Tevera Fariro Yawakawana
1 Pakushanda paimba neimba, tinowanzova vakaganhurirwa muchitsama chenguva yatinokwanisa kupedza tine munhu anofarira. Muzviitiko zvizhinjisa basa rokudzidzisa chairoiro rinoitwa apo tinoita shanyo dzedzokerero nokuitisa fundo dzeBhaibheri. (Mat. 28:19, 20) Kuti tidzidzise nenzira inobudirira pashanyo yedzokerero, tinofanira kuhwirudzura zvatakakurukura pashanyo yokutanga uye ipapo togadzirira nokuda kweimwe kurukurirano.
2 Kana makataura pamusoro pegadziriro yemhuri, ungashandisa mashoko ari muganhuro 29 rebhuku ra“Kurarama Nokusingaperi.” Ungagona kuti:
◼ “Nguva yakapfuura takataura pamusoro pouchenjeri hwokutevera zano reBhaibheri kuitira kuti tive noupenyu hwemhuri hunofadza. Munorangarira kuti ndechipi chiri chinokosha kukubatanidza mhuri nhasi?” Bvumira mhinduro. Nongedzera kundima 27 papeji 247, uye rava VaKorose 3:12-14. Ita dzimwe tsinhiro kuratidza nzira iyo rudo rwechokwadi runogona kubatanidza nayo mhuri pamwe chete. Tsanangura nzira iyo fundo ine nhevedzano yebhuku raKurarama Nokusingaperi inogona kubetsera nayo kupedza zvinetso.
3 Kana pashanyo yako yokutanga makakurukura mamirire ezvinhu enyika ari kuipa, ungatevera shanyo iyoyo nokuti:
◼ “Ndine chokwadi chokuti muchabvuma kuti chinjo huru dzinodikanwa kana tichizomborarama murugare. Bhaibheri rinoratidza kuti Satani ndiye mupariri mukuru wezvinetso zvedu. Vazhinji vanoshamisika chikonzero nei Mwari akamubvumidza kupfuurira kwenguva refu kwazvo. Munofungei?” Bvumira mhinduro. Tendeukira kupeji 20, ndima 14 ne 15, mubhuku raKurarama Nokusingaperi, uye tsanangura chikonzero nei Satani achigere kuparadzwa. Ipapo rava VaRoma 16:20, inoratidza chatinogona kukarira munguva yemberi iri pedyo.
4 Kana makataura pamusoro pezvikomborero zvichazadzikwa mukutonga kwoUmambo, pashanyo yako yedzokerero, ungagona kuti:
◼ “Umambo hwaMwari huchaunza zvikomborero zvakaisvonaka kupasi nokurudzi rwavanhu. Zvikomborero izvozvi zvinosanoratidzwa pano pamapeji 12 ne 13. Chii chamuri kuona chinokufadzai? [Bvumira mhinduro.] Chimbofungai kuti kwaizova kwakaita sei kugara munyika yakadai.” Rava ndima 12. Kana pane fariro, bvunza mubvunzo pandima 13, uye kurukurai mhinduro. Ratidza kuti ganhuro irori rinopindura mibvunzo yakawanda pamusoro pezvikomborero zvoUmambo uye kuti uchafara kuzozvikurukura pashanyo yako inotevera.
5 Ungakwanisa kutanga fundo nokutaura kuti:
◼ “Vanhu vazhinji vakawana mhinduro kumibvunzo yavo yeBhaibheri nokushandiswa kwebhuku iri.” Tendeukira kundaza yezviri mukati, uye bvunza, kuti: “Ndeipi nhau pano inokufadzai zvikurusa?” Bvumira mhinduro, tendeukira kuganhuro rabata fariro yavo, uye rava ndima yokutanga. Tsanangura nzira iyo mibvunzo iri pasi pepeji imwe neimwe inosimbisa nayo mapfundo makuru mundima imwe neimwe. Enzanisira kupfurikidza nokukurukura ndima imwe kana kuti mbiri kana kuti dzinopfuura, uye ipapo ita gadziriro dzokushanya zvakare.
6 Kutevera fariro mubhuku raKurarama Nokusingaperi kunoratidzira chishuvo chedu chokuita ushumiri hwedu zvizere. (2 Tim. 4:5) Tingakwanisa kubetsera vanzwi vedu kusvasvavirira upenyu husingaperi.—Joh. 17:3.