Kushandisa Bhuku raKurarama Nokusingaperi Pashanyo Dzedzokerero
1 Muapostora Pauro aiziva ukoshi hwokuva anoshingaira mukutarisira avo vakaratidza fariro muzvokwadi. Iye akavafananidza nezvisimwa zviduku, izvo zvinoda kudiridzirwa nokusakurirwa nguva dzose. (1 VaK. 3:6-9) Nenzira yakafanana nhasi, vanhu vanofarira vanoda tarisiro younyoro iyo tinopa apo tinoita shanyo dzedzokerero kuti tisakurire kukura kwavo kwomudzimu.
2 Kwakanaka kurangarira kuti vanhu vamwe navamwe vatinoshanyira kazhinji kazhinji vachada zviyeuchidzo zvokuvabetsera kuyeuka mapfundo akaitwa mukurukurirano yedu yakapfuura. Naizvozvo, pashanyo yedzokerero imwe neimwe kungava kunobetsera kuhwirudzura nokupfupikisa izvo makakurukura pashanyo yakapfuura, muchinangidzira ngwariro pamapfundo ayo saimba akaonga zvikuru. Batanidza saimba mukurukurirano uye ziva nyore nyore nokukurumidza fariro uye zvinodikanwa zvake.
3 Mukuita shanyo yedzokerero, kana bhuku ra“Kurarama Nokusingaperi” rakagoverwa kana kuti kwete, ungada kushandisa uku kusvika kwakananga nokuda kwokutanga fundo:
◼ “Vanhu vakawanda vatinotaura navo vakawana mhinduro kumibvunzo yavo yeBhaibheri nokushandiswa kweiri bhuku.” Ipapo uchitendeukira kundaza yezviri mukati mubhuku raKurarama Nokusingaperi, ungagona kubvunza, kuti: “Ndoupi musoro pano unokufadzai zvikurusa?” Tendeukira kuganhuro maanoratidza fariro uye ratidza saimba kuti ndima dzine nhamba dzinowiriraniswa sei nemibvunzo iri pasi pepeji kuitira kuti agowana mapfundo anokosha zvikurusa mundima imwe neimwe. Fukidza mapfundo mashoma chete uye itai gadziriro chaidzo dzokushanya zvakare.
4 Kumwe kusvika kungagona kuva kuti:
◼ “Ndakafarikanya chaizvoizvo kurukurirano yedu vhiki yakapfuura. Vanhu vakawanda vakaratidza itiro hanya pamusoro pechikonzero nei tichiramba tichishanyira misha yavo. Ini ndakafunga kuti tsinhiro yakaitwa papeji 29 yeiri bhuku, Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi Pano, yaizokufadzai. [Rava ndima 11] Kuchitsamidzwa pane zvatinorava pano, chii chamaizoti chinodikanwa kana kunamata kwedu kuchizogamuchirika kuna Mwari? [Bvumira mhinduro uye ipapo rumbidza saimba.] Shure muzuva raJesu, kwakanga kune avo vaifunga kuti rudzidziso rwavo rwaigamuchirika kuna Mwari. Cherekedzai kuti chii chinotaurwa pamusoro pavo mundima 2 yeiri ganhuro.” Rava uye tsinhira pamusoro pokutaura kwacho.
5 Uchidzokera kushanyo yakapfuura uko bhuku ra“Kurarama Nokusingaperi” rakagoverwa, ungagona kuti:
◼ “Nguva yandakapedzisira kushanya, takakurukura mamiriro ezvinhu enyika ayo anoda kuchinja. Mati mamboshamisika here kuti nei Mwari achibvumira uipi?” Bvumirai mhinduro uye tendeukirai kupeji 99, ndima 2, uchicherekedza mibvunzo yefundo. Ravai uye kurukurai ndima ino, muchitarira magwaro. Ungagona kuwedzera kukurukurirano kupfurikidza nokutendeukira kumifananidzo yakasarudzwa iri mubhuku, somuenzaniso, mapeji 78, 84-5, 119, 147, 149-53, uye 156-8.
6 Sezvo tinoitira hanya nokutendeka kudiridza zvisimwa zviduku zvokutenda kwechiKristu zviri mutarisiro yedu, Mwari achazvikurisa kurumbidzo yake amene nembiri.—1 VaK. 3:7.