopinda muudzame hukuru pamusoro penhau yacho. [Rava mutsetse wakasarudzwa kare kana kuti miviri.] Nyaya yacho inogovera mifungo yokuwedzera iyo ichabvumikisa kuva inokurudzira kwamuri nemhuri yenyu. Mungave muchiziva kuti Nharireyomurindi inogona kuwanwa kupfurikidza nokuzvinyoresa. Neiyi nzira mungagamuchira mhatsa yakafara yenyaya dzingakubetserai. Kuzvinyoresa nokuda kwegore rimwe kuchakuunzirai zvinyorwa 24. Ikoku kungakuitirai $27,50 bedzi uye hamungapotsi chipi nechipi chezvinyorwa zvacho.”
5 Kazhinji kazhinji vanhu nhasi vanovhiringidzika apo kunouya kukuziva kwokutendeukira nokuda kwemhinduro kuzvinetso zvakatarisana norudzi rwomunhu. Tine ropafadzo yokugoverana navo tariro yakajeka yenguva yemberi. (Mabasa 17:27) Ipapoka, ngatinangidzire nenzira yokushingaira ngwariro yavanhu kuUmambo hwaMwari, manyuko echokwadi orugare.