Vose Vakafadzwa Nokubudiswa Kwebhuku Idzva paKokorodzano Yeruwa
Bhuku Idzva Rinosimbisa Kuziva Mwari
1 Pakokorodzano yedu yoruwa, takafadzwa sei nepurogiramu yose! PaChitanhatu masikati mufaro wedu wakapfachukira apo takanzwa chiziviso chine chokuita nebhuku idzva, Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi, uye mashoko anowirirana akatevera. Mabhiriyoni avanhu papasi anoda kuziva kuti Mwari oga anogona kupa—kuziva Mwari noMwanakomana wake, Jesu Kristu.—Zvir. 2:1-6; Joh. 17:3.
2 Mukurukuri akasimbisa nenzira yesimba sei zvikamu zvebhuku racho! Misoro yemaganhuro inokwezva, mienzaniso inoshanda, kuratidzirwa kwakananga kwezvokwadi, mibvunzo isina kuoma, uye, pakupera kweganhuro imwe neimwe, bhokisi rine musoro unoti “Edza Zivo Yako” zviri pakati pemativi ayo achafadza vose avo vanorirava. Asi vadzidzi vedu veBhaibheri vachabetsereka zvikurukuru sezvo vanowana nokukurumidza dzidziso huru dzeBhaibheri.
3 Mukati mehurukuro dzokugumisa paChitanhatu neSvondo, takakurudzirwa kuva nefundo yemhuri tichishandisa iri bhuku idzva. Kusvikira zvino, sezvinobvira takarovedzana nezviri mukati maro. Pasina panikiro wakakurukurawo mapfundo okurangarira pakugovera iri bhuku idzva mundima.
4 Mapfundo Okuhwirudzura: Ungayeuka kuti pakuratidzira mharidzo panhau inoti “Chikonzero Nei Rudzi Rwomunhu Ruchida Kuziva Mwari,” mukurukuri akasimbisa mapfundo akati, kubatanidza anotevera: (1) Apo unoshandisa iri bhuku kuitisa fundo, hakusati kuri kuchenjera kuunza mamwe mapfundo okunze, ayo angagona kuvharidzira mapfundo makuru; ingoisa chete ngwariro pakupa izvo bhuku riri kubvumikisa muganhuro imwe neimwe. (2) Maganhuro ndeourefu hune mwero kuitira kuti kazhinji kazhinji ugokwanisa kufukidza rimwe nguva imwe neimwe yamunofunda. (3) Pakupera kweganhuro imwe neimwe, mibvunzo iri mubhokisi rine musoro unoti “Edza Zivo Yako” ichagovera hwirudzuro pfupi.
5 Kushandisa Pafundo dzeBhaibheri: Vaparidzi vashomanene zvikuru vakabvunza kana kuchikurudzirwa kuchinjira fundo dzavo dzeBhaibheri kuiri bhuku idzva. Kana mafambira mberi zvakanaka mubhuku riri kufundwa panguva ino, kwaizova kunoshanda kupedza fundo yechinyorwa ichocho. Zvimwe, kunorumbidzwa kuti muchinjire kubhuku raZivo. Kana wakashandisa bhurocha kana kuti turakiti kutanga fundo yeBhaibheri, suma bhuku idzva panguva yakakodzera uye rishandise pafundo. Mashoko akawanda pamusoro pokushandiswa kwebhuku raZivo achabuda muUshumiri Hwedu hwoUmambo mumwedzi iri kuuya.