Ratidza Kuti Unoitira Hanya Kupfurikidza Nokuita Shanyo Dzedzokerero
1 Kutsvaka vanhu vanofarira pasuo nesuo kunoratidzira chishuvo chako chokupa vamwe mukana wokunzwa shoko roUmambo. Naizvozvo iva nechokwadi chokudzokera kwaunogovera mabhuku mukati momwedzi waJanuary, sezvo iyoyi iri nzira yakaisvonaka yokuratidza nayo kuti unoitira vamwe hanya.
2 Kana wakasiya bhuku ra“Chengeteko Yenyika Yose,” ungagona kuedza kuvambazve kurukurirano yako neiyi nzira:
◼ “Nguva yakapfuura takataura pamusoro poUmambo hwaMwari nezvahuchatiitira. Umambo ihwohwo huchakurumidza kuita pasi rino paradhiso. Zvatisati tatongoona paradhiso, kungava kwakaoma kuiisa muchiono. Hezvino zvaingaratidzika kuva yakaita. [Nongedzera kumufanikiso uri pamapeji 4 ne 5.] Paradhiso yakadai inopikirwa muBhaibheri.” Rava VaRoma 16:20. Kana pane fariro, tendeukira kupeji 9, ndima 14, uye onesa chatinofanira kuita kana tichida kurarama muParadhiso iri kuuya.
3 Hechino chikarakadzo chokudzokera kwawakagovera bhuku ra“KuTerera KunoMudzidzisi muKuru”:
◼ “Tose zvedu, vaduku navakuru, tingada kuva vanofara. Vakawanda vanorangarira kuti mufarwa wechokwadi haubviri munyika ino. Imi munorangarira sei pamusoro paikoko? [Bvumira mhinduro.] Kwakataurwa kuti mufarwa mamirire endangariro. Kana ndangariro dzedu dzakazadzwa nokuda vamwe, kuremekedza Mwari, uye tariro ine chokwadi yenguva yemberi, tinogona kuwana mufaro wechokwadi pasinei zvapo nezvinetso zvedu.” Rava Pisarema 119:1, 2. Tsanangura kuti fundo yeBhaibheri inotidzidzisa nzira yokuda nayo vamwe, yokuratidza nayo Mwari ruremekedzo, uye yokuwana nayo tariro inonyaradza yenguva yemberi.
4 Ungadzokera kwakagoverwa bhuku ra“Rugare Rwechokwadi Nechengeteko—Ungaruwana Sei?” nemharidzo pfupi yakafanana neiyi:
◼ “Vatungamiriri venyika nhasi vave vasingakwanisi kuunza rugare nechengeteko. Jehovha Mwari ndiye bedzi anogona kuita ikoko. Bhaibheri rinotiratidza chatinofanira kuita. [Kurukura mapfundo ari mundima 1 ne 2 dziri papeji 175, uye ipapo rava Isaya 26:4.] Ndingada kukuratidzai nzira iyo bhuku rino rinogona kukubetserai nayo.”
5 Ungadzokerera kwakagoverwa bhurocha ra“Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here?” neichi chikarakadzo:
◼ “Nguva yakapfuura ndakakugoverai kopi yebhurocha rino, iro rinomutsa mubvunzo unokosha, wokuti: ‘Mwari anotiitira hanya zvomenemene here?’ Pashure pokuhwirudzura bhurocha rino, makasvika pamhedzisoi? [Bvumira mhinduro.] Sezvingabvira makakurudzirwa nokurava magwaro anopikira nyika itsva yeparadhiso, matinogona kugara murugare. [Ratidza mifanikiso iri pamapeji 2 ne 3, uye onesa mamwe amativi anofadza enyika itsva.] Ndine chokwadi chokuti imi navadiwa venyu mungada kugara munyika yakadai. Cherekedzai chinotaurwa nendima 16 iri papeji 31 pamusoro paikoku.” Rava ndima yacho, uye onesa kuti kutsvaka Jehovha kunoreva kudzidza zvakawanda pamusoro pake nezvinangwa zvake kupfurikidza nokufunda Shoko rake, Bhaibheri.
6 Jehovha akagadza muenzaniso wakakwana soMufudzi ane rudo anotarisira makwai ake. (Ezek. 34:11-14) Nhamburiko yedu yapachokwadi yokutevedzera kutarisira kwake kworudo inomufadza, inoratidzira rudo rwedu, uye inounza zvikomborero kuvamwe.