RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 3/98 p. 8
  • Roverera Muvamwe Tariro Youpenyu Husingaperi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Roverera Muvamwe Tariro Youpenyu Husingaperi
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
  • Mashoko Akafanana
  • Zivo Inobva Kuna Mwari Inopindura Mibvunzo Yakawanda
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • “Ikoku Kunoreva Upenyu Husingaperi”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • Mharidzo Dzingangoshandiswa Mubasa Romumunda
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • Dzokera Kunoponesa Vamwe
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
km 3/98 p. 8

Roverera Muvamwe Tariro Youpenyu Husingaperi

1 Kunyange zvazvo munhu akatsvaka nzira dzokuderedza nadzo kukwegura ndokutambanudza urefu hwoupenyu hwake, kukwegura norufu zvichiri zvisingadzivisiki. Tinoonga sei kuti Bhaibheri rinotsanangura kuti chikonzero nei vanhu vachikwegura ndokufa, mukuwedzera kukutsanangura kuti migumisiro yakaipa yokukwegura ichabviswa sei uye kuti rufu ruchabviswa. Zvokwadi idzi dzinopiwa nomutoo unopwisa mubhuku raZivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. Bhuku racho rinopindura zvakajeka mibvunzo inovhiringidza youpenyu norufu, richitungamirira muravi kunguva ichadzorerwa Paradhiso.

2 Muna March tichagovera bhuku raZivo nevavariro yokutanga fundo dzeBhaibheri dzepamusha. (Mat. 28:19, 20) Ipapo tichaita shanyo dzedzokerero kuvose vanoratidza kufarira shoko roUmambo. Nenzira iyi ticharoverera muvamwe tariro youpenyu husingaperi. (Tito 1:2) Kuti uite izvi, ungawana zvikarakadzo zvinotevera zvichibetsera.

3 Pakuita shanyo yokutanga, ungabvunza mubvunzo uyu:

◼ “Makamboshamisika here kuti nei vanhu vachipanga upenyu hurefu zvikuru? [Bvumira mhinduro.] VaBuddha, vaKristu, vaHindu, vaMuslim, uye vamwe vose vane tariro youpenyu pashure porufu.” Vhura bhuku raZivo paganhuro 6, “Nei Tichikwegura Ndokufa?,” uye rava ndima 3. Rangarira magwaro akaratidzwa. Uchinongedzera kumibvunzo miviri iri kwokupedzisira kwendima yacho, bvunza saimba kana angada kuzvionera mhinduro dzacho. Kana achishuva kuita izvozvo, pfuurira kukurukura ndima shomanene dzinotevera. Fundo iri kutangwa! Kana zvisina kudaro, govera bhuku racho pamupiro wenguva dzose uye ronga kudzoka, zvichida muzuva rimwe kana kuti maviri, kuti uzokurukura mhinduro dzacho.

4 Pakudzokera kwakagoverwa bhuku ra“Zivo”, ungagona kuti:

◼ “Ndadzoka kuzorangarira mibvunzo miviri pamusoro porufu yatakasiya isina kupindurwa.” Yeuchidza saimba mibvunzo yacho. Ipapo kurukura mashoko ari muganhuro 6 pasi pomusoro muduku unoti “Rangano Inokuvadza.” Zvichitsamira pamamiriro ezvinhu, pfuudzira fundo yacho kana kuti zvimwe shandisa mubvunzo wokupedzisira pamugumo weganhuro 7 kuti utange hwaro hwenguva inotevera. Ita gadziriro chaidzo dzokudzoka. Ipa saimba wacho hendibhiri, uye rondedzera nokupfupikisa kuti misangano yeungano inoitwa sei. Mukoke noushamwari kuti auye.

5 Mubasa repasuo nesuo kana kuti kupupura kusina kurongwa, ungatanga kurukurirano kupfurikidza nokuti:

◼ “Makamboshamisika here kuti ramangwana rinei nokuda kwedu uye nokuda kwapasi? [Bvumira mhinduro.] Bhaibheri rinopfupikisa ramangwana neshoko rimwe—Paradhiso! Rinotsanangura kuti pakuvamba, Mwari akaita kuti chimwe chikamu chapasi chive paradhiso yakaisvonaka maakaisa vanhu vaviri vaakanga asika. Vaizozadza pasi rose, pashoma napashoma vachirishandura kuva paradhiso. Cherekedzai rondedzero yechayaizofanira kuve yakaita.” Vhura bhuku raZivo papeji 8, uye rava ndima 9, pasi pomusoro muduku unoti “Upenyu Muparadhiso.” Pashure pezvo kurukura mifungo iri mundima 10, uye rava rugwaro rwakaratidzwa, Isaya 55:10, 11. Karakadza kupfuudzira kukurukura zvichave zvakaita upenyu muParadhiso ichadzorerwa uye kuzofukidza ndima 11-16 pamwe chete. Kana kuti kurudzira munhu wacho kudzirava ari oga, uye ronga kuonana zvekare ndokudzikurukura.

6 Kana fundo isina kutangwa pakuvamba, ungagona kuedza kuita saizvozvo pashanyo yedzokerero kupfurikidza nokuti:

◼ “Sezvatakakurukura mukurukurirano yedu yokupedzisira, chinangwa chaMwari kuti pasi rose rishandurwe kuva paradhiso. Izvozvo zvinomutsa mubvunzo wokuti, Paradhiso ichava yakaita sei?” Vhura bhuku raZivo paganhuro 1, uye fundai ndima 11-16, pasi pomusoro muduku unoti “Upenyu Muparadhiso Ichadzorerwa.” Pashure pezvo ratidza mufananidzo uri papeji 4-5, uye bvunza munhu wacho kana angada kurarama mumhoteredzo dzakaisvonaka dzakadaro. Ipapo rava mutsetse wokutanga wendima 17 papeji 10. Zvichitsamira pamamiriro ezvinhu, pfuudzira fundo yacho kana kuti taura kuti pashanyo yako inotevera uchatsanangura zvinodikanwa kuitira kuti munhu ararame muParadhiso ichadzorerwa. Siya hendibhiri, tsanangura rudungwe rwemisangano, uye noushamwari koka munhu wacho kuuya kuHoro yoUmambo.

7 Bhuku raZivo chishandiso chakaisvonaka chokushandisa mukuratidza vamwe “upenyu husingaperi” hwakapikirwa naMwari. Kuitisa kwako fundo dzeBhaibheri dzepamusha vanhu kunogona kuroverera mavari tariro iyi yakaisvonaka yakafuridzirwa naMwari “usingatongorevi nhema.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe