RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 1/95 p. 4
  • Kushandisa Zvakanaka Mabhuku Edu Ekare

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kushandisa Zvakanaka Mabhuku Edu Ekare
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
  • Mashoko Akafanana
  • Uri Kushandisa Mabhurocha Aya Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
  • Paridza Nenzwisiso
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • Mharidzo Dzingangoshandiswa Mubasa Romumunda
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • Kugovera Kwatingaita Bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
km 1/95 p. 4

Kushandisa Zvakanaka Mabhuku Edu Ekare

1 Jehovha akatigovera zvokudya zvomudzimu zvakapfuma zvakawanda. Akawanda amashoko iwaya ave ari muchimiro chamabhuku amapeji 192 akabudiswa mumakore achangobva kupfuura. Mukati maJanuary tichave tichigovera mabhuku aRugare Rwechokwadi Nokuchengeteka—Ungaruwana Sei? uye Chengeteko Yenyika Yose Mukudzora kwo“Muchinda woRugare” kana kuti bhuku ripi neripi ramapeji 192 rakabudiswa 1982 asati asvika rine pepa rinoita yero. Mune mamwe aiwaya achiri mumugariro wakanaka here? Ungano ine akati kuti mudura here? Kana kwakadaro, kwaizova kwakanaka kuhwirudzura zviri muzvinyorwa zvacho ndokusarudza mapfundo akati ekurukurirano aunogona kushandisa mumharidzo yako.

2 Kana uri kushandisa bhuku ra“Chengeteko Yenyika Yose,” ungagona kuvamba nokutaura kuti:

◼ “VaKristu vakanyengeterera kuuya kwoUmambo hwaMwari kwaanodokuva makore 2 000. Munofunga kuti chii icho Umambo huchaitira rudzi rwomunhu? [Bvumira mhinduro. Tendeukira kupeji 177, ndima 14, uye onesa zvimwe zvezvikomborero zvichawanwa mukutonga kwoUmambo.] Bhuku rino rinokurukura zvinhu izvo Umambo huchaita uye rinotsanangura nzira iyo imi navadiwa venyu munogona kubetserwa nayo. Kana mungada kurirava, ndichafara kukusiyirai kopi nomupiro we$5,00.”

3 Kana uri kugovera bhuku rekare ra“KuTerera KunoMudzidzisi muKuru,” ungaedza uku kusvika:

◼ “Vanhu vaduku vakawandisa vane chinetso mukuwana mufaro munyika ino nemhaka yokuti mune zvinetso zvakawanda kwazvo. Munofunga kuti kunobvira here kuva vanofara mumamirire ezvinhu azvino uno? [Bvumira mhinduro. Tendeukira kupeji 143, uye onesa zvinetso zvakati zvinozivikanwa zvinotiparira kufunganya.] Bhaibheri rinoratidza kugonana kwatinogona kuita neizvi zvinetso uye pakupedzisira kufarikanya mufaro usingagumi munyika itsva ine rugare. [Tendeukira kupeji 146, uye rava Ruka 6:38.] Bhaibheri rinopa zano rakananga rinogona kubetsera vaduku kuwana mufaro mukuru zvikuru mukurarama. Mungava nebhuku rino nokuda kwe$5,00.” (Kana kuti $2,50 kana bhuku racho riri papepa rinoita yero.)

4 Kana uri kushandisa bhuku ra“Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka—Ungaruwana Sei?,” ungada kuedza izvi:

◼ “Munhu ari wose angada kurarama munyika mune rugare nokuchengeteka. Kunosuruvarisa kutaura kuti, hatina kuwana ikoku munduramo yedu. Munofunga kuti tinofanira kuitei kuti tiite kuti rugare nechengeteko zvive chinhu chaichoicho? [Bvumira mhinduro.] Mwari ane simba rokuunza rugare kupasi rino, uye akapikira kuti achakuita.” Tendeukira kumufanikiso uri papeji 98, uye ipapo rava Mika 4:3, 4. Kana pane davidzo yakanaka, tsanangura zvakawanda pamusoro petariro yoUmambo, govera bhuku racho, uye ita gadziriro dzeshanyo yedzokerero.

5 Ungasarudza kushandisa bhurocha ra“Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here?” Kana zvakadaro, ungagona kutaura izvi:

◼ “Vanhu vakawanda vanoshamisika chikonzero nei Mwari achibvumidza kutambura kwakawanda kwazvo munyika. Zvaari wamasimba ose, anoregerereiko kuita chimwe chinhu kugumisa nhamo yedu? Munonzwa sei? [Bvumira mhinduro.] Bhaibheri rinotivimbisa kuti Mwari haana kutisiya.” Tendeukira kupeji 27, ndima 22, uye rava Pisarema 37:11, 29. Onesa mufanikiso unoyevedza unoratidza zvatinogona kutarira mberi kwazviri. Kana bhurocha racho rikagamuchirwa, karakadza kudzokera kuzoratidza nzira yarinogona kushandiswa nayo nokuda kwefundo yeBhaibheri.

6 Mabhuku edu akasunda zviuru zvavanhu kusanonzvera Bhaibheri zvikuru. Zvavakadzidza zvakavaunzira tariro yenguva yemberi inofadza. (Pis. 146:5) Iropafadzo yedu kuvabetsera.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe