RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 9/95 p. 8
  • Tevera Fariro Yose Kuti Ubetsere Vamwe

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tevera Fariro Yose Kuti Ubetsere Vamwe
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
  • Mashoko Akafanana
  • Tevera Fariro Yawakawana
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
  • Betsera Vamwe Kuti Vazvibetsere Vamene
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
  • Kushandisa Bhuku raKurarama Nokusingaperi Pashanyo Dzedzokerero
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
  • Betsera Nenzira Yorudo Avo Vanoratidza Fariro
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
km 9/95 p. 8

Tevera Fariro Yose Kuti Ubetsere Vamwe

1 Chii chiri chinhu chinokosha icho chinotibetsera kugovera mabhuku edu kune mumwe munhu? Fariro! Zvimwe chetezvi ndezvechokwadi apo kunouya kukuita shanyo dzedzokerero. Panguva ipi neipi apo mumwe munhu anoratidza kunyange fariro duku mushoko roUmambo, tinoda kuita chipi nechipi zvacho chatinogona kubetsera munhu iyeyo. Naizvozvo tinoita shanyo dzedzokerero nevavariro yokusakurira fariro yomunhu wacho uye kutanga fundo yeBhaibheri yapamusha. Iyi ndiyo nharidzano yedu kunyange apo tisina kusiya mabhuku. Ikoku kunogona sei kuitwa?

2 Kana kurukurirano yenyu yakapfuura yakanga iri pamusoro pokupararira kwezvinetso zveroorano nhasi uye wakagovera bhuku ra“Kurarama Nokusingaperi”, ungagona kutanga kurukurirano yako neiyi nzira:

◼ “Pashanyo yangu yakapfuura, takataura pamusoro peroorano uye zano rinoshanda reBhaibheri iro rinogona kutibetsera kuwana mufarwa mukuru zvikuru. Hakusati kuri chokwadi here kuti kunyange mumhuri dzakanakisisa, zvinetso zvinomuka panguva nenguva? [Bvumira mhinduro.] Bhaibheri rinotipa zano rakaisvonaka iro rinogona kutibetsera kupedza zvinetso muukama hwemhuri. Mhuri inogona kukomborerwa kupfurikidza nokufunda Bhaibheri pamwe chete.” Tendeukira kupeji 246, uye kurukurai ndima 23. Rava Johane 17:3, uye karakadza yamuro yako mukubetsera mhuri yacho kuvamba kufunda Bhaibheri mumusha.

3 Kana makataura pamusoro pavana nokuda kwavo kurovedzwa, ungapfuudzira kurukurirano nouyu mutoo:

◼ “Munguva yakapfuura takataura pamusoro pokurovedzwa kwomudzimu uko vana vanoda uye kuvabetsera kunogona kuita vabereki. Vabereki vakawanda zvikurusa vandakataura kwavari vanokatyamadzwa pamusoro pomufambiro wakaipa wavaduku vakawanda kwazvo nhasi. Munofungei nezve . . . ? [Dudza muenzaniso wemufambiro usina kunaka wavaduku wave unocherekedzwa kazhinji kazhinji munzanga menyu. Bvumira mhinduro.] Regai ndikuratidzei rimwe zano rinoshanda rinopiwa muBhaibheri.” Tendeukira kundima 22 papeji 246 mubhuku raKurarama Nokusingaperi, kurukurai pfundo guru, uye rava VaEfeso 6:4. Ratidza kuti vana vakawanda zvikurusa vanoda chaizvoizvo chirango uye nhungamiro. Apo vabereki vanoshingaira mukuchigovera, vana vanofara zvikuru uye vanoremekedza zvikuru mumufambiro wavo. Tsanangura mafundire atinoita Bhaibheri nevana vedu.

4 Kana nhau yekurukurirano yenyu yakanga iri Paradhiso yapasi, ipapo ungataura izvi kunyandurazve fariro:

◼ “Takatarira mimwe mifananidzo muiri bhuku yakatiratidza icho pasi richava rakaita apo Mwari anoriita kuti rive paradhiso. Kwaizoreva zvishomanene kwatiri kana tisingagoni kurifarikanya navadiwa vedu. Hamusati maizobvuma here?” Bvumira mhinduro. Ipapo tendeukira kupeji 162 mubhuku raKurarama Nokusingaperi. Rava Zvakazarurwa 21:3, 4, uye tsanangura nzira iyo vadiwa vedu vanogona nayo kuva nesu nguva dzose. Kana pane kudavidza kwakanaka, rava Johane 5:28, 29 kuratidza kuti vakafa vachadzokera kuupenyu. Nongedzera kubutiro rebhuku racho ndokuti: “Ndokwechokwadi chaizvoizvo—tinogona kurarama nokusingaperi muParadhiso pasi pano!” Ronga imwe shanyo kuti mukurukure nei tichiziva kuti yava pedyo.

5 Chinangwa chikuru cheshanyo yedzokerero ndechokubetsera vanhu vanofarira kubetserwa neshoko roUmambo. Vanhu vakawanda zvikurusa vanoda chinonyandura chishuvo chavo chezvinhu zvomudzimu. Nongedzera ngwariro yavo kumapfundo akananga oukoshi hunoshanda ari mumabhuku, uchisimbisa kubetsera kwaanogona kuvaita kunzwisisa Bhaibheri zviri nani. Shanyo dzedzokerero idzo dzinoita idzi nharidzano dzichabetsera vamwe kuzvibetsera vamene munzira yakanakisisa inobvira.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe