Kokorodzano Yoruwa Inoita Kudana Kunonyandura!—Rumbidzai Jehovha Nomufaro Zuva Nezuva!
1 “Kana hwamanda isingariri kwazvo, ndianiko ungazvigadzira kundorwa?” akabvunza kudaro muapostora Pauro. (1 VaK. 14:8) Kudana kwakaitwa paKokorodzano Yoruwa ya“Varumbidzi Vanofara” kwakanga kuchinzwika uye kwakajeka here? Hungu, zvirokwazvo. ‘Rumbidza Jehovha nomufaro uye zuva nezuva’ rakanga riri shoko racho rinonyandura! Mwoyo wako wakanyandurirwa nouku kudanidza kuchiito here? Purogiramu yekokorodzano yakanga ine zvikonzero zvakawanda zvokurumbidza kwedu nguva dzose Mambo wokusingagumi, Jehovha.—Pis. 35:27, 28.
2 Matenga anoshamisa anozivisa mbiri yaJehovha “musi mumwe nomumwe.” (Pis. 19:1-3, NW) Kana zvisikwa zvisina inzwi, zvisingazivi zvichipa nguva dzose rumbidzo kuna Jehovha, isu vanhu vakangwara hatifaniri here kunzwa tasundwa kukwidza manzwi edu mukumurumbidza panguva dzose nokuda kwamavara ake asingaenzaniswi uye zvaakaita? Ndiani anofanirwa zvikuru nerumbidzo yedu yokufara kupfuura Musiki wedu akaisvonaka?—Pis. 145:3, 7.
3 Zuva Nezuva: Wezvamapisarema akafuridzirwa akanyora, kuti: “Paridzai kuponesa kwake zuva rimwe nerimwe. Nokuti Jehovha mukuru, unofanira kurumbidzwa kwazvo.” (Pis. 96:2, 4) Ikoku kunoshanda bedzi kumapiyona here? Aiwa! Ikoku kunoreva here kuti tose zvedu tinofanira kutaura kuna vamwe pamusoro paJehovha pari pose uye kuri kwose kwatinogona, kunyange pamazuva atisina kubatikana muushumiri hwapaimba neimba? Hungu! Dikanwo yokurumbidza Jehovha zuva nezuva uye kuudza vamwe pamusoro penzira dzake dzoruponeso ndeyekurumidziro. Vanhu vanofanira kuziva kuti Jehovha ndiye Mambo Wokusingagumi uye kuti Iye akapa kutongwa kwenyika kuMwanakomana wake ane mbiri, Jesu Kristu. Kuda Jehovha uye vanhu kuchatichengeta tichitaura pamusoro pamashoko iwaya uye pamusoro pegadziriro dzake dzoruponeso kupi kana kupi uko vanhu vanogona kuwanwa.—Pis. 71:15.
4 Zuva riri rose roushumiri hwake hwapasi, Jesu Kristu akagadza muenzaniso wakaisvonaka somurumbidzi anotaura pachena waJehovha. Iye akati: “Ndinokutendai, Baba, Ishe wokudenga napasi.” (Mat. 11:25) Mutsinhirano neshoko rake, papi kana papi apo Jesu akanga ari, iye akarumbidza Jehovha pachena. Uye kupi kana kupi uko mapoka aiungana—mungava mumasinagoge, patemberi muJerusarema, kana kuti pamusoro pegomo, kana kuti pamhenderekedzo yegungwa—iye akarumbidza Jehovha. Kana tikasanotevera makwara aJesu kupfurikidza nokuchengeta mubato wezuva nezuva, wenguva dzose mukurumbidza Jehovha pachena, tichawana migumisiro inofadza.
5 Kupindura Kudana: Uchapindura kudana kwokurumbidza Jehovha zuva rimwe nerimwe here? Yeuka, zera haisi mhinganidzo. Pisarema 148:12 inokoka majaya, mhandara, vakura, uye vakomana kuti varumbidze Jehovha. Vaduku, mucharumbidza Jehovha pakati pevokuchikoro biyenyu uye vadzidzisi here? Vakura, avo munoshanda navo panzvimbo yenyu yebasa vari kunzwa pamusoro paJehovha nezvinangwa zvake, apo panenge pane mukana wakakodzera wokutaura pamwe chete here? Tose zvedu tinofanira kuita kuti kutaura pamusoro paJehovha kuve rutivi rwoupenyu hwedu sezvakaita kufema nokudya. Kunyange zvazvo vanhu vasingakendengi vasingateereri zvatinotaura, pane Mumwe munhu anodaro, uye iye achatitusa.—Mar. 3:16.
6 Sezvo mugumo wetsika unoswedera pedyo, kudana kunoenda kumigumo yapasi: “Rumbidzai Jah, imi vanhu!”—Pis. 106:1, NW.