Shoko raMwari Rinogovera Nhungamiro
1 “Tiri kurarama munyika ine zvinetso zvakanyanyowanda uye mhinduro shomanene zvikuru kwazvo. Mamiriyoni mazhinji anogarorumwa nenzara. Zviverengero zvinowedzera zvakapindwa muropa nemirimo. Mhuri zhinji kwazvo dziri kuputsika. Vatano yapakati pehama dzokunyama namasimba masimba emhuri zvinopfuurira kuva munhau. Mhepo yatinofema nemvura yatinonwa zviri kuiswa chepfu pashoma napashoma. Kuri zvino, vazhinjizhinji vedu varikukuvadzwa noutsotsi.”
2 Rinotanga kudaro bhuku raBhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu? Sumo yaro yakatokodzera zvikuru nhasi kupfuura apo bhuku racho rakabudiswa makore manomwe apfuura. Vanhu vanoda kuziva kuti Shoko raMwari rinopa nhungamiro uye rinogovera mhinduro kuzvinetso zvose zvinovatambudza. Tichaedza kubetsera vanhu muna December kupfurikidza nokuvagovera bhuku raBhaibheri iShoko raMwari Here—Kana Kuti Romunhu? Chokwadika, kungosiya chete bhuku riine munhu haisi vimbiso yokuti iye achagamuchira nhungamiro yaMwari. Tinofanira kuita shanyo dzedzokerero tiine nharidzano yokutanga fundo yeBhaibheri. Betsero inovimbiswa kana tikashandisa nhamburiko yakadaro. (Mat. 28:19, 20) Hedzino mharidzo dzinokarakadzwa:
3 Kana ukasangana nomunhu mukuru, ungaedza uku kusvika:
◼ “Ndingakubvunzaiwo here: Apo makanga muri muduku, vanhu vaiva munzanga vaibatana sei? [Bvumira mhinduro.] Zvinhu zvasiyana zvikuru zvino, hazvina here? Chii chamunofunga kuti chikonzero chokuchinja kwacho? [Bvumira mhinduro.] Tiri kuona chaizvoizvo kuzadzikwa kwouporofita huri muBhaibheri. [Rava 2 Timotio 3:1-5.] Kunze kwokurondedzera nyika zvakarurama sezvairi nhasi, Bhaibheri rinopikira nyika iri nani munguva yemberi iri pedyo. Nokuda kwechikonzero ichocho tiri kukurudzira munhu ari wose kurava Bhaibheri. Ratidza bhuku raBhaibheri iShoko raMwari Here—Kana Kuti Romunhu?, uye ratidza ganhuro 10, rinotsanangura humwe huporofita hwatakaona huchizadzikwa. Govera bhuku racho nokuda kwemupiro wenguva dzose.
4 Apo unodzokerera munhu mukuru uyo wakagovera bhuku racho, ungagona kuti:
◼ “Apo takapedzisira kutaura, takabvuma kuti munzira zhinji nzanga yazvino uno yachinja nokuda kwezvakaipa zvikuru zvichienzaniswa neizvo upenyu hwakanga hwakaita makore mashomanene chete apfuura. Zvisinei, ndadzoka kuzokuratidzai kuti Bhiabheri rinoonesa kariro yenyika iri nani zvikuru munguva yemberi. [Rava Zvakazarurwa 21:3, 4.] Kuziva kuti iri iShoko raMwari kunofanira kutikurudzira kunzvera ichozve Bhaibheri rinotaura.” Vhura bhuku raShoko raMwari paganhuro 14, uye rava ndima 3-4. Karakadza fundo yaBhaibheri yapachena.
5 Kana ukapinza munhu muduku mukurukurirano, ungagona kuti:
◼ “Ndingada kukubvunza mubvunzo: Semunhu muduku, unonzwa kuti pane chikonzero chokuva nechivimbo pamusoro peramangwana here? Ramangwana rinotarisika sei kwauri? [Bvumira mhinduro.] Sezvineiwo, pane chikonzero chaichoicho chokuva netariro pamusoro peramangwana. [Rava Pisarema 37:10, 11.] Sezvo vanhu vaine mirangariro yakasiyana-siyana yeBhaibheri nezviri mariri, takabudisa iri bhuku, Bhaibheri iShoko raMwari Here—Kana Kuti Romunhu? Cherekedza zvikonzero zvarinopa zvokurava Bhaibheri. [Rava ndima 16-17 pamapeji 10-11.] Tangopwiswa kuti icho Bhaibheri rinotaura ndechechokwadi, tinosvika pakuva netariro ine chokwadi yeramangwana. Kana uchida kurava iri bhuku, ndichafara kukusiyira kopi.”
6 Apo unodzokera kuzoona munhu muduku akagamuchira bhuku ra“Shoko raMwari”, ungavamba nokuti:
◼ “Ndakaonga kunzwa kuitira hanya kwaunoita pamusoro peramangwana. Yeuka kuti ndakakuratidza rugwaro rweBhaibheri runotivimbisa nguva yemberi inofadza neyakachengeteka. Heruno rumwe. [Rava Zvakazarurwa 21:3, 4.] Bhuku randakakusiyira rinopa chibvumikiso chinopwisa chokuti Bhaibheri iShoko raMwari, kwete romunhu. Idi iroro rine revo huru. Cherekedza izvo dziri. [Rava ndima 1-2 pamapeji 184-5.] Kana uchida, ndichafara kufunda Bhaibheri newe pasina mutengo.” Kana fundo ikabvumwa, bvunza kana munhu wacho ane kopi yeBhaibheri. Kana asina, govera New World Translation nokuda kwe$30,00 kana munhu wacho achinzwisisa chiNgezi.
7 Munhu asingazivi kwokutendeukira nokuda kwenhungamiro yokugonana nezvinetso zvoupenyu angadavidza kune uku kusvika:
◼ “Tinorarama panguva apo anenge munhu ari wose anotarisana nezvinetso zvakakomba. Vazhinji vanotendeukira kumarudzi ose evapi vamazano nokuda kwenhungamiro. Vamwe vanotendeukira kumidzimu nokuda kwebetsero. Ndokupi kwamunofunga kuti tinogona kuwana zano rakanaka richatishandira chaizvoizvo? [Bvumira mhinhuro.] Bhaibheri rinotaura idi rinokosha iro tose zvedu tinofanira kunzwisisa.” Rava Jeremia 10:23. Vhura Bhaibheri iShoko raMwari Here—Kana Kuti Romunhu papeji 187, uye rava ndima 9. “Iri bhuku richakubetserai kunzwisisa nzira iyo, muUmambo hwaMwari, zvinetso zvedu zvose zvichabviswa nayo. Mungada kurirava here?” Kana rikabvumwa, govera bhuku racho nokuda kwemupiro wenguva dzose.
8 Kana pashanyo yokutanga wakataura pamusoro pokuda nhungamiro kwomunhu, ungagona kupfuudzira kurukurirano yacho pashanyo yedzokerero kupfurikidza nokuti:
◼ “Apo takatanga kusangana, takabvuma kuti tinoda nhungamiro inobva kuna Mwari kana tichizogonana nezvinetso zvoupenyu nenzira inobudirira. Pamusoro paikoko, ndinofunga muchaonga tsinhiro dzokupedzisira dzinoitwa mubhuku randakakusiyirai. [Rava ndima 12-13 papeji 189 mubhuku raShoko raMwari.] Ndinofara kukukarakadzirai kosi yefundo yeBhaibheri yapachena yapamusha, uye ndakagadzirira kuienzanisira kwamuri iye zvino.”
9 Jehovha achakomborera nhamburiko dzedu sezvo tinobetsera vakuru navaduku zvakafanana kunzwisisa ukoshi hweShoko raMwari nenhungamiro yaro muupenyu hwedu.—Pis. 119:105.