Zivo yaMwari Wechokwadi Inotungamirira Kuupenyu
1 “Upenyu husingaperi ndihwo,” akadaro Jesu mumunyengetero kuna Baba vake, “kuti vakuzivei imi, Mwari uri woga wazvokwadi.” (Joh. 17:3) Iyoyo ituso yorupo yakadini! Kupfurikidza nokushandisa chinyorwa chaZivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi, tinogona kubetsera vamwe kudzidza zvavanofanira kuita kuti vararame nokusingaperi. Chii chatinogona kutaura kuti tinyandure fariro yavo ndokuvanyandura kuda kurava bhuku raZivo?
2 Ungashandisa mharidzo inosimbisa Bhaibheri semanyuko anoshanda enhungamiro, kupfurikidza nokuti:
◼ “Tiri kukurukura nevavakidzani vedu kwokuwana manyuko anoshanda enhungamiro yokugonana nezvinetso zvoupenyu. Munguva yakapfuura vanhu vakawanda vaitanga kunzvera Bhaibheri. Asi zvino zvimiro zvendangariro zvavanhu zvachinja; vakawanda vanopanikira Bhaibheri, vachirirangarira sebhukuwo zvaro rakanyorwa navanhu. Ndoupi uri murangariro wenyu? [Bvumira mhinduro.] Pane chikonzero chakanaka zvikuru nei kuchigona kutaurwa kuti Bhaibheri rinoshanda nokuda kwezuva redu. [Rava 2 Timotio 3:16, 17.] Nheyo dzeBhaibheri dzinoshanda zvikuru zvino sezvadzaingoita apo Mwari akafuridzira kunyorwa kweBhaibheri.” Tendeukira kupeji 16 mubhuku raZivo, uye tsinhira nokupfupikisa panhungamiro inoshanda inowanwa muMharidzo yaJesu yapaGomo. Rava mashoko akanokorwa anowanwa mundima 11 kana kuti ayo ari mundima 13. Govera bhuku racho, uye ronga kudzoka kuzopindura mubvunzo unoti, Tinogona sei kubetserwa somunhu oga nezivo iri muBhaibheri?
3 Sezvo munyengetero uri nhau yefariro kuvanhu vakawanda, ungada kuukurukura kupfurikidza nokubvunza, kuti:
◼ “Nedenho dzose dzatinofanira kutarisana nadzo muupenyu hwezuva razvino, munorangarira kuti munyengetero unogona kuva webetsero chaiyoiyo kwatiri here? [Mirira mhinduro.] Vakawanda vanorangarira kuti vakaswedera pedyo naMwari kupfurikidza nokunyengetera kwaari uye kuti kuita kudaro kwakavapa simba romukati, riri chaizvo iro Bhaibheri rinovimbisa. [Vhura bhuku raZivo papeji 156, uye rava VaFiripi 4:6, 7.] Kunyange zvakadaro, mumwe munhu angarangarira kuti minyengetero yake pane dzimwe nguva haipindurwi. Iyi ganhuro inokurukura ‘Nzira Yamunogona Nayo Kuswedera Pedyo naMwari.’ [Govera bhuku racho, uye dudza gadziriro yomupiro yebasa renyika yose.] Iri ganhuro rinotsanangurawo nzira iyo tinogona nayo kuteerera Mwari, sezvo kurukurirano naye isiri yorutivi rumwe. Tinogona kukurukura izvozvo apo ndinouya nguva inotevera.”
4 Ungada kuedza kusvika kwakananga kuti utange fundo here? Hekuno kumwe kungashanda kwauri:
◼ “Tiri kugovera kosi yefundo yeBhaibheri yapamusha yapachena. Makamboita kosi yeBhaibheri kare here? [Bvumira mhinduro.] Regai ndikuratidzei yamuro yefundo yatinoshandisa.” Ratidzira bhuku raZivo, tendeukira kupeji 3 kuti saimba agogona kuona ndaza yezviri mukati, uye bvunza kuti, “Mati mamboshamisika nezveicho Bhaibheri rinotaura pamusoro peidzi nhau here?” Tendeukira kuganhuro rinoratidzirwa fariro hurusa, uye rava misoro miduku. Tsanangura kuti ungada kuratidzira nokupfupikisa nzira yatinofukidza nayo aya mashoko mufundo yedu. Kana fundo ikatangwa kana kuti kwete, govera bhuku racho uye kurudzira munhu wacho kuti arirave.
5 Nhasi vanhu vazhinji vari kugamuchira zivo yakarurama yaMwari wechokwadi. (Isa. 2:2-4) Iropafadzo yedu kubetsera vakawanda sevanobvira kudzidza pamusoro paJehovha uye kutungamirirwa kuupenyu.—1 Tim. 2:4.