RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 3/97 pp. 3-6
  • Wana Ushingi Hwokuita Shanyo Dzedzokerero

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Wana Ushingi Hwokuita Shanyo Dzedzokerero
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • Mashoko Akafanana
  • Kudzokerazve Kunoita Kuti Tive Nevadzidzi veBhaibheri
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
  • Dziri Kudikanwa—Fundo dzeBhaibheri Dzakawanda
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
  • Vimba naJehovha Kuti Akudze Zvinhu
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • Chikamu 11—Kudzidzisa Vanhu Bhaibheri Zvinofambira Mberi
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
km 3/97 pp. 3-6

Wana Ushingi Hwokuita Shanyo Dzedzokerero

1 Unofarikanya kuita shanyo dzedzokerero here? Vaparidzi vakawanda vanodaro. Ungave waitya pakutanga, zvikurukuru pakudzokererazve vanasaimba vakaratidza fariro yakaganhurirwa bedzi apo vakaonwa pakuvamba. Asi sezvo ‘unowana ushingi kupfurikidza naMwari wedu’ hwokutaura mashoko akanaka mukuita shanyo dzedzokerero, ungashamiswa kuwana kuti iri basa rinogona kuva riri nyore sei uye rinotusa. (1 VaT. 2:2) Kwakadaro sei?

2 Chaizvoizvo, kune musiyano unokosha pakati peshanyo yedzokerero neshanyo yepakuvamba. Shanyo yedzokerero iri kuitwa pamuzivikanwi, kwete paasingazivikanwi, uye kazhinji kazhinji kuri nyore zvikuru kukurukura nemuzivikanwi kupfuura neasingazivikanwi. Kana dziri tuso dzinogutsa dzinobva mukugoverana muiri basa, shanyo dzedzokerero dzingatungamirira kufundo dzeBhaibheri dzepamusha dzinobudirira.

3 Apo tinoshanda paimba neimba, tinoshanyira tashanyirazve vanhu vakanga vasingafariri apo takavashanyira munguva yakapfuura. Nei, ipapoka, tichiramba tichishanyira? Tinoziva kuti mamiriro ezvinhu evanhu anochinja uye kuti mumwe munhu airatidzika kuva asingakendengi kana kuti kunyange kutoshora pashanyo yenguva yakapfuura angafarira nguva inotevera yatinoshanya. Tichirangarira izvozvo, tinogadzirira zvakanaka uye tinonyengeterera chikomborero chaJehovha kuitira kuti chimwe chinhu chatinotaura panguva ino chiparire kuita kwakanaka.

4 Kana, mubasa redu repaimba neimba, tichiparidza nokudisa kuvanhu vasina kutongoratidza fariro ipi neipi panguva yakapfuura, hatifaniri here kudzokerera nokudisa zvikuru munhu upi noupi anoratidza fariro yakati mushoko reUmambo?—Mabasa 10:34, 35.

5 Vakawanda vedu vari muchokwadi nhasi nemhaka yokuti mumwe muparidzi nenzira yekushivirira akaita shanyo dzedzokerero patiri. Kana uri mumwe waivava, ungazvibvunza umene kuti: ‘Murangariroi wepakuvamba wandakaita pamuparidzi iyeyo? Ndakagamuchira nokukurumidza shoko reUmambo apo ndakatanga kurinzwa here? Ndingave ndakaratidzika kuva asingakendengi here?’ Tinofanira kufara kuti muparidzi iyeyo akashanyazve akatirangarira setakafanirwa neshanyo yedzokerero, ‘akawana ushingi kupfurikidza naMwari,’ akaita shanyo yacho, uye akapfuurira kutidzidzisa chokwadi. Zvakadini nevanhu avo vanoratidza fariro yakati pakutanga asi gare gare vanoratidzika kuva vanotidzivisa? Chimiro chakanaka chendangariro chinokosha, sezvo chakaitika chinotevera chinoratidzira.

6 Apo vakanga vari kugoverana mukupupura mumugwagwa nokukurumidza mamwe mangwanani, vaparidzi vaviri vakasangana nomukadzi muduku ane mwana mupurema. Mukadzi wacho akagamuchira magazini uye akakoka hanzvadzi dzacho kuuya kumusha wake Svondo yaitevera. Vakasvika panguva yakaranganwa, asi saimba wacho akavaudza kuti akanga asina nguva yekutaura. Akavimbisa, zvisinei, kuwanika vhiki yaitevera. Hanzvadzi dzacho dzakanga dzisina chokwadi chokuti aizochengeta rangano yacho, asi mukadzi wacho akanga akavamirira apo vakadzokera. Fundo yakatangwa, uye fambiro mberi yomukadzi wacho yakanga ichishamisa. Munguva pfupi, akavamba kupinda misangano nguva dzose uye kugoverana mubasa remumunda. Zvino akabhabhatidzwa.

7 Vanzarika Hwaro Pashanyo Yepakuvamba: Hwaro hweshanyo yedzokerero inobudirira kazhinji kazhinji hunoitwa pashanyo yepakuvamba. Teerera nokungwarira tsinhiro dzasaimba. Chii chadzinokuudza? Anoda zverudzidziso here? Anoitira hanya nhau dzenzanga here? Anofarira sayenzi here? nhau? mhoteredzo? Pakuguma kweshanyo yacho, ungamutsa mubvunzo unonyandura kufunga uye vimbisa kukurukura mhinduro yeBhaibheri apo unodzokera.

8 Somuenzaniso, kana saimba akabvuma chipikirwa cheBhaibheri cheparadhiso yepasi, imwe kurukurirano yemusoro wacho ingava yakafanira. Nokukurumidza usati wabva, ungabvunza kuti: “Tinogona sei kuva nechokwadi chokuti Mwari achazadzika ichi chipikirwa?” Ipapo wedzera kuti: “Zvichida ndinogona kushanya kwenguva pfupi apo vamwe vose vasara vemhuri vanenge vari pamusha, uye ipapo ndinogona kukuratidzai mhinduro yeBhaibheri kuuyu mubvunzo.”

9 Kana saimba asina kuratidza fariro munhau yakati ipi neipi, ungagona kumutsa mumwe wemibvunzo inoratidzwa mumharidzo dziri papeji yeshure yeUshumiri Hwedu hwoUmambo uye shandisa iwoyo sehwaro hwekurukurirano yenyu inotevera.

10 Chengeta Zvinyorwa Zvakanyorwa Zvakarurama: Chinyorwa chako chepaimba neimba chinofanira kuva chakarurama uye chakakwana. Nyora zita nekero zvasaimba nokukurumidza sezvo unobva pashanyo yacho. Usafungidzira nhamba yeimba kana kuti zita remugwagwa—nzvera mashoko acho kuti uve nechokwadi chokuti akarurama. Nyora rondedzero yemunhu wacho. Cherekedzai musoro wamakakurukura, magwaro amarava, mabhuku api neapi awasiya, uye mubvunzo wauchapindura apo uchadzokera. Batanidza zuva nenguva yeshanyo yepakuvamba uye apo wakati uchashanyazve. Zvino sezvo chinyorwa chako chazara, usarasikirwa nacho! Chiise munzvimbo yakakotsekana kuitira kuti ugogona kunongedzera kwachiri gare gare. Ramba uchifunga nezvemunhu wacho uye maitire auchaita shanyo yacho nguva inotevera.

11 Ziva Zviri Zvinangwa Zvako: Kutanga, kupfurikidza nokuva ane mbavarira uye ane ushamwari, ita unani hwako kuita kuti saimba asununguke. Ratidza kuti unomufarira semunhu, pasina kuva akarovedzana nenzira isina kufanira. Tevere, muyeuchidze nezvemubvunzo upi noupi wawakabvunza pashanyo yenguva yakapfuura. Teerera nokungwarira murangariro wake, uye taurai kuonga kwepachokwadi nokuda kwetsinhiro dzake. Ipapo, ratidzai chikonzero nei murangariro weBhaibheri uchishanda. Kana kuchibvira, mutungamirirei kumufungo unowirirana mubhuku raZivo Inotungamirira Kuupengu Husingaperi. Ramba uchiyeuka zvakanaka kuti chinangwa chako chikuru pashanyo dzedzokerero kutanga fundo yeBhaibheri.

12 Kunanga kwebhuku raZivo kwakanyandura vakawanda vedu ‘kuwana ushingi’ pafundo dzeBhaibheri kukurudzira vadzidzi kupinda misangano uye kusonganirana nesangano raJehovha. Munguva yakapfuura, taimirira kutozosvikira vanhu vafunda kwenguva yakati tisati tavakoka kuti vasonganirane nesu. Zvino, vadzidzi vakawanda vari kupinda misangano nokukurumidza sezvavanovamba kufunda, uye vari kufambira mberi nokukurumidza zvikuru semugumisiro.

13 Varoorani vakapupura nenzira isina kurongwa kumushandi biyamwe. Apo akaratidza kufarira chokwadi, vakamukumbira kuti ave nefundo yeBhaibheri mubhuku raZivo. Panguva imwe cheteyo, vakamuudza kuti aifanira kuve achipinda misangano, uko yakawanda yemibvunzo yake yaizopindurwa. Murume wacho haana bedzi kugamuchira chikumbiro chavo nokudisa asiwo akafunda kaviri pavhiki uye akavamba kupinda misangano nguva dzose paHoro yoUmambo.

14 Shandisa Bhurocha raMwari Anodei Kwatiri?: PaKokorodzano Dzoruwa dze“Nhume Dzorugare rwaMwari,” takagamuchira bhurocha raMwari Anodei Kwatiri? Iri bhurocha rinobetsera mukutanga fundo dzeBhaibheri nevanhu vanotya Mwari pasinei zvapo nokudzidza kwavakaita. Rine kosi yefundo yakakwana, inofukidza dzidziso huru dzeBhaibheri. Chinyorwa chacho chichava chishandiswa chinobudirira zvikuru nokuda kwekupa zivo yaMwari. Chinotsanangura chokwadi nenzira yakajeka kwazvo uye zvakapfava zvokuti anenge ari wose wedu achakwanisa kuchishandisa kudzidzisa vamwe zvinodikanwa zvaMwari. Sezvingabvira, vaparidzi vakawanda vachava neropafadzo yekuitisa fundo yeBhaibheri muiri bhurocha.

15 Vamwe vanhu vanofunga kuti havana nguva yekufunda bhuku raZivo vangadisa kuva nezvidzidzo zvipfupi vachifunda bhurocha raAnodei. Vachafadzwa nezvavanodzidza! Mumapeji maviri kana kuti matatu bedzi, vachawana mhinduro kumibvunzo iyo vanhu vakarangarira kwemazana emakore: Mwari ndiani? Dhiyabhorosi ndiani? Chii chiri donzo raMwari nokuda kwepasi? Umambo hwaMwari chii? Unogona sei kuwana rudzidziso rwechokwadi? Kunyange zvazvo bhurocha racho richipa chokwadi mumashoko akapfava, shoko raro rakasimba zvikuru. Rinofukidza mapfundo makuru ayo vakuru vachahwirudzura nevanoda kubhabhatidzwa uye rinogona kubatira sechokushandisa chekuvamba nokuda kwefundo yakakwana zvikuru mubhuku raZivo.

16 Kukarakadza fundo pashanyo yedzokerero, ungagona kungoti: “Maiziva here kuti kupfurikidza nokungoshandisa maminiti mashomanene bedzi, munogona kuva nemhinduro kumubvunzo unokosha weBhaibheri?” Ipapo, bvunza mubvunzo unooneka pakuvamba kwechimwe chezvidzidzo mubhurocha racho. Somuenzaniso, kana uchishanyira munhu akura, ungati: “Tinoziva kuti munguva yakapfuura Jesu akaporesa vanhu. Asi mune ramangwana, Jesu achaitirei vanorwara? vakwegura? vakafa?” Mhinduro dzacho dzinowanwa muchidzidzo 5. Munhu anofunga zverudzidziso angafadzwa nemubvunzo wokuti: “Mwari anoteerera minyengetero yose here?” Unopindurwa muchidzidzo 7. Mitezo yemhuri ichada kuziva kuti: “Mwari anodei kuvabereki nevana?” Vachaziva sezvo vanofunda chidzidzo 8. Mimwe mibvunzo ndeiyi: “Vakafa vanogona kukuvadza vapenyu here?” inotsanangurwa muchidzidzo 11; “Nei kune marudzidziso akawanda kwazvo anotaura kuva echiKristu?” unokurukurwa muchidzidzo 13; uye “Chii chaunofanira kuita kuti uve shamwari yaMwari?” unofukidzwa muchidzidzo 16.

17 Betsera Avo Vanotaura Mumwe Mutauro: Zvakadini navanasaimba vanotaura mumwe mutauro? Kana zvichibvira, vanofanira kudzidziswa nemutauro wavanoziva zvikurusa. (1 VaK. 14:9) Munyori ipapo angakwanisa kutumira maSiripi Okutevera Omutauro Wokumwe (S-70) api neapi aanogamuchira kubva kumitezo yeungano kuenda kuungano yakafanira kana kuti boka rinotaura mutauro iwoyo. Kana kusina ungano kana kuti mapoka pedyo uye kusina vaparidzi vemunzvimbomo vanogona kutaura mutauro wasaimba, muparidzi anogona kuedza kufunda nasaimba, achishandisa bhurocha raAnodei mumitauro miviri.

18 Mumwe muparidzi anotaura chiNgezi akatanga fundo nemurume anotaura chiVietnamese nemudzimai wake, anotaura chiThai. Zvinyorwa nemaBhaibheri muchiNgezi, chiVietnamese, uye chiThai zvaishandiswa mufundo yacho. Kunyange zvazvo mhinganidzo yemutauro yakapa denho pakutanga, muparidzi wacho anonyora kuti: “Kukura mumudzimu kwevaroorani vacho kwave kuri kwakakurumidza. Vakaona kudikanwa kwekutanga kupinda misangano nevana vavo vaviri, uye vari kurava Bhaibheri usiku humwe nohumwe semhuri. Mwanasikana wavo ane makore matanhatu okukura anoitisa fundo yake amene yeBhaibheri.”

19 Pakufunda nevanhu vanotaura mumwe mutauro, taura zvishoma nezvishoma, zvakajeka zvikuru, uye shandisa mashoko nezvitsama zvakapfava. Rangarira, zvisinei, kuti vanhu vanotaura mumwe mutauro vanofanira kubatwa norukudzo. Havafaniri kubatwa sokunge kuti vacheche.

20 Shandisai zvakanaka mifananidzo yakaisvonaka iri mubhurocha raAnodei. Kana “mufananidzo une ukoshi hwakaenzana nemashoko ane chiuru,” mifananidzo yakawanda iri mubhurocha racho ichava inodzidzisa zvikuru kuna saimba. Mukumbirei kurava magwaro muBhaibheri rake amene. Kana fundo yacho ichigona kuitiswa panguva apo mutezo wemhuri unoziva Chishona unenge uchiwanika kuti uturikire, ikoko pasina mubvunzo kuchava kunobetsera.—Ona Ushumiri Hwedu hwoUmambo, hwaOctober 1990, mapeji 7-8.

21 Ita Shanyo Dzedzokerero Pasina Kunonoka: Unofanira kumira kwenguva yakareba sei usati waita shanyo yedzokerero? Vamwe vaparidzi vanodzokerera mukati mezuva rimwe kana kuti maviri ekuonana kwepakuvamba. Vamwe vanodzokera gare gare pazuva rimwe chetero! Ikoko kunyanyokurumidza here? Kazhinji kazhinji, vanasaimba havaratidziki kuva vanoramba. Kazhinji kazhinji muparidzi ari kuita shanyo ndiye anofanira kusakurira chimiro chendangariro chakanaka pamwe chete noushingi hushoma. Rangarira zvakaitika zvinotevera.

22 Mumwe muparidzi ane makore 13 okukura akanga achishanda paimba neimba rimwe zuva apo akaona vakadzi vaviri vachifamba pamwe chete. Achirangarira kurudziro yekuparidza kuvanhu kwose kwatinovawana, akasvika vakadzi vacho mumugwagwa. Vakafarira shoko roUmambo, uye mumwe nomumwe akabvuma bhuku raZivo. Hama yacho duku yakatora kero dzavo, yakadzokera mazuva maviri gare gare, uye yakatanga fundo yeBhaibheri nomumwe nomumwe wavo.

23 Imwe hanzvadzi inoita gadziriro dzekudzokera vhiki inotevera. Asi zuva rimwe kana kuti maviri pashure peshanyo yekutanga, inoshanya kwenguva pfupi kuti ipe saimba magazini pamusoro penhau yavakakurukura munguva yakapfuura. Inoudza saimba wacho kuti: “Ndakaona iyi nyaya uye ndakafunga kuti mungada kuirava. Handigoni kumira kuti nditaure iye zvino, asi ndichadzoka paChitatu masikati sezvakarongwa. Nguva iyoyo ichiri yakakodzera kwamuri here?”

24 Apo munhu anofarira chokwadi, tinogona kuva nechokwadi chokuti achasangana nechishoro muchimiro chakati. Kudzokerera kwedu nokukurumidza pashure pokunge onano yepakuvamba yaitwa kuchamusimbisa kukunda dzvinyiriro dzipi nedzipi dzaanosangana nadzo dzinobva kuhama dzokunyama, shamwari dzepedyo, uye vamwe.

25 Sakurira Fariro Yeavo Vanowanwa Munzvimbo Dzavose: Vakawanda vedu tinofarikanya kuparidza mumigwagwa, munzvimbo dzekupaka, pazvifambiso zvavose, munzvimbo dzokutenga, uye zvichingunodaro. Mukuwedzera kukugovera mabhuku, tinoda kusakurira fariro. Nechinangwa ichocho, nhamburiko inofanira kuitwa kuwana zita, kero uye, kana zvichibvira, nhamba yerunhare zvemunhu ari wose anofarira watinosangana naye. Hakuna kuoma sezvaungafunga kuwana aya mashoko. Sezvo kurukurirano yacho iri kusvika kumugumo, tora bhuku rako rezvinonyorwa uye bvunza kuti: “Pane nzira ipi neipi yatinogona kupfuudzira nayo iyi kurukurirano pane imwe nguva here?” Kana kuti iti: “Ndingada kuti murave nyaya yandine chokwadi chokuti ichakufadzai. Ndingauya nayo kumusha kwenyu here kana kuti kuhofisi?” Imwe hama inongobvunza kuti: “Munowanikwa panhamba ipi?” Inoshuma kuti mumwedzi mitatu vose kunze kwevanhu vatatu vaifara kumupa nhamba yavo yerunhare.

26 Shandisa Kupupura Kusina Kurongwa Kuti Uwane Ndokutanga Fariro: Hama inoshanda panogadzirwa motokari mune imwe nyika inoshandisa mikana yose kutaura kuvashandi biyamwe. Mukati memaawa ekudya kwemasikati vashandi vacho vanokurukura mibvunzo yakasiyana-siyana uye hama yacho kazhinji kazhinji inokumbirwa kutaura mirangariro yayo. Mumwe wevashandi vacho akadudza kuti aiororwa nekukwanisa nguva dzose kwehama yacho kupa mhinduro dzakajeka uye dzine mufungo. Hama yacho ipapo yakamupa magazini akati. Ikoku kwakatungamirira kufundo yeBhaibheri yepamusha. Pakupedzisira mushandi wacho akava Chapupu chakabhabhatidzwa, gare gare akachinja nzvimbo yake yebasa uye ikoko, kupfurikidza nokupupura kusina kurongwa, akabetsera dzimwe mhuri mbiri kugamuchira chokwadi.

27 Chapupu chechiduku chakagovera bhuku kumumwe wepachikoro biyacho uye panguva imwe chete chakakarakadza kudzoka ndokufunda naye. Musikana wacho haana kugamuchira ichi chikarakadzo. Gare gare, pashure pokunge musikana arava bhuku racho, iye nehanzvadzi yacho vakava pamwe chete mamwe madekwana kuti vakurukure Bhaibheri. Kanoverengeka mukati mekurukurirano musikana wacho aikuwa kuti: “Iroro iBhaibheri rakaisvonaka raunaro.” Pashure pemaawa matatu, umo musikana wacho akadzokorora uku kutaura pamusoro peBhaibheri katatu, hanzvadzi duku, yashamiswa netsinhiro dzake, yakamukarakadzira fundo yeBhaibheri. Pana ikoku musikana wacho akakuwa kuti: “Pakupedzisira wadudza chandanga ndakamirira kunzwa manheru ose. Ndanga ndisingangodi kuuya zvakananga ndokukubvunza pamusoro payo.”

28 Tevera Fariro Yakawanwa Munzvimbo Dzemabhizimisi: Zvakawanda zvikuru zvinobatanidzwa mukushanda pachitoro nechitoro kupfuura kungogovera magazini. Vatengesi vakawanda vemuzvitoro vanofarira chokwadi nemwoyo wose, uye fariro iyoyo inofanira kusakurirwa. Muzvimwe zviitiko, kungava kunobvira kuva nekurukurirano yeBhaibheri kana kuti kunyange fundo panzvimbo chaiyo yebasa. Muzvimwe zviitiko, iwe nemunhu anofarira mungakwanisa kusangana mukati mekuzorora mumasikati kana kuti pane imwe nguva yakakodzera.

29 Mumwe mutariri anofambira akashanyira muridzi wegirosa duku ndokukarakadza kuenzanisira fundo yeBhaibheri. Apo akabvunzwa kuti kuenzanisira kwacho kwaizoda nguva yakareba sei, mutariri anofambira akati kwaizoda maminiti 15 chete. Naikoko, mutengesi wemuchitoro akaisa chiratidzo pasuo chaiti: “Ndichadzoka mumaMiniti 20,” akatora macheya maviri, uye vari vaviri vakakurukura ndima shanu dzekutanga dzebhuku raZivo. Uyu murume wepachokwadi akaororwa kwazvo nezvaakadzidza zvokuti akapinda Musangano Wavose neFundo yeNharireyomurindi Svondo iyoyo uye akabvuma kupfuudzira fundo yacho vhiki yaitevera.

30 Kukarakadza fundo munzvimbo yebhizimisi, ungataura izvi: “Gadziriro yedu yefundo yeBhaibheri inoda maminiti 15 chete kuenzanisira. Kana kwakakodzera, ndichafara kukuratidzai maitirwe ayo.” Ipapo, omererai kuganhuriro yenguva. Kana kusingabviri kuva nekurukurirano refu munzvimbo yebhizimisi, kungava kwakafanira zvikuru kushanyira mutengesi wemuchitoro pamusha pake.

31 Dzokerera Kunyange Apo Pasina Mabhuku Akagoverwa: Kufarira kuduku kuri kwose kwakafanirwa neshanyo yedzokerero, kana mabhuku akagoverwa kana kuti kwete. Chokwadika, kana kukava kwakajeka kuti saimba chaizvoizvo haasi kufarira shoko roUmambo, kwakanakisisa kunangidzira nhamburiko dzako kune imwe nzvimbo.

32 Mubasa repasuo nesuo, imwe hanzvadzi yakasangana nomumwe mukadzi aiva noushamwari zvikuru asi akaramba zvakasimba kugoverwa magazini. Muparidzi wacho anonyora kuti: “Kwamazuva ndakafunga nezvake uye ndakasarudza kuti ndaida kutaura kwaari zvekare.” Pakupedzisira, hanzvadzi yacho yakanyengetera, yakawana ushingi, uye yakagogodza pasuo remukadzi wacho. Kumufaro wake saimba wacho akamukokera mukati. Fundo yeBhaibheri yakatangwa, uye yakaitiswa zvekare zuva rakatevera. Pashure penguva yakati, saimba wacho akapinda muchokwadi.

33 Ronga Pachine Nguva Mberi Kuti Uite Zvakawanda Zvikurusa: Kunorumbidzwa kuti nguva yakati ipedzerwe vhiki imwe neimwe mukuita shanyo dzedzokerero. Zvizhinji zvinogona kuitwa nokuronga kwakanaka. Ronga shanyo dziri munzvimbo imwe cheteyo umo uchave uchishanda paimba neimba. Pakushanda, boka rimwe nerimwe rinofanira kuchengetwa riri duku kuitira kuti munhu ari wose agova nemukana wakakwana wokuita shanyo dzedzokerero. Uyo ari kutungamirira boka racho anofanira kuziva pachine nguva mberi uko shanyo dzedzokerero dzichaitwa kuitira kuti azive uko munhu ari wose ari.

34 Avo vanobudirira mukuitisa shanyo dzedzokerero uye mukutanga fundo dzeBhaibheri dzepamusha vanotaura kuti kunokosha kuratidza fariro yemunhu oga yepachokwadi muvanhu uye kuramba uchifunga nezvavo kunyange pashure pokunge shanyo yacho yaitwa. Kuri madikanwawo kuva nenhau inofadza yeBhaibheri yekukurukura uye kuvanzarika hwaro hweshanyo dzedzokerero usati wabva pashanyo yepakuvamba. Uyezve, kunokosha kudzokera nokukurumidza kutevera fariro yacho. Chinangwa chekutanga fundo yeBhaibheri nguva dzose chinofanira kuramba chichisanorangarirwa.

35 Vara rinokosha mukuita shanyo dzedzokerero dzinobudirira ushingi. Rinowanwa sei? Muapostora Pauro anopindura kupfurikidza nokutaura kuti tino‘wana ushingi’ hwokuzivisa mashoko akanaka kuvamwe “kupfurikidza naMwari wedu.” Kana uchifanira kukura muiyi nharaunda, nyengetera kuna Jehovha nokuda kwebetsero. Ipapo, mutsinhirano neminyengetero yako, tevera fariro yose. Jehovha zvirokwazvo achakomborera nhamburiko dzako!

[Bhokisi riri papeji 3]

Nzira Yokubudirira Nayo Mukuita Shanyo Dzedzokerero

■ Ratidza fariro yemunhu oga yepachokwadi muvanhu.

■ Sarudza nhau inofadza yeBhaibheri yekukurukura.

■ Vanzarika hwaro hweshanyo imwe neimwe inotevera.

■ Ramba uchifunga nezvemunhu wacho pashure pokunge wabva.

■ Dzokera mukati mezuva kana kuti maviri kuti utevere fariro yacho.

■ Ramba uchirangarira kuti chinangwa chako kutanga fundo yeBhaibheri.

■ Nyengeterera betsero yekuwana ushingi hweiri basa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe