RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 1/99 pp. 3-4
  • Kutanga Fundo Mubhurocha raAnodei

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutanga Fundo Mubhurocha raAnodei
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
  • Mashoko Akafanana
  • Mashandisiro Atingaita Bhurocha raMashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari!
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
  • Kudzidzisa Vanhu Tichishandisa Bhurocha raMashoko Akanaka
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2015
  • Vimba naJehovha Kuti Akudze Zvinhu
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • Uri Kushandisa Bhurocha raAnodei Kutanga Zvidzidzo Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
km 1/99 pp. 3-4

Kutanga Fundo Mubhurocha raAnodei

1 Mishumo inobva munyika yose inoratidza kuti bhurocha raMwari Anodei Kwatiri? chishandiso chine simba chokudzidzisa nacho vanhu chokwadi. Zviuru zvefundo dzeBhaibheri zviri kutangwa vhiki yoga yoga mubhurocha iri. Wakabudirira kutanga nokuitisa fundo yeBhaibheri mubhurocha raAnodei here?

2 Nepo vakawanda vachizviona zviri nyore kugovera bhurocha racho, vamwe vanozviona zvakaoma kuziva zvokutaura kuti vapinde mufundo. Mitoo ipi iyo vamwe vakaona ichibudirira pakutanga fundo dzeBhaibheri vachishandisa bhurocha raAnodei? Mazano anotevera anofanira kubatsira.

3 Kumbira Kuratidza Maitirwe Efundo: Paunotanga kushanya kana kuti pashanyo yedzokerero, panzvimbo pokungotaura kuti tinoda kufunda Bhaibheri nasaimba, tinogona kuratidza kuti kosi yacho yekufunda Bhaibheri ichaitiswa sei. Izvi zvinoita sekubvisa kusanzwisisika uye kunetseka kwakunokonzera uko vanasadzimba vakawanda vanowanzobatanidza neshoko rokuti “fundo.” Kana tangodzidzira kuiratidza, tichaona kuti nekusuma kupfupi, tinogona kupinda zvakananga mufundo.

4 Chinokosha Kugadzirira: Chido chedu chokutanga fundo dzeBhaibheri chine chokuita nekugadzirira kwatinenge takaita. Kufanogadzirira kuchatibatsira kukurira kuzeza kupi nekupi kwatingava nako mubasa refundo yeBhaibheri. Nokudzidzira mharidzo yedu kanoverengeka, tichava vanogona kutaura nevanhu, vanokwanisa kutaura zvatiri kuda nemataurire atinoita mazuva ose uye nemashoko edu. Izvi hazvizongobatsiri chete kuti isu tisununguke asi zvichaita kuti saimba asunungukewo zvikuru.

5 Pakudzidzira, zvinobatsira kuona kuti mharidzo yako iri kutora nguva yakawanda zvakadini kuitira kuti ugone kuudza saimba kuti kuratidza fundo kuchapedza nguva yakadini. Yapedza kuzvisuma, imwe hama inoti: “Ndauya pano kuti ndikuratidzei purogiramu yedu yefundo yeBhaibheri yapachena. Zvinotora maminiti mashanu kukuratidzai. Mune maminiti mashanu here?” Chidzidzo 1 chebhurocha raAnodei chinogona kuratidzwa mumaminiti anenge mashanu. Chokwadika, magwaro akasarudzwa chete ndiwo anogona kuraviwa munguva iyi, asi nokupedza chidzidzo chokutanga mumaminiti mashomanana, saimba anokwanisa kuva nefundo yake yokutanga. Ipapo ita kuti azive kuti paunodzoka kuzofunda Chidzidzo 2, uchatora maminiti 15 chete.

6 Mharidzo Inotevera Yakabudirira:

◼ “Ndiri kuda kukuratidzai kosi yeBhaibheri yakapfava kwazvo, asi isingatani kupera tichishandisa bhurocha iri Mwari Anodei Kwatiri? Vakawanda vakaona kuti munguva pfupi semaminiti 15 pavhiki kwemavhiki 16, vanogona kuwana mhinduro dzinogutsa dzemuMagwaro dzemibvunzo iyi inokosha yeBhaibheri.” Ratidza zvishomanana pakanyorwa zviri mukati. Uchienda paChidzidzo 1, iti: “Kana mukagona kutipa maminiti anenge mashanu, tinoda kukuratidzai kuti izvi zvinoitwa sei. Chidzidzo 1 chine musoro unoti ‘Nzira Yaunogona Kuwana Nayo Izvo Mwari Anoda.’” Ipapo verenga mibvunzo mitatu, uye tsanangura nhamba dzakakomberedzwa. Rava ndima 1, uye ratidza saimba mawanirwe emhinduro. Saimba angakumbirwa kurava ndima 2. Ipapo woti: “Muchifunga nezvemashoko aya, mungapindura sei mubvunzo uyu? [Rava mubvunzo wacho zvakare, uye bvumira saimba kutsinhira.] Muchacherechedza kuti pane magwaro ari mundima yoga yoga. Aya anoita kuti tione mhinduro dzeBhaibheri dzemibvunzo iyi. Somuenzaniso, ngatiravei 2 Timotio 3:16, 17 tione kana ichitsigira mhinduro yamapa pamusoro pemunyori weBhaibheri.” Mapedza kurava ndima 3, kukurukura mubvunzo, uye kurava Johane 17:3, itai kuti saimba aone zivo yaava nayo nokuhwirudzura Chidzidzo 1. Panguva ino unogona kuenda kuChidzidzo 2 ndokurava mubvunzo wokupedzisira, “Inzirai mbiri dzatinogona kudzidza nadzo pamusoro paMwari?” Wobvunza kuti: “Ndirini pamungawana maminiti 15 kuitira kuti tiite Chidzidzo 2 nokuwana mhinduro yacho?”

7 Zvinokosha kuita kuti kurukurirano yacho irambe yakapfava uye rumbidza saimba pose pazvinenge zvichiita. Pamunoronga nezvekumwe kushanya, panzvimbo pokumubvunza kana achida kupfuurira, ingomukurudzira kuita zvimwe chetezvo nokuda kwechidzidzo chinotevera. Ita kuti azive kuti uri kutarisira kudzokazve. Vamwe vaparidzi vakakumbira kuita chidzidzo parunhare kana kuronga kukanetsa. Ungakurudzirawo mudzidzi kuisa bhurocha racho panzvimbo yakachengeteka, yakanaka kuitira kuti riwanike nyore pakushanya kwako kunotevera.

8 Tsunga: Nepo chinokosha kuti tibudirire kuri kugadzirira, tinofanira kutsunga kuramba tichienda. Kudzidzisa chidzidzo mumaminiti mashomanana kunogona kuoma, saka tsunga kudzidzira mharidzo yacho kakawanda sezvingadiwa kuitira kuti unyatsodedemura paunoratidza munhu mafundire. Edza kuratidza kuti fundo inoitwa sei nemunhu wose waunowana pasuo, zvisina kurongwa, uye pakupupura norunhare. Kana zviri kukuomera kutanga fundo yeBhaibheri, usaore mwoyo. Kubudirira pakutanga fundo dzeBhaibheri kunoda kutsunga uye chido chechokwadi chokupa vamwe vanhu chokwadi.—VaGaratia 6:9.

9 Nokushandisa mazano aya, newewo ungava neropafadzo yokubatsira mumwe munhu kupinda munzira inoenda kuupenyu, nokutanga uye kuitisa fundo yeBhaibheri mubhurocha raAnodei.—Mateo 7:14.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe