Kupa Mashoko Akanaka Nechimiro Chendangariro Chakanaka
1 Tose zvedu tinoda kuwana mufaro negutsikano mune zvatinoita, zvikurukuru mubasa rokuita vadzidzi. Chii chinounza gutsikano yakadaro? Kunotanga nokuchengeta kwedu chimiro chendangariro chakanaka apo tinoramba takabatikana mubasa rinokosha rokubetsera vamwe. (Zvir. 11:25) Kupa kwatinoita mashoko akanaka anofanira kuratidza kuti tinodavira zvirokwazvo zvatiri kutaura. Kana tikataura zvichibva pamwoyo wedu, ipapo uchokwadi hwedu nokupwiswa kwomunhu oga zvichaoneka. (Ruka 6:45) Kupfurikidza nokudzokorora mharidzo yedu, tichanzwa tine chivimbo zvikuru apo tinenge tichitaura nevanhu vari mundima. Ikoku kuchava kwoukoshi hwakati mukati maSeptember apo tinogovera bhuku raIwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi Pano. Ungawana zvikarakadzo zvinotevera kuva zvinobetsera mukupa mashoko akanaka nechimiro chendangariro chakanaka.
2 Pakugovera bhuku ra“Kurarama Nokusingaperi,” ungagona kutaura izvi pashanyo yokutanga:
◼ “Mukutaura nevavakidzani vedu, takawana kuti vamwe vanoisa chivimbo chavo muna Mwari. Vamwe vanokuwana kwakaoma kumudavira. Munorangarira sei? [Bvumira mhinduro.] Cherekedzai kurangarira kunoita Bhaibheri paiyi nhau. [Rava VaRoma 1:20.] Tinogona kuona chibvumikiso che‘simba risingagumi [raMwari] noKuva Mwari’ kwake kupfurikidza nokucherekedza zvinhu zvaakasika.” Rava ndima 4 papeji 35 yebhuku raKurarama Nokusingaperi, uye kwevera ngwariro kukuoma kunzwisisika kwechisiko chose. Govera bhuku racho nokuda kwomupiro we$15,00. (Chinyorwa chiduku: $7,50.)
3 Pakudzokera kuti ushanyire avo wakakurukura navo Kuva Musiki kwaMwari, ungada kutaura izvi:
◼ “Pashanyo yangu yomunguva yakapfuura, takataura pamusoro poufakazi hwokuvapo kwaMwari—chisiko chake chakaisvonaka. Munokuwana kwakaoma kudavira kuti Uyo akasika chisiko chose aizofarirawo nguva yedu iri mberi here? [Bvumira mhinduro.] Kunofadza kucherekedza kuti nguva iri mberi yakatozivikanwa noMusiki.” Rava Isaya 46:9, 10. Zvichitsamira pafariro yomunhu wacho, shandisa mifananidzo nemashoko anorondedzera mifananidzo zviri muganhuro 19 rebhuku raKurarama Nokusingaperi ndokusimbisa mamiriro ezvinhu akanaka akapikirwa naMwari. Rava ndima 1 yeganhuro 30, uye karakadza fundo yeBhaibheri. Kana ikagamuchirwa, tanga fundo mubhuku raZivo.
4 Ungaedza iyi mharidzo pakugovera bhuku ra“Kurarama Nokusingaperi”:
◼ “Mukutaura nevanhu munharaunda, ndakacherekedza kuti vakawanda zvikurusa vanoshuva nzanga yakakotsekana nenyika ine rugare. Ndoupi uri mufungo wenyu pamusoro pokuti nei munhu akakundikana kuwana mamirire ezvinhu akadaro? [Bvumira mhinduro.] Vamwe vatungamiriri vangava vepachokwadi ndokuita zvakanaka, asi cherekedzai izvo Bhaibheri rinopa zano nenzira yokuchenjera.” Rava Pisarema 146:3, 4; ipapo bvunza, kuti: “Pane munhu upi noupi anogona kugutsa zvinodikanwa zvomunhu here?” Rava ndima 5 ne6. Ratidza mufananidzo uri pamapeji 156-7 ebhuku raKurarama Nokusingaperi, uye kwevera ngwariro kubetsero dzokutonga kwaMwari. Govera bhuku racho nokuda kwomupiro wenguva dzose.
5 Kana kutonga kwaMwari kwakakurukurwa pakutanga, ungagona kuedza ichi chikarakadzo pashanyo yedzokerero:
◼ “Apo ndakanga ndiri pano mazuva mashomanene apfuura, takakurukura kukundikana kwomunhu kuparira rugare chairwoirwo pasi pano. Mungayeuka kuti takawana chikonzero icho Bhaibheri rinopa nokuda kwokukundikana kwakadaro. [Rava Pisarema 146:3 zvakare.] Macherekedza here chikonzero nei Mwari achitipa zano kuti tisaise tariro dzedu pavanhu? [Bvumira mhinduro.] Zvichida munobvuma kuti tariro ipi neipi nokuda kwemhinduro yechigarire inofanira kubva kuna Mwari. Chikonzero chatinogona kuva nacho nechivimbo ichochi chinotsanangurwa paPisarema 146:10. [Rava.] Kana tichida kuva mudzorwi woUmambo hwaMwari, chii chatinofanira kuita?” Tendeukira kupeji 127 yebhuku raKurarama Nokusingaperi, rava ndima 5, uye simbisa Johane 17:3. Karakadza kuratidzira nzira iyo, kupfurikidza nefundo yeBhaibheri, mamiriyoni akawana nayo zivo inotungamirira kuupenyu husingaperi. Kana ukabvumidzwa, suma bhuku raZivo ndokutanga fundo yacho.
6 Kana uri kushanda pachitoro nechitoro, ungashandisa uku kusvika kupfupi nebhuku ra“Kurarama Nokusingaperi”:
◼ “Nhasi tiri kuita basa chairo kuvanhu vebhizimisi venzanga. Tose zvedu tinonetseka nokuwedzera kwoutsotsi nemasimba masimba munharaunda yedu. Munorangarira kuti munhu upi noupi ane mhinduro chaiyoiyo yechinetso chacho here? [Bvumira mhinduro.] Mwari ane mhinduro.” Tendeukira kupeji 14 yebhuku raKurarama Nokusingaperi; rava uye tsinhira pana Zvirevo 2:21, 22 iri mundima 15. Ratidza musoro weganhuro 16, uye govera bhuku racho.
7 Pakuita shanyo yedzokerero pamunhu webhizimisi uyo wakagovera bhuku ra“Kurarama Nokusingaperi,” ungataura izvi:
◼ “Pashanyo yangu yokupedzisira, ndakadudza kuti Mwari ndiye bedzi ane chaizvoizvo mhinduro yechigarire youtsotsi nemasimba masimba. Maererano nechipikirwa chake, tinogona kuvimba kuti pasi rine rugare richawanwa. Cherekedzai chisarudzo chakaiswa pamberi pomumwe nomumwe wedu.” Rava ndima 4 papeji 159 yebhuku raKurarama Nokusingaperi, kubatanidza Pisarema 37:35-38. Tsinhira pamusoro pemufananidzo uri pamapeji 156-7, uye rava mutsetse wokutanga wendima 10. Karakadza fundo yeBhaibheri yepachena, ichaitwa panzvimbo yavo yebhizimisi kana kuti zvimwe mumusha mavo.
8 Se“vashandi pamwe chete naMwari,” tine chikonzero chiri chose chokuva vane chivimbo pakupa mashoko akanaka. (1 VaK. 3:9, NW) Kuchengeta kwedu ichi chimiro chendangariro kuchaguma nechikomborero chikuru chaJehovha.