Nyandura Kukura Kupfurikidza Neshanyo Dzedzokerero Dzine Revo
1 Kuti tibetsere avo vakaratidza fariro, kunokosha kuti tipfuurire kuvagovera kuyerera kwezvokudya zvomudzimu kupfurikidza neshanyo dzedzokerero dzenguva dzose. Shanyo dzedu dzichabetsera nenzira inofambira mberi kunyandura kukura kwavo kwomudzimu. (1 VaK. 3:6-9) Kuti shanyo dzedu dzive dzine revo, kunyanguvezvo, kuri madikanwa kuti tigadzirire pachine nguva mberi, tichirangarira munhu iyeyo.
2 Kudzokerera Avo Vatakasiira Turakiti: Zvichida turakiti raNyika Itsva Ino Rugare rakagoverwa pashanyo yokutanga.
Pashure pokuhwirudzura nokupfupikisa zvakakurukurwa, tingabvunza chimwe chinhu chakafanana neichi:
◼ “Ihurumendei inogona kuparira idzi chinjo? [Bvumira tsinhiro.] Pasina panikiro imiwo mungafarikanya kurarama mumigariro yakafanana naiyoyi. Tinogona sei kufarikanya somunhu oga migariro yakadaro?” Ipapo rangariro ingapiwa kumashoko ari pasi pomusoro muduku unoti “Kunokubvirira Sei.” Kana fariro ikaratidzwa, ngwariro inogona kukweverwa kubhuku raKurarama Nokusingaperi, ganhuro 15, “Kuva Mudzorwi Wehurumende yaMwari.” Tingakurukura ndima mbiri dzokutanga ipapo ndokubvunza mubvunzo unoti: “Kudzidza pamusoro paMwari kunofanira kutitapura sei?” Gadziriro dzingaitwa dzokupindura mubvunzo wacho nokukurukura zvakawanda zveganhuro yacho pashanyo inotevera.
3 Pakudzokerera avo vatakagovera bhurocha ra“Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here?,” tingati:
◼ “Nguva yandakapedzisira kushanya, takakurukura zvinetso zvakawanda zvakatarisana norudzi rwomunhu neizvo Mwari anopikira kuita pamusoro pazvo. Neiko, kunyanguvezvo, Mwari akabvumidza kutambura kwenguva yakareba kwazvo? Mhinduro inofadza inowanwa murutivi 6 rwebhurocha ratakatarira.” Kumbira saimba kutora kopi yake kana kwakakodzera. Pashure pokurangarira ndima shomanene, tingabvunza, kuti: “Chii chatinofanira kuita kuti tibetserwe nezvipikirwa zvaMwari?” Mashoko ari pasi pechikamu 11, “Hwaro Hwenyika Itsva Zvino Huri Kuumbwa,” pamapeji 28-31, angasimbiswa nokuda kwekurukurirano pashanyo inotevera.
4 Kudzokerera Vanhu Vatakagovera Magazini: Kana wakasarudza nyaya yakati iyo yakafadza saimba, kudziridza mapfundo okuwedzera omunyaya yacho apo unodzokera, uchinangidzira tsinhiro dzako parugwaro rukuru rumwe namashoko anorukurukura. Kana pane fariro inopfuurira, betsero dzamagazini acho dzingakurukurwa. Uyewo, ngwariro ingakweverwa kuchinyorwa chinotevera chemagazini kana chine nyaya inokurukura nhau imwe cheteyo. Nezvisizvo, tinganangidzira ngwariro kumashoko ari mubhuku raKurarama Nokusingaperi pamusoro penhau iyoyo ndokuita gadziriro dzokuakurukura pashanyo yedu inotevera.
5 Kuratidza kwedu fariro yomunhu oga mukuita shanyo dzedzokerero dzine revo kucharatidzira rudo rwedu nokuda kwavanhu uye nokuda kwaJehovha. (Johane 13:34, 35) Ngatipfuurire kunyandura kukura kwomudzimu kwaavo vari mundima yedu kupfurikidza nokuita nguva dzose shanyo dzedzokerero dzine revo.