Betsera Vamwe Kuwana Zivo Inotungamirira Kuupenyu
1 Muapostora Pauro akatsanangura kuti ‘kuda kwaMwari kuti vanhu vamarudzi ose vanofanira kusvika pazivo yakarurama yezvokwadi.’ (1 Tim. 2:4) Tinogona sei kubetsera vamwe kuwana zivo iyoyo? Imwe nzira iri kupfurikidza nokuita shanyo dzedzokerero pavanhu vane fariro yakanyandurwa nebhuku raZivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. Ichi chinyorwa chinopa zvokwadi yeBhaibheri mumashoko akajeka, akapfava, akasanosarudzwa. Kupfurikidza nokuchifunda, vanhu vamarudzi ose vanogona kutungamirirwa kuupenyu. Chii chatinogona kutaura chichakurudzira vamwe kuchifunda nesu?
2 Nokuda kwaavo vakaratidza fariro muBhaibheri senhungamiro inoshanda, ungagona kudzokera kunokarakadza fundo, zvichida uchiti:
◼ “Pandakanga ndiri pano nguva yakapfuura, takakurukura chikonzero nei tichigona kuvimba neBhaibheri samanyuko anoshanda enhungamiro. Nemhaka yokuva kwaro rakafuridzirwa naMwari, Bhaibheri manyukowo echokwadi enyaradzo netariro, kunyange sezvo mumwe wavaapostora vaKristu akataura. [Rava VaRoma 15:4.] Pakuguma kwekurukurirano yedu yakapfuura, ndakabvunza mubvunzo unoti, Tinogona sei kubetserwa somunhu oga nezivo iri muBhaibheri?” Rava ndima 18 papeji 11 mubhuku raZivo. Ratidzira kuti Zvapupu zvaJehovha zviri kuitisa fundo dzeBhaibheri dzine mamiriyoni mashanu munyika yose, zvichibetsera vanhu kwose kwose kuwana zivo inotungamirira kuupenyu husingaperi. Govera muenzaniso mupfupi wenzira iyo fundo inoitiswa nayo, uchishandisa ndima shanu dzokutanga dziri muganhuro 1.
3 Kana munyengetero wakanga uri musoro wamakatanga kukurukura nomumwe munhu, ungaedza uku kusvika munhamburiko yokutanga fundo:
◼ “Ndinovimba makafarikanya mashoko atakakurukura pamusoro pomunyengetero mubhuku raZivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. Ndakavimbisa kudzoka ndokurangarira nemi nzira iyo avo vanonyengetera kuna Mwari vanogonawo, kumuteerera. Cherekedzai chinotaurwa papeji 158. [Rava ndima 18.] Nokudaro, kupfurikidza nokufunda Bhaibheri somunhu oga, tiri kuteerera izvo Mwari anotaura kwatiri. Kuita kudaro kunotikwevera pedyo naye uye kunotibetsera kubata nezvinetso zvezuva nezuva zvatinonyengeterera. Ungava mufaro wangu kufunda nemi Bhaibheri.” Kana munhu wacho achida, vamba neganhuro rokutanga rebhuku raZivo.
4 Kana wakashandisa kusvika kwakananga kuti utange fundo, ungataura izvi kutevera kurukurirano yokutanga:
◼ “Ndaita nhamburiko chaiyo yokushanyazve nemhaka yokuti ndanga ndichida kukuudzai zvakawanda pamusoro pechirongwa chedu chefundo yeBhaibheri yapachena. Ndakakusiyirai kopi yeiri bhuku, Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi, iro riri yamuro yefundo yatinoshandisa. Cherekedzai nzira iyo rinotikurudzira nayo kurangarira Shoko raMwari. [Rava ndima 23 papeji 22.] Kana mungawana kopi yenyu yebhuku racho, zvichida tinogona kupfuurira kufunda patakasiyira nguva yakapfuura.” Kana fundo isina kutangwa pashanyo yokutanga, ungati: “Zvichida iyi yaizova nguva yakanaka yokuti ndiratidzire mafundire atinoita Bhaibheri.” Pashure pokurangarira ndima shomanene, ronga nguva chaiyoiyo yokudzoka nokuda kwefundo inotevera.
5 Kushandisa bhuku raZivo nenzira inobudirira kuchatigonesa kuparadzira zivo yakarurama nokuda kwokukomborerwa kwavamwe. (Zvir. 15:7) Zivo yakadaro ichaunza mufaro kune avo vane mwoyo yakarurama, uye ichava chishuvo chine simba chokuti vararame mutsinhirano nokururama kwaJehovha, kuchitungamirira pakupedzisira kuupenyu husingaperi.