Kudzidzisa Vanhu Tichishandisa Bhurocha raMashoko Akanaka
1. Bhurocha raMashoko Akanaka rakanyorwa sei?
1 Sezvakataurwa muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaJuly, chimwe chinhu chinokosha chatinoshandisa pakudzidzisa vanhu ibhurocha raMashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari! Magwaro akawanda arimo haana kunyorwa mashoko acho kuitira kuti munhu abatsirwe nekudzidza kubva muBhaibheri pacharo. Kunyange zvazvo mabhuku edu akawanda atinoshandisa pakudzidza nevanhu achinyorwa nenzira yekuti munhu anokwanisa kudzidza ari ega, bhurocha iri rakanyorwa nenzira yekuti munhu abatsirwe pakuridzidza. Saka patinoripa vanhu, tinofanira kuedza kuvaratidza kuti tinoridzidza sei kuitira kuti vaone kunakidza kwazvinoita kudzidza mashoko akanaka kubva muBhaibheri.—Mat. 13:44.
2. Tingashandisa sei bhurocha raMashoko Akanaka patinotanga kuonana nemunhu?
2 Paunotanga Kuonana Nemunhu: Unogona kuti: “Ndakushanyirai nekuti vanhu vari kunetseka kuti nyika ino yakanangepi. Munofunga kuti zvinhu zvichachinja here? [Murege apindure.] Bhaibheri rine mashoko akanaka anogona kutipa tariro. Onai pano mimwe mibvunzo inopindurwa neBhaibheri.” Ipa saimba bhurocha racho, uye mukumbire kuti asarudze mubvunzo waanoda kubva pane iri papeji yekupedzisira. Zvadaro, muratidze kuti chidzidzo chinoitwa sei muchishandisa ndima yekutanga pamusoro waasarudza. Imwe nzira ndeyokubvunza saimba mubvunzo unoita kuti ade kunzwa zvakawanda pachidzidzo chaunenge wakasarudza, zvadaro womuratidza kuti bhurocha iri rinogona sei kumubatsira kuwana mhinduro inobva muBhaibheri. Kana chidzidzo chacho chichienderana neimwe vhidhiyo iri pajw.org, vamwe vaparidzi vanobva vairatidza munhu wacho.
3. Tsanangura kuti tinodzidza sei nemunhu bhurocha raMashoko Akanaka.
3 Chidzidzo Chacho Chinoitwa Sei: (1) Verenga mubvunzo unenge wakaiswa nhamba uye wakanyorwa nemabhii matema-tema kuti ubatsire saimba kuona pfungwa huru. (2) Verenga ndima inenge iri pasi pacho. (3) Verenga magwaro anenge akatsveyamiswa, uye shandisa mibvunzo neungwaru kuti ubatsire saimba kuona kuti magwaro acho ari kupindura sei mubvunzo unenge wakaiswa nhamba. (4) Kana paine imwe ndima inenge iri pasi pemubvunzo wacho, dzokorora danho 2 ne3. Kana uine vhidhiyo inoenderana nemubvunzo uripo yausati waratidza saimba, wana nguva yekuti umuratidze paunenge uchikurukura naye. (5) Pedzisa nekuita kuti saimba apindure mubvunzo unenge wakaiswa nhamba kuti uone kana anzwisisa.
4. Chii chichatibatsira kushandisa bhurocha iri neunyanzvi?
4 Jairana nekushandisa bhurocha iri. Rishandise pose pazvinenge zvakakodzera. Usati watanga chidzidzo chimwe nechimwe, funga nezvemudzidzi wako uye zvaungaita kuti unyatsomubatsira kunzwisisa, uchishandisa magwaro arimo. (Zvir. 15:28; Mab. 17:2, 3) Paunenge uchiwana ruzivo uye unyanzvi hwekushandisa bhurocha iri, rinoguma rava chimwe chezvinhu zvaunofarira kushandisa pakudzidzisa vanhu chokwadi!